ShonaTeam » 1 Corinthians » 1

Kwaziso nekuvonga

1 Pauro wakadanwa kuva muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naSositenesi hama, 2 kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadanwa kuva vatsvene, pamwe nevese vanodana kuzita raIshe wedu Kristu Jesu panzvimbo yega-yega, wavo neweduwo: 3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. 4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzese maererano nemwi, nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwamuri muna Kristu Jesu; 5 kuti pachinhu chese makafumiswa maari, panhaurwa yese neruzivo rwese, 6 sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri; 7 kuti hamushaiwi pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa pachena kwaIshe wedu Jesu Kristu, 8 iye achakusimbisaiwo kusvika kumagumo, kuti musava nemhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu. 9 Mwari wakatendeka, wamakadanwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.

Kupesana pakereke paKorinde

10 Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mese mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu, asi muve vakakwana pamurangariro umwe nemuonero umwe. 11 Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu. 12 Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu. 13 Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchinjikwa imwi here, kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here? 14 Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza umwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo; 15 kuti kurege kuva neanoti ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene. 16 Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kweizvi handizivi kana ndakabhabhatidza umwe munhu. 17 Nokuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuzoparidza evhangeri; kwete nenjere dzeshoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKristu ushaiswe maturo.

Uchenjeri hwaMwari neuchenjeri hwenyika

18 Nokuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. 19 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevanzwisisi. 20 Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? 21 Nokuti zvakadaro muuchenjeri hwaMwari nyika neuchenjeri haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari neupenzi hwemharidzo kuponesa vanotenda. 22 Nokuti neVaJudha vanokumbira chiratidzo, VaGirikiwo vanotsvaka uchenjeri; 23 asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuVaJudha chigumbuso, nekuVaGiriki upenzi; 24 asi kune vakadanwa, VaJudha pamwe neVaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari; 25 nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura hwevanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura hwevanhu. 26 Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji vepamusoro; 27 asi Mwari wakasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakasarudza zvinhu zveutera zvenyika, kuti anyadzise zvine simba; 28 nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo; 29 kuti kusava nenyama ingazvikudza pamberi pake. 30 Asi naye imwi muri muna Kristu Jesu, wakaitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikunuro; 31 kuti sezvazvakanyorwa zvichinzi: Anozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.