ShonaTeam » 1 Peter » 5

Vakuru nevadiki

5Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa. 2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido, 3 kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa, asi muri mifananidzo yeboka. 4 Zvino Mufudzi mukuru paachaonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari. 5 Saizvozvo, vadiki, zviisei pasi pevakuru, uye mese muzviise pasi umwe kune mumwe, mupfekedzwe nekuzvininipisa, nokuti Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa. 6 Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira, 7 muchikandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kwese, nokuti iye ane hanya nemwi. 8 Svinurai, rindai, nokuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba anofamba-famba achitsvaka waangapedza; 9 mumupikise makasimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika. 10 Asi Mwari wenyasha dzese, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye anokupedzeredzai nekukutsigisai, nekukupai simba, nekukuteyai. 11 Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.

Kuwonekana

12 NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri, pakufunga kwangu, ndanyora nepadiki, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari, dzamumire madziri. 13Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMariko mwanakomana wangu. 14 Kwazisanai nekutsvoda kwerudo. Rugare kwamuri mese muri muna Kristu Jesu. Ameni.