ShonaTeam » 2 Peter » 1

Kwaziso

1 Simoni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu mukururama kwaMwari wedu neMuponesi wedu Jesu Kristu: 2 Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu. 3 Sesimba rake reuMwari rakatipa zvinhu zvese zveupenyu nekunamata Mwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidana kubudikidza nekubwinya uye kunaka; 4 akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti naizvozvi muve vagovani vechizvarirwo cheuMwari, mapukunyuka kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva.

Shingairai pauKristu

5 Zvino nekuda kweizviwo maita kushingaira kwese, wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo, 6 neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora moyo murefu, nepamoyo murefu kunamata Mwari, 7 nepakunamata Mwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo. 8 Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda, hazvikuitii vasingashandi kana vanoshaiwa zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu. 9 Nokuti asina zvinhu izvi, ibofu, anoonera pedo, wakanganwa kunatswa kwezvivi zvake zvekare. 10 Naizvozvo, hama, shingairai zvikuru kusimbisa kudanwa nekusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi narinhi. 11 Nokuti saizvozvo muchawedzerwa zvakanyanya kupinda muushe husingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. 12 Naizvozvo handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzese, kunyange muchiziva, uye makasimbiswa pachokwadi chiripo. 13 Uye ndinoona zvakanaka kuti kana ndichingori mutabhenakeri ino chete ndikumutsei nechiyeuchidzo; 14 ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetabhenakeri yangu, Ishe wedu Jesu Kristuwo sezvaakandiratidza. 15 Asi neni ndichashingaira kuti nguva dzese shure kwekuenda kwangu muve nechiyeuchidzo chezvinhu izvi. 16 Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nenjere patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takange tiri vakazvionera kubwinya kwake. 17 Nokuti wakagamuchira kubva kuna Mwari Baba rukudzo nekubwinya, inzwi rakadai parakasvika kwaari pakubwinya kukuru-kuru richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodika, wandinofara maari ini; 18 uye inzwi iri isu takarinzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene. 19 Uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchirichenjerera sekumwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu; 20 muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yemwene wacho. 21 Nokuti hakuna kumbouyiswa chiporofita nechido chemunhu, asi vanhu vatsvene vaMwari vakataura vachisundwa neMweya Mutsvene.