ShonaTeam » Matthew » 28

Kumuka kwaJesu nekuzviratidza kwake

28Zvino pakupera kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva. 2 Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro. 3 Kuonekwa kwake kwakange kwakaita semheni nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando. 4 Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa. 5 Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakange arovererwa pamuchinjikwa. 6 Haasi pano; nokuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paakange arere. 7 Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai anokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai.

8 Ndokubva, vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake. 9 Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata. 10 Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako.

11 Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvese zvakaitika. 12 Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto, 13 vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere. 14 Kana izvi zvikazikanwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika. 15 Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparadzirwa pakati peVaJudha kusvikira nhasi.

16 Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira; 17 vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona. 18 Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rese rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika. 19 Endai naizvozvo muite marudzi ese vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene; 20 muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurairai; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ese, kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni.