ShonaTeam » James » 5

Vafumi vasina tsitsi vanotukwa

5Uyai ikozvino imwi vafumi, rirai muridze mhere nekuda kwematambudziko enyu anokuwirai. 2 Fuma yenyu yakaora, uye nguvo dzenyu dzakava dzakafusiwa. 3 Goridhe renyu nesirivheri zvava nengura; uye urari hwazvo huchava chapupu kwamuri, uye huchadya nyama yenyu semoto. Makazvichengetera fuma pamazuva ekupedzisira. 4 Tarira, mubairo wevaranda vakacheka minda yenyu, yakanyimwa nemwi nekunyengera, unodanidzira; nekuchema kwevacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo. 5 Makagara muumbozha panyika, uye makakarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sepazuva rekubaya. 6 Makapa mhosva, makauraya wakarurama; haakupikisii.

Ivai nemoyo murefu

7 Naizvozvo ivai nemoyo murefu, hama, kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarira, murimi anomirira chibereko chinokosha chevhu, anochiitira moyo murefu, kusvikira chagamuchira mvura yekutanga neyekupedzisira. 8 Imwiwo ivai nemoyo murefu; simbisai moyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwaswedera. 9 Musanyunyutirana, hama, kuti murege kupiwa mhosva; tarira, mutongi amire pamukova. 10 Torai vaporofita semuenzaniso wekutambudzika, hama dzangu, newemoyo murefu, vakataura nezita raIshe. 11 Tarira, tinoti vakaropafadzwa vanotsungirira; makanzwa zvekutsungirira kwaJobho, uye makaona kuguma kwaIshe, kuti Ishe ane moyo munyoro kwazvo uye ane tsitsi.

Musapika

12 Asi pamberi pezvese, hama dzangu, musapika, kana nedenga, kana nenyika, kana nekumwe kupika kupi; asi hongu yenyu ngaive hongu, uye kwete, kwete; kuti murege kuwira mukutongwa.

Kunyengetera kune simba

13 Kune umwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Pane anofara here? Ngaaimbe mapisarema. 14 Pane anorwara pakati penyu here? Ngaadane vatariri vekereke; uye ngavanyengetere pamusoro pake, vachimuzodza namafuta muzita raIshe; 15 uye munyengetero werutendo uchaponesa anorwara, uye Ishe achamumutsa; zvino kana akaita zvivi, achazvikanganwirwa. 16 Reururiranai zvivi, uye nyengetereranai, kuti muporeswe. Munyengetero wakasimba wewakarurama une simba zvikuru. 17 Eria wakange ari munhu wemanzwiro akafanana nesu, akanyengetera nemoyo wese kuti kusanaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu; 18 zvino wakanyengeterazve; denga ndokupa mvura, nyika ikabereka chibereko chayo. 19 Hama, kana umwe pakati penyu achitsauka kubva pachokwadi, umwewo akamudzora, 20 ngaazive kuti uyo anodzora mutadzi pakutsauka kwenzira yake, achaponesa mweya parufu nekufukidza zvivi zvizhinji.