ShonaTeam » Luke » 2

Kuberekwa kwaJesu Kristu

2Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chisungo chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yese inyorwe. 2 Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiriya. 3 Vese ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake. 4 NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi, 5 kunonyorwa naMaria mukadzi wakange atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba. 6 Zvakaitika kuti vachipo, mazuva ekusununguka kwake akazadzisika; 7 ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nokuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni.

Vafudzi veBhetirehemu

8 Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda boka ravo usiku. 9 Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru. 10 Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vese; 11 nokuti mazvarirwa nhasi Muponesi, anova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi. 12 Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchawana mucheche akaputirwa nemicheka, arere muchidyiro. 13 Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti: 14 Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, nerugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu.

15 Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa. 16 Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vese Maria naJosefa, nemucheche arere muchidyiro. 17 Vakati vaona, vakazivisa kwese shoko ravakange vaudzwa maererano nemucheche uyu. 18 Zvino vese vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvakange zvataurwa kwavari nevafudzi. 19 Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvese, achifungisisa mumoyo make. 20 Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvese zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari.

Jesu anoiswa mutembere, Simioni naAna

21 Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu.

22 Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe, 23 (sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chese chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe), 24 uye vabaire chibairo sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, hangaiwa mbiri, kana njiva mbiri diki.

25 Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake. 26 Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe. 27 Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu mukati, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo, 28 iye akamutora mumaoko ake, akarumbidza Mwari, achiti: 29 Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu; 30 nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, 31 rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vese; 32 chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri. 33 Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake. 34 Zvino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji muna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa; 35 uye newe, munondo uchagura nemumweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe.

36 Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake. 37 Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati. 38 Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vese vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema.

39 Zvino vakati vapedza zvinhu zvese zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta. 40 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake.

Jesu ane makore gumi nemaviri pakati pevadzidzisi vakuru

41 Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ese pamutambo wepasika. 42 Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo, 43 vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi, 44 asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi. 45 Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka. 46 Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pevadzidzisi, achivateerera, achivabvunza. 47 Vese vakange vachimunzwa vakashamiswa nekunzwisisa nemhinduro dzake. 48 Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichirwadziwa. 49 Akati kwavari: Mainditsvakirei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here? 50 Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari. 51 Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko awa ese mumoyo mavo. 52 Jesu akawedzera panjere nekukura, nepakudiwa naMwari nevanhu.