ShonaTeam » Acts » 2

Kuuya kweMweya Mutsvene

2Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vese vakange vari pamwe nemoyo umwe. 2 Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sewemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yese mavakange vagere. 3 Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo. 4 Zvino vese vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.

5 Zvino kwaigara paJerusarema VaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwese rwevari pasi pedenga. 6 Zvino mutinhiro uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nokuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwake. 7 Zvino vakakatyamara vese vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vese vanotaura havasi VaGarirea here? 8 Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo? 9 VaPatia neVaMedhia neVaEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokiasi, vePonto neveAsia, 10 neveFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni veRoma, vese VaJudha nevakatendeukira kuVaJudha, 11 VaKrete neVaArabhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari. 12 Zvino vakakatyamara vese, vakashamiswa vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chii? 13 Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vararadza waini inotapira.

Mharidzo yaPetro

14 Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume VaJudha, nevese vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu. 15 Nokuti ava havana kuraradza sezvamunofunga imwi; nokuti iawa rechitatu rezuva; 16 asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti: 17 Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, anodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yese; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope; 18 uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita. 19 Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi. 20 Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya; 21 zvino zvichava kuti ani nani anodana zita raIshe achaponeswa. 22 Varume VaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi momene, 23 iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukauraya; 24 iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo. 25 Nokuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzese; nokuti ari kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. 26 Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro. 27 Nokuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora. 28 Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu. 29 Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvese vakafa uye vakavigwa, neguva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino. 30 Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama achasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe, 31 aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora. 32 Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, watiri zvapupu zvazvo tese. 33 Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino. 34 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi anoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, 35 kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. 36 Naizvozvo imba yese yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakamuita zvese Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi.

37 Zvino vakati vachinzwa izvi vakabaiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nevamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei? 38 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene. 39 Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana. 40 Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka. 41 Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu.

42 Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero. 43 Uye kutya kukawira pamusoro pemweya wega-wega; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori. 44 Nevaitenda vese vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvese panhu pamwe, 45 ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vese, umwe neumwe paaishaiwa napo. 46 Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya kudya nemufaro nemoyo wakachena, 47 vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vese. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa.