ShonaTeam » 1 Corinthians » 14 |
Chipo chekuporofita chakanaka kupfuura chipo chendimi
14Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite. 2 Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika. 3 Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo. 4 Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke. 5 Ndinodawo kuti imwi mese mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa. 6 Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso? 7 Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa rudimbwa? 8 Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo? 9 Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo. 10 Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu. 11 Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri. 12 Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke. 13 Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire. 14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu hadzina chibereko. 15 Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo. 16 Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura? 17 Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi. 18 Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mese; 19 asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi. 20 Hama, musava vana pafungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru. 21 Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe. 22 Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda. 23 Naizvozvo kana kereke yese yaungana panzvimbo imwe, vese ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here? 24 Asi kana vese vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevese, aongororwe nevese; 25 uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
Zvese ngazviitwe nemutoo wakanaka mukereke
26 Zvino chii, hama? Pega-pega pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvese ngazviitirwe kuvaka. 27 Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire. 28 Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaataure kwaari nekuna Mwari. 29 Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge. 30 Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare. 31 Nokuti mese mungaporofita umwe-umwe, kuti vese vadzidze, uye vese vakurudzirwe; 32 nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita. 33 Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ese evatsvene. 34 Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo. 35 Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke. 36 Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri mega here? 37 Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe. 38 Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi. 39 Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi. 40 Zvinhu zvese ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana.