ShonaTeam » Matthew » 14

Kuurawa kwaJohwani Mubhabhatidzi

14Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu, 2 akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvowo mabasa esimba awa anobata maari. 3 Nokuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake. 4 Nokuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye. 5 Zvino achida kumuuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora semuporofita. 6 Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe. 7 Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti achamupa chipi nechipi chaaizokumbira. 8 Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi. 9 Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe. 10 Akatuma vanhu, akagura Johwani musoro mutirongo. 11 Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake. 12 Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, vakaenda ndokuudza Jesu.

Zvuru zvishanu zvevanhu zvinopiwa kudya

13 Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari ega; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta. 14 Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.

15 Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera kudya. 16 Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye. 17 Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri. 18 Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri. 19 Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, ndokumedura akapa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi ndokupa kuzvaunga. 20 Vakadya vese, vakaguta, vakanonga zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere. 21 Uye vakange vadya vaiva varume vanenge zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana.

Jesu anofamba pamusoro pegungwa

22 Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda. 23 Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari ega kunonyengetera; akati ava madekwani, wakange ari ega ipapo. 24 Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichitambudzwa nemafungu; nokuti mhepo yakange ichipikisa. 25 Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa. 26 Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti chipoko; ndokudanidzira nekutya. 27 Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya. 28 Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura. 29 Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu. 30 Asi wakati achiona mhepo ine simba akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei! 31 Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo rudiki, unokononei? 32 Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara. 33 Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari.

Jesu anoporesa paGenesareti

34 Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti. 35 Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva vakatuma shoko panyika yese iyo yakapoteredza, vakauisa kwaari vese vairwara. 36 Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vese vakabata vakaporeswa.