ShonaTeam » Romans » 15

Gamuchirai vamwe sezvamakagamuchirwa naKristu

15Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu. 2 Naizvozvo umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakumuvaka. 3 Nokuti naKristu haana kuzvifadza iye, asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu. 4 Nokuti zvese zvakagara zvanyorwa, zvakagara zvanyorerwa kudzidza kwedu, kuti nemoyo murefu uye nekunyaradza kwemagwaro tive netariro. 5 Asi dai Mwari wemoyo murefu newenyaradzo apa kwamuri kuva nemoyo umwe pakati penyu maererano naKristu Jesu; 6 kuti nemoyo umwe nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu. 7 Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, ruve rukudzo rwaMwari. 8 Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso zvemadzibaba; 9 uye vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo. 10 Uyezve anoti: Farai, vahedheni, pamwe nevanhu vake. 11 Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vese; mumukudzewo imwi vanhu vese. 12 Uyezve Isaya anoti: Uchavapo mudzi waJese, neachasimukira kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba kwaari. 13 Daiwo Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wese uye nerugare muchitenda, kuti muwedzere patariro, nesimba reMweya Mutsvene.

Vuapositori hwaPauro

14 Zvino ini ndomene ndinozivisisa nezvenyu, hama dzangu, kuti nemwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwese, munogonawo kurairana. 15 Asi, hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru, neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeuchidzai, nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari, 16 kuti ndive mushumiri waJesu Kristu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti chibairo chevahedheni chigamuchirike, chichiitwa chitsvene neMweya Mutsvene. 17 Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari; 18 nokuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe, neshoko uye nebasa, 19 musimba rezviratidzo nezvishamiso, musimba reMweya waMwari; naizvozvo kubva paJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu; 20 nokudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, kwete pakambodanwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe; 21 asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa, vachanzwisisa. 22 Nekuda kweizvozviwo ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri; 23 asi ikozvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru kwemakore mazhinji chekuuya kwamuri; 24 saizvozvo kana ndichaenda kuSipania, ndichauya kwamuri; nokuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, nekuperekedzwa nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa muchikamu ndinemwi. 25 Asi ikozvinowo ndinoenda kuJerusarema, ndichishumira vatsvene. 26 Nokuti zvakavafadza Makedhonia neAkaya kupa chimwe chipo varombo vevatsvene vari paJerusarema. 27 Nokuti zvakavafadza, uye vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaisawo ruoko pazvinhu zvavo zvemweya, vane ngavawo rekuvashandira pazvinhu zvenyama. 28 Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndaisa mucherechedzo chibereko ichi kwavari, ndichabva ndiende kuSipania ndichipfuura nekwenyu. 29 Uye ndinoziva kuti kana ndichiuya kwamuri ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu. 30 Zvino ndinokukumbirisai, hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni paminyengetero kuna Mwari pamusoro pangu; 31 kuti ndisunungurwe kune vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu reJerusarema rigamuchirike kuvatsvene; 32 kuti ndiuye kwamuri nemufaro nechido chaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi. 33 Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mese. Ameni.