ShonaTeam » John » 11

Jesu anomutsa Razaro

11Kwaiva neumwe wairwara, wainzi Razaro weBhetaniya, mumusha waMaria nemukoma wake Marita. 2 Waiva iye Maria wakazodza Ishe nemafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake, hanzvadzi yake Razaro wakange achirwara. 3 Naizvozvo hanzvadzi dzakatumira kwaari dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda anorwara. 4 Jesu wakati anzwa akati: Ukosha uhu hahusviki murufu, asi ndehwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nahwo. 5 Zvino Jesu wakange achida Marita nemunin'ina wake naRazaro. 6 Naizvozvo wakati anzwa kuti anorwara, ipapo akagara mazuva maviri panzvimbo paakange ari. 7 Shure kweizvozvo wakati kuvadzidzi: Hendeizve kuJudhiya. 8 Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi*, VaJudha vachangobva kutsvaka kukutakai nemabwe; zvino moendazve ikoko here? 9 Jesu akapindura akati: Hapana maawa gumi nemaviri masikati here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino. 10 Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hamuna chiedza maari.

11 Wakataura zvinhu izvi, shure kweizvozvo ndokuti kwavari: Shamwari yedu Razaro yarara; asi ndinoenda kuti ndimumutse. 12 Naizvozvo vadzidzi vake vakati: Ishe, kana arere, achanaya. 13 Asi Jesu wakareva zverufu rwake; asi ivo vakafunga kuti anoreva kuzorora kwehope. 14 Naizvozvo ipapo Jesu akavaudza pachena: Razaro wafa. 15 Zvino ndinofara nekuda kwenyu kuti ndakange ndisipo, kuti mugotenda; asi hendei kwaari. 16 Naizvozvo Tomasi, wainzi Dhidhimo, wakati kuvadzidzi pamwe naye: Hendei isuwo kuti tinofa naye.

17 Zvino Jesu wakati achisvika, akawana atova muguva mazuva mana. 18 Zvino Bhetaniya rakange riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi nemashanu kubva ipapo; 19 nevazhinji veVaJudha vakange vauya kuna Marita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo. 20 Zvino Marita wakati anzwa kuti Jesu wouya, akaenda kunomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba. 21 Marita ndokuti kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. 22 Asi naikozvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai. 23 Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve. 24 Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rekupedzisira. 25 Jesu akati kwaari: Ndini kumuka neupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama; 26 uye umwe neumwe anorarama uye anotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here? 27 Akati kwaari: Hongu, Ishe; ini ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, waizouya panyika.

28 Zvino wakati areva izvi akaenda, akanodana Maria munin'ina wake pachivande, akati: Mudzidzisi wasvika, anokudana. 29 Iye wakati achingozvinzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari. 30 Zvino Jesu wakange asati asvika pamusha, asi wakange achiri panzvimbo Marita paakamuchingamidza. 31 Naizvozvo VaJudha vakange vanaye mumba vachimunyaradza, vakati vachiona Maria kuti wakasimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera vachiti: Anoenda kuguva kuti acheme ikoko.

32 Zvino Maria, wakati achisvika pakange pana Jesu, achimuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. 33 Naizvozvo Jesu wakati achimuona achichema, VaJudhawo vachichema vakange vauya naye, akagomera mumweya, akazvitambudza, 34 akati: Mamuradzikepi? Vakati kwaari: Ishe, uyai muone. 35 Jesu akachema misodzi. 36 Zvino VaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei. 37 Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haagoni kuita here kuti uyuwo asafa?

38 Naizvozvo Jesu wakagomerazve mukati make asvika paguva. Zvino raiva bako, nebwe rakange rakaradzikwa pamusoro paro. 39 Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yewakafa akati kwaari: Ishe, wotonhuhwa; nokuti ane mazuva mana. 40 Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari? 41 Naizvozvo vakabvisa ibwe, pakange paradzikwa wakafa. Jesu ndokusimudzira meso kumusoro, ndokuti: Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa. 42 Asi ini ndanga ndichiziva kuti munondinzwa nguva dzese; asi nekuda kwechaunga chakakomberedza ndareva, kuti vatende kuti imwi makandituma. 43 Zvino wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda! 44 Uyo wakange afa ndokubuda, akasungwa makumbo nemaoko nemicheka yeguva, nechiso chake chakapombwa nemucheka wekumeso. Jesu akati kwavari: Musunungurei, mumurege aende.

45 Naizvozvo vazhinji veVaJudha, vakange vauya kuna Maria vakati vaona Jesu zvaakaita, vakatenda kwaari. 46 Asi vamwe vavo vakaenda kuVaFarisi, ndokuvaudza zvinhu Jesu zvaakange aita.

47 Naizvozvo vapristi vakuru neVaFarisi vakaunganidza dare remakurukota, vakati: Todini? Nokuti uyu munhu anoita zviratidzo zvizhinji. 48 Kana tikamurega akadaro, vese vachatenda kwaari; neVaRoma vachauya vakatora zviri zviviri nzvimbo nerudzi rwedu. 49 Asi umwe wavo, Kayafasi, wakange ari mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi, 50 uye hamurangariri kuti zvakatinakira kuti munhu umwe afire vanhu, uye rudzi rwese rurege kuparara. 51 Asi haana kureva izvi pachake, asi zvaakange ari mupristi mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waizofira rudzi urwo, 52 uye kwete rudzi urwo rwega, asi kutiwo aunganidze vana vaMwari vakapararira vave umwe. 53 Zvino kubva pazuva iro vakarangana kuti vamuuraye.

54 Naizvozvo Jesu haana kuzombofamba pachena pakati peVaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, ndokugarako nevadzidzi vake.

55 Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera; vazhinji ndokubuda mumaruwa vakakwira kuJerusarema pasika isati yasvika, kuti vazvichenure. 56 Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munofungei? Kuti haangatongouyi kumutambo here? 57 Zvino vese vapristi vakuru neVaFarisi vakange vapa murairo kuti kana kune anoziva kwaari, azivise, kuti vamubate.