TSAMBA YEKUTANGA YAJOHWANI 1 Upenyu huri muna Jesu Kristu 1 Icho chakange chiripo kubva pakutanga, icho chatakanzwa, icho chatakaona nemeso edu, icho chatakatarira, uye maoko edu akachibata, cheShoko reupenyu, 2 (uye upenyu hwakaratidzwa, tikahuonawo, uye tinopupura nekukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakange huna Baba, hukaratidzwawo kwatiri); 3 icho chatakaona nekunzwa, tinokuparidzirai, kuti nemwi mudyidzane nesu; uyewo kudyidzana kwedu kuripo naBaba, uye neMwanakomana wavo Jesu Kristu; 4 uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe. Fambai muchiedza muchipupura zvivi zvenyu 5 Zvino iri ishoko ratakanzwa kwaari uye ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose. 6 Kana tichiti tine kudyidzana naye, asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi; 7 asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe, neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chese. 8 Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri. 9 Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikanganwire zvivi, nekutinatsa pakusarurama kwese. 10 Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri. 2 Kristu Jesu Murevereri 1 Vana vangu vadiki, zvinhu izvi ndinokunyorerai, kuti musatadza. Uye kana umwe achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama; 2 uye iye muripo wekuyananisa wezvivi zvedu; kwete wezvedu chetewo, asiwo wezvenyika yese. 3 Uye mune izvi tinoziva kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake. 4 Uyo anoti: Ndinomuziva, asi asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, nemaari chokwadi hachimo; 5 asi ani nani anochengeta shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Naizvozvi tinoziva kuti tiri maari. 6 Uyo anoti anogara maari iye anofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iyewo. Murairo werudo 7 Hama, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo mutsaru, wamakange munawo kubva pakutanga; murairo mutsaru ishoko ramakanzwa kubva pakutanga. 8 Ndinopamha kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nokuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chadovhenekera. 9 Uyo anoti ari muchiedza, achivengawo hama yake, ari murima kusvikira zvino. 10 Uyo anoda hama yake anogara muchiedza, uye hapana chigumbuso maari. 11 Asi uyo anovenga hama yake ari murima, uye anofamba murima, haaziviwo kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. Musada nyika 12 Ndinonyorera imwi, vana vadiki, nokuti zvivi makazvikanganwirwa nekuda kwezita rake. 13 Ndinonyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva uripo kubva pakutanga. Ndinonyorera imwi, vadiki, nokuti makakunda wakaipa. Ndinonyorera imwi, vanana, nokuti makaziva Baba. 14 Ndanyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva iye wakange aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, vadiki, nokuti makasimba, uye shoko raMwari rinogara mamuri uye makakunda wakaipa. 15 Musada nyika, kana zvinhu zviri munyika. Kana umwe achida nyika, rudo rwaBaba harwusi maari. 16 Nokuti zvese zviri munyika, kuchiva kwenyama, nekuchiva kwameso, nekuzvikudza kweupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva panyika. 17 Uye nyika inopfuura, nekuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari anogara kusvika rinhi narinhi. Mupikisi waKristu nekuuya kwaIshe 18 Vana vadiki, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu anouya, naikozvino vazhinji vava vapikisi vaKristu; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira. 19 Vakabuda kwatiri, asi vakange vasiri vanobva kwedu, nokuti dai vaibva kwedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti havasi vese vanobva kwedu. 20 Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kune Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvese. 21 Handina kukunyorerai nokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakutongorina nhema dzingabva pachokwadi. 22 Ndiani murevi wenhema, kunze kwaiye anoramba kuti Jesu ndiKristu? Iye mupikisi waKristu, anoramba Baba neMwanakomana. 23 Ani nani anoramba Mwanakomana haanawo Baba; anobvuma Mwanakomana ana Babawo. 24 Zvino imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri. Kana zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, imwiwo muchagara muMwanakomana nemuna Baba. 25 Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa iye, upenyu husingaperi. 26 Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pevanokutsausai. 27 Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti umwe akudzidzisei; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvese, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari. 28 Uye ikozvino, vana vadiki, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tiregewo kunyadziswa naye pakuuya kwake. 29 Kana muchiziva kuti wakarurama, munoziva kuti umwe neumwe anoita zvakarurama wakaberekwa naye. 3 Vana vaMwari 1 Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vana vaMwari. Nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye. 2 Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita. 3 Uye umwe neumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvaakachena iye. 4 Umwe neumwe anoita chivi anoitawo kusava nemurairo; uye chivi ndiko kusava nemurairo. 5 Uye munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye zvivi hazvimo maari. 6 Ani nani anogara maari haatadzi; ani nani anotadza haana kumuona, kana kumuziva. 7 Vana vadiki, kusava neanokunyengerai; uyo anoita kururama wakarurama, saiye akarurama; 8 uyo anoita chivi anobva kuna dhiabhorosi, nokuti dhiabhorosi anotadza kubva pakutanga. Nechikonzero ichi Mwanakomana waMwari wakaratidzwa kuti aparadze mabasa adhiabhorosi. 9 Ani nani wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nokuti mbeu yake inogara maari; zvino haagoni kutadza, nokuti wakaberekwa naMwari. 10 Mune izvozvi vana vaMwari nevana vadhiabhorosi vanoratidzwa; ani nani asingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, neasingadi hama yake. 11 Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane; 12 kwete saKaini wakabva kune wakaipa, ndokuuraya munin'ina wake. Zvino wakamuurayirei? Nokuti mabasa ake akange akaipa, asi emunin'ina wake akange akarurama. 13 Musashamisika, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai. 14 Isu tinoziva kuti takapfuura murufu tikapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Asingadi hama anogara murufu. 15 Ani nani anovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakutongorina mhondi ine upenyu husingaperi hunogara mairi. 16 Neizvi tinoziva rudo rwaMwari, nokuti iye wakatiradzikira pasi upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira pasi hama upenyu. 17 Asi ani nani ane nhumbi dzenyika, uye achiona hama yake ichishaiwa, ndokumupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari rwunogara sei maari? 18 Vana vangu vadiki, ngatirege kuda pashoko kana parurimi, asi pazviito nepachokwadi. 19 Uye neizvi tinoziva kuti tiri vechokwadi, uye tichavimbisa moyo yedu pamberi pake. 20 Nokuti kana moyo wedu uchitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye anoziva zvinhu zvese. 21 Vadikanwi, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine chivimbo pamberi paMwari; 22 uye chipi nechipi chatinokumbira, tinogamuchira kubva kwaari, nokuti tinochengeta mirairo yake, uye tinoita zvinhu zvinofadza pamberi pake. 23 Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita reMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo. 24 Uye uyo anochengeta mirairo yake anogara maari, naiye maari. Neizviwo tinoziva kuti anogara matiri, kubva paMweya waakatipa. 4 Edzai mweya 1 Vadikanwi, musatenda mweya umwe neumwe, asi muidze mweya, kana yakabva kuna Mwari; nokuti vazhinji vaporofita venhema vakabudira munyika. 2 Neizvi munoziva Mweya waMwari: Wese mweya unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya panyama, unobva muna Mwari. 3 Zvino mweya wese usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi muna Mwari; uye uyu ndiye wemupikisi waKristu, wamakanzwa kuti anouya, naikozvino watova panyika. 4 Imwi munobva muna Mwari, vana vadiki, uye makavakunda; nokuti ari mamuri mukuru kune ari munyika. 5 Ivo vanobva munyika; naizvozvo vanotaura zvinobva munyika, uye nyika inovanzwa. 6 Isu tinobva muna Mwari; uyo anoziva Mwari, anotinzwa; asingabvi muna Mwari, haatinzwi. Kubva pane izvi tinoziva mweya wechokwadi nemweya wekutsauka. Rudo rwese rwunobva kuna Mwari 7 Vadikanwi, ngatidanane; nokuti rudo rwunobva muna Mwari, uye umwe neumwe anoda wakaberekwa kubva muna Mwari, uye anoziva Mwari. 8 Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. 9 Pane izvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa matiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe wega munyika, kuti tirarame kubudikidza naye. 10 Rudo rwuri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave muripo wekuyananisa maererano nezvivi zvedu. 11 Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanira kudanana. 12 Hakuna wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake rwunoperedzerwa matiri. 13 Pane izvi tinoziva kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvinobva paMweya wake. 14 Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana kuva Muponesi wenyika. 15 Ani nani anobvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari. 16 Nesu takaziva uye takatenda rudo Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo, uye anogara murudo anogara muna Mwari, naMwari maari. 17 Pane izvi rudo rwakapedzeredzwa nesu, kuti tive neushingi nezuva rekutonga, nokuti sezvaari iye, nesu takadaro kunyika ino. 18 Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera rwunodzingira kunze kutya, nokuti kutya kune marwadzo; anotya haana kuperedzerwa parudo. 19 Isu tinomuda, nokuti iye wakatanga kutida. 20 Kana umwe achitaura kuti: Ndinoda Mwari, asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti uyo asingadi hama yake yaakaona, anogona sei kuda Mwari waasina kuona? 21 Uye murairo uyu tinawo kubva kwaari, kuti anoda Mwari ngaadewo hama yake. 5 Anotenda kuna Jesu Kristu ndiye anokunda nyika 1 Ani nani anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa kubva kuna Mwari; uye ani nani anoda uyo wakabereka anodawo wakaberekwa kubva kwaari. 2 Pane izvi tinoziva kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, uye tichichengeta mirairo yake. 3 Nokuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; uye mirairo yake hairemi. 4 Nokuti chipi nechipi chakaberekwa kubva kuna Mwari chinokunda nyika; uye uku ndiko kukunda kunokunda nyika, irwo rutendo rwedu. 5 Ndiani anokunda nyika, kana asiri iye anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari? 6 Uyu ndiye wakauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yega, asi nemvura neropa. Zvino Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ichokwadi. 7 Nokuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko, naMweya Mutsvene; uye ava vatatu ndimumwe. 8 Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, nemvura, neropa, uye ava vatatu vanonova chimwe. 9 Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari hwakapfuura kukura; nokuti uhu uchapupu hwaMwari, hwaakapupura pamusoro peMwanakomana wake. 10 Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari pachake; asingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupura maererano neMwanakomana wake. 11 Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake. 12 Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu. Mashoko ekupedzisira 13 Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari. 14 Uye uhu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu zvinoenderana nekuda kwake, anotinzwa; 15 zvino kana tichiziva kuti anotinzwa, zvese zvatinokumbira, tinoziva kuti tine zvichemo zvatakakumbira kwaari. 16 Kana umwe achiona hama yake ichitadza chivi chisiri cherufu, achakumbira, uye achamupa upenyu kune vasingatadzi chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handisi kuti akumbire pamusoro pechichi. 17 Kusarurama kwese chivi; uye chivi chiripo chisiri cherufu. 18 Tinoziva kuti ani nani wakaberekwa kubva kuna Mwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa kubva kuna Mwari anozvichengeta, uye wakaipa haamubati. 19 Tinoziva kuti tiri vanobva kuna Mwari, nenyika yese irere muzvakaipa. 20 Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi. 21 Vana vadiki, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.