ShonaTeam » 1 Thessalonians » 5

Kuuya kwaIshe

5Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe, 2 nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika; 3 nokuti pavanoti: Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki. 4 Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha. 5 Imwi mese muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima; 6 naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke. 7 Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku. 8 Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive ngowani. 9 Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu, 10 wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye. 11 Saka kurudziranai, muvakane, sezvamunoitawo.

Kunyevera kwekupedzisira nekuonekana

12 Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai, 13 uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu. 14 Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vese. 15 Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzese teverai zvakanaka, zvese pakati penyu nekune vese. 16 Farai nekusingaperi; 17 nyengeterai musingamiri; 18 vongai pazvinhu zvese; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi. 19 Musadzima Mweya; 20 musazvidza zviporofita; 21 idzai zvinhu zvese; mubatisise zvakanaka; 22 ibvai pakuonekwa kwese kwekuipa. 23 NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya wenyu wese, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. 24 Wakatendeka iye anokudanai, achazviitawo. 25 Hama, tinyengetererei. 26 Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene. 27 Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzese. 28 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.