ShonaTeam » Mark » 16

Kumuka kwaJesu nekuzviratidza kwake

16Sabata rakati rapfuura, Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vauye kunomuzodza. 2 Mangwanani-ngwanani kwazvo nomusi wekutanga wevhiki vakauya kuguva, zuva robuda. 3 Vakati pakati pavo: Ndiani achatikungurusira ibwe kubva pamukova weguva? 4 Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakange rakunguruswa, nokuti raiva guru-guru.

5 Zvino vakati vachipinda muguva, vakaona jaya rakange rigere kurudyi, rakapfeka nguvo refu chena; vakavhunduka; 6 asi rakati kwavari: Musavhunduka; munotsvaka Jesu muNazareta wakarovererwa pamuchinjikwa; wamuka, haasi pano; tarirai panzvimbo pavakange vamuradzika. 7 Asi endai, munoudza vadzidzi vake naPetro kuti anokutungamirirai kuGarirea, muchanomuonako sezvaakakuudzai.

8 Zvino vakabuda nekukurumidza vakatiza paguva; uyezve kudedera nekuvhunduka kwakavabata; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nokuti vakange vachitya. 9 Zvino Jesu wakati amuka mangwanani-ngwanani newekutanga wevhiki, wakaonekwa pakutanga kuna Maria Magidharini, waakabudisa kwaari madhimoni manomwe. 10 Uyo akaenda akaudza avo vaiva naye, pavaichema vachirira. 11 Neava vanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakange aonekwa naye, havana kutenda.

12 Shure kweizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa. 13 Zvino avawo vakaenda vakaudza vakange vasara; naavo vakasavatenda.

14 Pashure wakazviratidza kune vanegumi neumwe vagere pakudya, akatsiura kusatenda kwavo neukukutu hwemoyo, nokuti havana kutenda vaya vakange vamuona amuka. 15 Akati kwavari: Endai munyika yese muparidze evhangeri kuchisikwa chega-chega. 16 Uyo anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; asi asingatendi achapiwa mhosva. 17 Zviratidzo izvi zvichavatevera vanotenda: Muzita rangu vachabudisa madhimoni, vachataura nendimi itsva; 18 vachanonga nyoka; kunyange vakanwa chero chinhu chinouraya, hachingatongovakuvadzi; vachaisa maoko pavarwere, vakapora.

Kukwira kwaJesu

19 Naizvozvo Ishe shure kwekunge ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari. 20 Avo vakabuda, vakaparidza kwese-kwese, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.