ShonaTeam » 2 Corinthians » 7

7Zvatine zvivimbiso izvi, vadikanwi, ngatizvinatse patsvina yese yenyama neyemweya, tipedzise utsvene mukutya Mwari.

Mufaro waPauro pamusoro pavo kuti vakateerera mashoko etsamba yake

2 Gamuchirai isu; hatina kuitira munhu chakaipa, hatina kukanganisira munhu, hatina kubatira munhu. 3 Handitauriri kupa mhosva; nokuti ndamboreva, kuti muri mumoyo medu, kuti tife nekurarama pamwe. 4 Ushingi hwenhauro yangu kwamuri hukuru, kuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndakazadzwa nenyaradzo, ndakawanzirwa mufaro padambudziko redu rese. 5 Nokutiwo tasvika kuMakedhonia, nyama yedu haina kuva nezororo, asi takadzvinyirirwa pazvese; kunze kukakavara, mukati kutya. 6 Asi Mwari, anonyaradza vakasuruvadzwa, wakatinyaradza nekusvika kwaTito; 7 uye kwete pakusvika kwake chete, asi nepakunyaradzwa kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuwo chenyu, kuchema kwenyu, kushingaira kwenyu pamusoro pangu, zvekuti ndakanyanya kufara. 8 Nokuti kunyange ndakakusuruvadzai netsamba, handizvidembi, kunyange ndichizvidemba; nokuti ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakusuruvadzai, kunyange kuri kwenguva diki. 9 Ikozvino ndinofara, kwete kuti makasuruvadzwa, asi kuti makasuruvadzika mukatendeuka; nokuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nekuda kwedu. 10 Nokuti kuchema nenzira yeuMwari kunouisa kutendeuka rwuve ruponeso rwausingazvidembi narwo; asi kuchema nenzira yenyika kunouisa rufu. 11 Nokuti tarirai, chinhu ichocho, kuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, chakauisa mukati menyu shungu dzakadini, inga kuzvidavirira, inga kutsamwa, inga kutya, inga chishuvo chakasimba, inga kushingaira, inga kutsiva. Pazvese makazviratidza kuti makachena pachiitiko ichi. 12 Naizvozvo kanawo ndakakunyorerai, ndakazviita kwete nekuda kwewakatadza, kana nekuda kwaiye wakatadzirwa, asi kuti kukushingairirai kwedu kuratidzwe kwamuri pamberi paMwari. 13 Nemhaka iyi takanyaradzwa panyaradzo yenyu; hongu takafara zvikuru kwazvo pamufaro waTito, nokuti mweya wake wakavandudzwa kubva kwamuri mese. 14 Nokuti kana ndakazvikudza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handinyadziswi; asi sezvatakataura zvinhu zvese kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvikudza kwedu kuri pamberi paTito kwakava chokwadi. 15 Nehanya dzake dzawedzerwa kwazvo kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mese, kuti makamugamuchira sei nekutya uye kudedera. 16 Ndinofara naizvozvo kuti pazvese ndine chivimbo mamuri.