ShonaTeam » Hebrews » 3

Kristu mukuru kuna Mozisi

3Naizvozvo, hama tsvene, vagovani vekudanwa kwekudenga, rangarirai muapositori nemupristi mukuru wekupupura kwedu, iye Kristu Jesu, 2 wakatendeka kuna iye wakamugadza, saMozisiwo muimba yake yese. 3 Nokuti uyu wakanzi wakafanira rukudzo kupfuura Mozisi, sezvo anovaka imba ane rukudzo kuipfuura. 4 Nokuti imba imwe neimwe inovakwa neumwe; asi anovaka zvese ndiMwari. 5 Zvino Mozisi zvirokwazvo wakanga akatendeka muimba yake yese semuranda, kuti huve uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa; 6 asi Kristu seMwanakomana pamusoro peimba yake; imba yake yatiri isu, kana chete tikabatisisa kushinga nekuzvirumbidza kwetariro kusvika pakuguma. 7 Naizvozvo sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, 8 musaomesa moyo yenyu, sepakumukira, nezuva rekuedzwa murenje, 9 madzibaba enyu paakandiedza, vachindinzvera, ndokuona mabasa angu makore makumi mana. 10 Naizvozvo ndakatsamwiswa nezera iro, ndokuti: Vanogara vachitsauka pamoyo; uye ava havana kuziva nzira dzangu; 11 naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangatongopindi pazororo rangu. 12 Chenjererai, hama, kuti kusava nemoyo wakashata wekusatenda pakati peumwe neumwe wenyu, pakutsauka kubva kuna Mwari mupenyu; 13 asi kurudziranai pazuva nezuva, kuchanzi nhasi; kuti kurege kuva neumwe wenyu anoomeswa nekunyengera kwechivi; 14 nokuti tava vagovani vaKristu, kana chete tichibatisisa kuvamba kwechivimbo kusvikira pakuguma; 15 kuchanzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu, sepakumukira. 16 Nokuti vamwe vakati vanzwa vakamukira, asi havasi vese vakabva Egipita kubudikidza naMozisi. 17 Asi wakatsamwiswa nani makore makumi mana? Havasi ivo vakatadza here, vane mitumbi yakawira murenje? 18 Uye ndivana ani vaakapikira kuti havangapindi pazororo rake, kunze kweavo vasina kutenda? 19 Zvino tinoona kuti vakange vasingagoni kupinda nekuda kwekusatenda.