ShonaTeam » John » 2

Jesu anoita chishamiso chekutanga

2Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vakange varipo. 2 NaJesuwo wakange akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato. 3 Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini. 4 Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika. 5 Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai. 6 Zvino kwakange kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semachenuriro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu. 7 Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamuromo. 8 Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wekudya. Vakazvitakura. 9 Mubati wekudya wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vakange vachera mvura vaiziva), mubati wekudya akadana muwani, 10 ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga anoisa waini yakanaka, kana vanyatsonwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.

11 Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.

12 Shure kweizvozvo wakaburukira kuKapenaume, iye, namai vake, nevanin'ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazvinji.

Jesu anonatsa tembere

13 Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema.

14 Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere. 15 Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vese mutembere, nemakwai nenzombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura. 16 Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana. 17 Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza.

18 Naizvozvo VaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi? 19 Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa. 20 Naizvozvo VaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here? 21 Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake. 22 Naizvozvo wakati amuka kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti wakange areva izvi kwavari; ndokutenda rugwaro, neshoko Jesu raakange areva.

23 Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita. 24 Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti wakange achivaziva vese. 25 Uye nokuti wakange asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nokuti wakange achiziva pachake zvakange zviri mumunhu.