TSAMBA YECHIPIRI YAPETRO 1 Kwaziso 1 Simoni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu mukururama kwaMwari wedu neMuponesi wedu Jesu Kristu: 2 Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu. 3 Sesimba rake reuMwari rakatipa zvinhu zvese zveupenyu nekunamata Mwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidana kubudikidza nekubwinya uye kunaka; 4 akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti naizvozvi muve vagovani vechizvarirwo cheuMwari, mapukunyuka kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva. Shingairai pauKristu 5 Zvino nekuda kweizviwo maita kushingaira kwese, wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo, 6 neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora moyo murefu, nepamoyo murefu kunamata Mwari, 7 nepakunamata Mwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo. 8 Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda, hazvikuitii vasingashandi kana vanoshaiwa zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu. 9 Nokuti asina zvinhu izvi, ibofu, anoonera pedo, wakanganwa kunatswa kwezvivi zvake zvekare. 10 Naizvozvo, hama, shingairai zvikuru kusimbisa kudanwa nekusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi narinhi. 11 Nokuti saizvozvo muchawedzerwa zvakanyanya kupinda muushe husingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. 12 Naizvozvo handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzese, kunyange muchiziva, uye makasimbiswa pachokwadi chiripo. 13 Uye ndinoona zvakanaka kuti kana ndichingori mutabhenakeri ino chete ndikumutsei nechiyeuchidzo; 14 ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetabhenakeri yangu, Ishe wedu Jesu Kristuwo sezvaakandiratidza. 15 Asi neni ndichashingaira kuti nguva dzese shure kwekuenda kwangu muve nechiyeuchidzo chezvinhu izvi. 16 Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nenjere patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takange tiri vakazvionera kubwinya kwake. 17 Nokuti wakagamuchira kubva kuna Mwari Baba rukudzo nekubwinya, inzwi rakadai parakasvika kwaari pakubwinya kukuru-kuru richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodika, wandinofara maari ini; 18 uye inzwi iri isu takarinzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene. 19 Uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchirichenjerera sekumwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu; 20 muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yemwene wacho. 21 Nokuti hakuna kumbouyiswa chiporofita nechido chemunhu, asi vanhu vatsvene vaMwari vakataura vachisundwa neMweya Mutsvene. 2 Vadzidzisi venhema 1 Asi kwaiva nevaporofita venhemawo pakati pevanhu, sezvakuchavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu, vachapinza pachivande kutsauka kunoparadza, vachiramba kunyange Ishe wakavatenga, vachizviwisira kuparara kunokurumidza. 2 Vazhinjiwo vachatevera kuparadzwa kwavo; nekuda kwavo nzira yechokwadi ichanyombwa. 3 Uye pakuchiva namashoko akaumbwa vachawana mubairo nemwi; kutongwa kwavo kwakare hakunonoki, nekuparadzwa kwavo hakutsumwairi. 4 Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira mugehena achivakumikidza kumaketeni erima kuti vachengeterwe mutongo; 5 uye haana kurega nyika yekare, asi wakachengetedza Nowa muparidzi wekururama nevamwe vanomwe, paakauisa mafashame panyika yevasingadi Mwari; 6 nekuroromesa maguta eSodhoma neGomora, akaatongera kuparadzwa, akaaita chive chiratidzo kune vachazogara vasingadi Mwari; 7 akanunurawo Roti wakarurama, wakazvidya moyo pakuzvibata mukunyangadza kwevakaipa; 8 (nekuti uyo wakarurama, agere pakati pavo, pakuona nekunzwa, wakarwadzisa kwazvo mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe nemabasa asina murairo). 9 Ishe anoziva kununura vanonamata Mwari kubva pamiedzo, nekuchengeta vasakarurama kusvika pazuva rekutongwa vachirangwa; 10 asi zvikuru ivo vanofamba nemutoo wenyama paruchiva rwetsvina, nekuzvidza utongi. Vasina hanya, vane nharo, vasingatyi kutuka vanokudzwa; 11 izvo vatumwa, vanopfuura pakugona nesimba, havauyisi pavari mutongo wekunyomba pamberi paIshe. 12 Asi ava, vakaita semhuka pachisikirwo dzisina fungwa dzakaberekerwa kubatwa nekuparadzwa, vanotuka zvavasingazivi, vachaparadzwa pakuora kwavo, 13 vachagamuchira mubairo wekusarurama, vanoti mafaro kuita umbozha masikati, ivo makwapa nechinyadzo, vanofara mukunyengera kwavo kana vari pamabiko nemwi, 14 vane meso azere neupombwe, nevasingaregi chivi, vanonyengera mweya isina simba, vane moyo wakarovedzwa kuchiva; vana vechakatukwa; 15 vasiya nzira yakarurama vakatsauka, vatevera nzira yaBharami waBhosori, wakada mubairo wekusarurama, 16 asi wakava nekutsiurwa kwekudarika kwake, mbongoro chimumumu ichitaura muinzwi remunhu, chikadzivisa upengo hwemuporofita. 17 Iva zvitubu zvisina mvura, makore anosundwa nedutu remhepo; ivo vakachengeterwa mhute yerima kusvikira kusingaperi. 18 Nokuti vachitaura zvekuzvikudza kusina maturo, vanokwezva neruchiva rwenyama neunzenza avo vakapukunyuka zvirokwazvo kune vanofamba mukutsauka; 19 vachivavimbisa rusununguko, ivo pachavo varanda vekuora; nokuti uyo umwe waakundwa naye, ndiyewo waanoitwa muranda kwaari. 20 Nokuti kana vapukunyuka patsvina yenyika kubudikidza neruzivo rwaIshe neMuponesi Jesu Kristu, vanopfekanidzwazve mazviri vachikundwa, zvinhu zvekuguma zvigova kwavari zvakaipa kupfuura zvekutanga. 21 Nokuti zvaiva nani kwavari kuti dai vaiva vasina kuziva nzira yekururama, pakuti vaziva vadzoke kubva pamurairo mutsvene wakakumikidzwa kwavari. 22 Asi zvakaitika kwavari zvedimikira rechokwadi zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo pachayo; nehadzi yenguruve yakange yashamba kukuvumburuka mumatope. 3 Kudzoka kwaKristu 1 Ikozvino iyi, vadikanwi, itsamba yechipiri yandinokunyorerai; panaidzodzi mbiri ndinomutsa murangariro wenyu wakachena nechiyeuchidzo, 2 kuti murangarire mashoko akambotaurwa nevaporofita vatsvene, nemurairo wedu tiri vaapasitori vaIshe neMuponesi; 3 muchiziva ichi pakutanga, kuti kuchauya pakuguma kwemazuva vanongoseka, vachifamba maererano neruchiva rwavo pachavo, 4 uye vachiti: Chiripi chivimbiso chekuuya kwake? Nokuti kubva zvarara madzibaba zvinhu zvese zvakaramba zvakadaro kubva pakutanga kwekusikwa. 5 Nokuti ichi vanokanganwa maune, kuti matenga aivapo kubva kare, nenyika, iripo kubva mumvura, kubudikidza nemvura, neshoko raMwari; 6 nazvo nyika yaivapo nguva iyo yakafukidzwa nemvura yakaparadzwa. 7 Asi matenga nenyika zviripo ikozvino zvakachengetwa neirori shoko, zvakachengeterwa moto pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari. 8 Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikanwa nemwi, vadikanwi, kuti zuva rimwe kuna Ishe rakaita samakore ane churu, nemakore ane churu sezuva rimwe. 9 Ishe haanonoki maererano nechivimbiso, sevamwe vanoti kunonoka; asi ane moyo murefu kwatiri, asingadi kuti ani nani aparare asi vese vasvike pakutendeuka. 10 Asi zuva raIshe richasvika sembavha usiku, naro matenga achapfuura nekutinhira kukuru, nezvekutanga zvichaguranyiwa nekupisa kukuru, nenyika nemabasa ari mairi achapiswa. 11 Sezvo zvinhu izvi zvese zvichaparadzwa, imwi munofanira kuva vakadini pamafambiro matsvene nekunamata Mwari, 12 makatarisira nekumhanyira kusvika kwezuva raMwari; naro matenga achipiswa achaparadzwa, nezvekutanga zvinyunguduke nekupisa kukuru. 13 Asi sechivimbiso chake tinotarisira matenga matsva nenyika itsva, mazviri munogara kururama. 14 Naizvozvo vadikanwi, zvamunotarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye murugare, musina gwapa uye musingamhuriki. 15 Zvino muti moyo murefu waIshe wedu ruponeso, hama yedu inodikanwa Pauro sezvaakakunyoreraiwo zvichienderana nenjere dzakapiwa kwaari; 16 semutsamba dzake dzesewo, achitaura madziri maererano nezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisisika, izvo avo vasina kudzidza nevasina kusimba vanozviminamisa, semamwewo magwaro, kusvika pakuparadzwa kwavo pachavo. 17 Naizvozvo imwi, vadikanwi, zvamagara muchiziva, chenjerai kuti murege kutsauswa pamwe nekunyengera kwevasina murairo, muwe pakusimba kwenyu. 18 Asi kurai munyasha neparuzivo rwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. Rukudzo ngaruende kwaari ikozvinowo uye kusvika zuva rekusingaperi. Ameni.