ShonaTeam » 3 John » 1

Kwaziso

1 Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.

Gayo anorumbidzwa

2 Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira. 3 Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi. 4 Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi. 5 Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni, 6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari. 7 Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni. 8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.

Dhiotirefe anopiwa mhaka. Dhemetrio anorumbidzwa

9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri. 10 Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke. 11 Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari. 12 Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.

Kuonekana

13 Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; 14 asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.