ShonaTeam » Romans » 14

Nzira yekubata vane utera parutendo

14Zvino ane utera parutendo mugamuchirei, kwete negakava pamaonero. 2 Umwe anotenda kudya zvese, asi ane utera anodya miriwo. 3 Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye asingadyi ngaarege kutonga anodya; nokuti Mwari wakamugamuchira. 4 Iwe ndiwe ani anotonga muranda weumwe? Anomira kana kuwa kuna ishe wake pachake. Achamiswa zvirokwazvo; nokuti Mwari anogona kumumisa. 5 Umwe anotemera zuva kupfuura rimwe zuva; umwe anotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaazivisise mumurangariro wake pachake. 6 Uyo anorangarira zuva, anorirangarira muna Ishe; neasingarangariri zuva, haarangariri muna Ishe; anodya anodya kuna Ishe, nokuti anovonga Mwari; uye asingadyi haadyi muna Ishe, uye anovonga Mwari. 7 Nokuti hakuna umwe kwatiri anozviraramira, uye hakuna anozvifira. 8 Nokuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe. 9 Nokuti naKristu wakafira izvozvi, uye akamuka, akararamazve kuti ave Ishe wevese vakafa nevapenyu. 10 Zvino iwe unotongerei hama yako? Kana newe unozvidzirei hama yako? Nokuti isu tese tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu. 11 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, anodaro Ishe; ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchabvuma kuna Mwari. 12 Naizvozvo zvino umwe neumwe wedu achazvidavirira pachake kuna Mwari. 13 Naizvozvo ngatirege kuva tichatongana; asi zviri nani mutonge izvi, kuti tisaisira hama chigumbuso kana chipinganidzo. 14 Ndinoziva uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba pachacho; asi kune uyo anofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba. 15 Asi kana hama yako ichishungurudzwa nekudya, hauchafambi maererano nerudo. Usamuparadza nekudya kwako, uyo Kristu waakafira. 16 Naizvozvo zvakanaka zvenyu ngazvirege kunyombwa. 17 Nokuti ushe hwaMwari hahusi kudya nechinwiwa, asi kururama nerugare nemufaro muMweya Mutsvene. 18 Nokuti anoshumira Kristu pazvinhu izvi, anogamuchirika kuna Mwari, uye anotendwa kuvanhu. 19 Naizvozvo zvino ngatitsvakisise zvinhu zverugare, nezvinhu zvekuvakana. 20 Rega kuparadza basa raMwari nekuda kwekudya. Zvese zvakachena, asi zvakaipa kumunhu anodya nechigumbuso. 21 Zvakanaka kusadya nyama, kana kunwa waini, kana chimwe hama yako chaingagumburwa nacho kana kukanganiswa kana kushaiwa simba. 22 Iwe une rutendo here? Iva narwo pachako pamberi paMwari. Wakaropafadzwa asingazvitongi pachinhu chaanotendera. 23 Asi asina chokwadi, kana achidya, wava nemhosva, nokuti haadyi nerutendo; uye chese chisingabvi parutendo, chivi.