ShonaTeam » Revelation » 19

Kuwa kweBhabhironi mufaro kudenga

19Zvino shure kweizvi ndakanzwa inzwi guru rechaunga chikuru kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu; 2 nokuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, uye wakatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo. 3 Zvino vakati rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hunokwira kusvikira rinhi narinhi. 4 Zvino vakuru makumi maviri nevana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawa vakanamata Mwari wakange agere pachigaro cheushe, vachiti: Ameni, Hareruya! 5 Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mese varanda vake, nevanomutya, zvese vadiki nevakuru. 6 Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kune simba richiti: Hareruya! Nokuti anotonga Ishe Mwari Wemasimbaose. 7 Ngatifare, tipembere, nekupa rukudzo kwaari; nokuti muchato weGwayana wasvika, uye mukadzi waro wazvigadzirira. 8 Kwaari kwakapiwa kuti amonere mucheka wakaisvonaka wakachena uye unopenya; nokuti rineni yakapfava ndiyo kururama kwevatsvene. 9 Zvino wakati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokwa kuchirairo chemuchato weGwayana. Ndokuti kwandiri: Awa mashoko echokwadi aMwari. 10 Zvino ndakawira pamberi petsoka dzake kuti ndimunamate; ndokuti kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nokuti ndihwo uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita.

Kristu anokunda chikara nemuporofita wenhema

11 Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, newakange agere pamusoro paro anonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama anotonga nekurwa. 12 Zvino meso ake akaita semurazvo wemoto; nepamusoro wake pane korona zhinji, ane zita rakanyorwa risina munhu wakariziva kunze kwake. 13 Zvino wakamonera nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi shoko raMwari. 14 Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka mucheka wakaisvonaka muchena wakashambidzika. 15 Zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye iye achaatonga netsvimbo yedare; uye iye anotsika chisviniro chewaini chehasha uye chekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose. 16 Uye panguvo nepachidzva chake pakange pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WEMADZIMAMBO NAISHE WEMADZISHE. 17 Zvino ndakaona mutumwa umwe amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzese dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai muungane pamwe pachirairo chaMwari mukuru, 18 kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza neyevatasvi vawo, nenyama yezvese, zvese yevakasununguka neyevakasungwa, zvese yevadiki neyevakuru. 19 Zvino ndakaona chikara, nemadzimambo enyika nehondo dzavo vakaungana pamwe kuti vaite hondo newakange akatasva bhiza, uye nehondo yake. 20 Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe nacho muporofita wenhema wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vese vakakandirwa vari vapenyu mudziva remoto unotsva nesarufa. 21 Uye vakasara vakaurawa nemunondo wewakange akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzese dzikagutiswa nenyama yavo.