ShonaTeam » Acts » 3

Petro anoporesa chirema

3Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe. 2 Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere. 3 Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo. 4 Zvino Petro akamudzvokora anaJohwani, akati: Titarire! 5 Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari. 6 Petro ndokuti: Sirivheri negoridhe handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe. 7 Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa. 8 Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari. 9 Uye vanhu vese vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari. 10 Vakamuziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvakange zvaitika kwaari.

Kuparidza kwaPetro

11 Zvino waikamhina wakange aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vese vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru. 12 Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume VaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe? 13 Mwari waAbhurahama newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye agura kumusunungura. 14 Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri, 15 mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kubva kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu. 16 Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mese. 17 Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo. 18 Asi Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vese, kuti Kristu achatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvi. 19 Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pachiso chaIshe dzisvike, 20 uye achatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri; 21 wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvese, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vese kubva panguva dzakare. 22 Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakaita seni; iye muchamuteerera pazvese zvaachataura kwamuri. 23 Uye zvichaitika, mweya umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu. 24 Uye nevaporofita vese kubva kuna Samueri nevakatevera, vese vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa. 25 Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahama: Nemumbeu yako marudzi ese enyika acharopafadzwa. 26 Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvenyu.