ShonaTeam » Ephesians » 2

Ruponeso inyasha dzaMwari

2Wakakuraramisai, imwiwo makange makafa mukudarika nemuzvivi, 2 izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera; 3 vataifamba tesewo pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, uye pachisikirwo taiva vana vekutsamwirwa, sevamwewo. 4 Asi Mwari, wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo, 5 kunyange takange takafa mukudarika, wakatiraramisa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha); 6 akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekudenga muna Kristu Jesu; 7 kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu. 8 Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari; 9 hazvibvi pamabasa, kuti kusava neanozvikudza. 10 Nokuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, Mwari aakagara agadzira, kuti tifambe maari.

VaJudha nevahedheni vakasanganiswa muna Kristu Jesu

11 Naizvozvo rangarirai kuti imwi maimbova vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa nechinonzi kudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko, 12 kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwaIsraeri, uye vatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika. 13 Asi ikozvinowo muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, mava pedo neropa raKristu. 14 Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, uye wakaputsa mudhuri wapakati wekuparadzanisa, 15 aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga, kuti asike maari vaviri vave munhu umwe mutsva, aite rugare, 16 uye ayananise vaviri kuna Mwari mumuviri umwe kubudikidza nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo, 17 uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo; 18 nokuti kubudikidza naye tese tine mapindiro neMweya umwe kuna Baba. 19 Naizvozvo zvino hamusisiri vaeni uye vatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene uye veimba yaMwari. 20 Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe repakona. 21 Maari imba yese yakabatanidzwa ikure ive tembere tsvene muna Ishe. 22 Maari nemwiwo makavakwa pamwe muve ugaro hwaMwari muMweya.