ShonaTeam » Luke » 1

Shoko rekuvamba

1 Sezvo vazhinji vakabata kuronga nhoroondo yezvinhu zvakavimbika zvizere pakati pedu, 2 sezvavakapa kwatiri ivo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko, 3 zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvese kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro changamire, 4 kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.

Zakaria anoziviswa kuberekwa kwaJohwani Mubhabhatidzi

5 Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti. 6 Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemirairo yese nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa. 7 Uye vakange vasina mwana, nokuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.

8 Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake, 9 maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuhwira apinda mutembere yaIshe. 10 Zvino chaunga chese chevanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira. 11 Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira. 12 Zvino Zakaria wakati achimuona akanetseka, kutya kukamuwira. 13 Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani. 14 Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake. 15 Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, haangatongonwi waini kana zvinodhaka; uye achazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake. 16 Nevazhinji vevana vaIsraeri achatendeusira kuna Ishe Mwari wavo; 17 uye iye achafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa. 18 Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nokuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake. 19 Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, anomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. 20 Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.

21 Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere. 22 Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti akange aona chiratidzo mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumumu. 23 Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.

24 Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti: 25 Ishe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.

Maria anoziviswa kuti achabereka Jesu

26 Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhirieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta, 27 kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara riri Maria. 28 Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe anewe, wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi. 29 Iye wakati achimuona akanetseka neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai. 30 Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nokuti wawana nyasha kuna Mwari. 31 Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu. 32 Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari achapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi. 33 Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo. 34 Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nokuti handizivi murume? 35 Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWekumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari. 36 Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje. 37 Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki. 38 Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.

Maria anondoshanyira Erizabheti

39 Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha; 40 akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti. 41 Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene, 42 akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako! 43 Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kwandiri? 44 Nokuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro. 45 Uye wakaropafadzwa anotenda, nokuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.

Rwiyo rwaMaria rwekurumbidza

46 Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe, 47 nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu; 48 nokuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nokuti tarira, kubva zvino mazera ese achati ndakaropafadzwa. 49 Nokuti ane masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene. 50 Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera kusvika kumazera. 51 Wakaita zvine simba neruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo. 52 Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera. 53 Vane nzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu. 54 Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi, 55 sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi. 56 Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.

Kuberekwa kwaJohwani Mubhabhatidzi

57 Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana. 58 Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye. 59 Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria. 60 Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi achanzi Johwani. 61 Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzako anodaidzwa nezita iri. 62 Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani. 63 Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vese. 64 Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari. 65 Kutya kukawira vese vaigara vakavakomba; nemashoko awa ese akataurwa kunyika yese yezvikomo yeJudhiya. 66 Zvino vese vakanzwa, vakazviisa mumoyo mavo, vachiti: Mucheche uyu achazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.

Kuporofita kwaZakaria

67 Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti: 68 Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira nekuita rudzikunuro kuvanhu vake; 69 akatisimudzira runyanga rweruponeso mumba maDhavhidhi muranda wake; 70 sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare; 71 ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavese vanotivenga; 72 kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene, 73 mhiko yaakapika kuna Abhurahama baba vedu; 74 kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi; 75 muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ese eupenyu hwedu. 76 Newe mucheche, uchanzi muporofita weWekumusoro-soro, nokuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake; 77 kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake mukanganwiro yezvivi zvavo; 78 netsitsi dzemoyo dzaMwari wedu, mauri mambakwedza anobva kumusoro anotishanyira; 79 kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.

80 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.