ShonaTeam » Hebrews » 5

5Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe, wakatorwa kubva kuvanhu, anogadzirwa vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abaire zvese zvipo nezvibairo nekuda kwezvivi; 2 iye anogona kuva nemoyo munyoro pane vasingazivi nevakatsauka, sezvo naiye akakomberedzwa neutera. 3 Uye nekuda kwaizvozvi anofanira kubaira zvivi, sezvaanobaira zvevanhu, zvakadaro nekwaari. 4 Zvino hakuna munhu angazvitorera rukudzo uru, asi uyo wakadanwa naMwari, saAroniwo. 5 Saizvozvo Kristuwo haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka. 6 Sepamwewo anoti: Ndiwe mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki. 7 Iye pamazuva enyama yake, abaira minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa nekuda kwekutya Mwari, 8 kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera kubva pazvinhu zvaakatambudzika, 9 akatiwo aitwa wakaperedzerwa, akava muvambi weruponeso rwusingaperi kune vese vanomuteerera; 10 anzi naMwari mupristi mukuru kubva kurudzi rwaMerikizedheki.

Vatendi vanofanira kupfuvurira mberi parutendo

11 Watine zvizhinji zvatingataura pamusoro pake zvinoremawo kududzira, zvamakagomara pakunzwa. 12 Nokuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi nekuda kwenguva, makashaiwazve kuti kuve neanokudzidzisai kuti zvimiso zvekutanga zvemashoko aMwari zvii, uye mava vanoda mukaka, uye kwete kudya kukukutu. 13 Nokuti ani nani anodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama; nokuti mucheche. 14 Asi kudya kukukutu ndekwevakura zvakazara, ivo nekurovedzwa vakadzidzisa pfungwa kuparadzanisa zvese zvakanaka nezvakaipa.