TSAMBA YEKUTANGA YAPETRO 1 Kwaziso 1 Petro, muapositori waJesu Kristu, kuvaeni vakasanangurwa vekupararira kwePonto, Garatia, Kapadhokiasi, Asia, neBhitiniasi, 2 maererano nekuziva zviri mberi kwaMwari Baba, mukuita vatsvene kweMweya, pakuteerera nekusasa kweropa raJesu Kristu: Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri. Nhaka yakachengeterwa vakasanangurwa 3 Wakaropafadzwa Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake wakatiberekazve patariro inorarama kubudikidza nekumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, 4 panhaka isingaori neisina kusvibiswa uye isingabvuruvari, yakachengeterwa imwi kumatenga, 5 imwi munochengetwa nesimba raMwari kubudikidza nerutendo kuruponeso rwakagadzirirwa kuzarurwa panguva yekupedzisira. 6 Yamunofara mairi zvikuru, kunyange ikozvino kwechinguvana, kana zvichifanira, muri pakushungurudzwa mumiedzo yakasiyana-siyana, 7 kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunokosha zvikuru kupfuura kwegoridhe rinoparara, kunyange ichiidzwa nemoto, kuwanikwe mukurumbidzwa nerukudzo nekubwinya pakuonekwa kwaJesu Kristu; 8 iye musina kumuona munomuda; iye ikozvino musingamuoni asi munotenda kwaari, munofara nemufaro usingatauriki uye unorumbidzwa, 9 muchigamuchira mugumo werutendo rwenyu, ruponeso rwemweya yenyu. 10 Nezveruponeso urwu vaporofita vakabvunzisisa nekunzvera, ivo vakaporofita zvenyasha dzinouya kwamuri; 11 vachinzvera kuti panguva ipi kana yakadini Mweya waKristu akange ari mavari yaakaratidza, paakagara apupura matambudziko maererano naKristu, nekubwinya shure kweizvi. 12 Kwavari kwakaratidzwa kuti kwete kwavari ivo, asi kwatiri vaishandira zvinhu izvi, zvamunoparidzirwa ikozvino nevakakuparidzirai evhangeri neMweya Mutsvene wakatumwa kubva kudenga, zvinhu izvo vatumwa zvavanoshuva kunyatsoongorora. Ivai vatsvene 13 Naizvozvo masunga zviuno zvemurangariro wenyu, zvidzorei, mutaririre zvakakwana kunyasha dzinouyiswa kwamuri pakuratidzwa kwaJesu Kristu; 14 sevana vanoteerera, musingazvifananidzi nekuchiva kwakare pakusaziva kwenyu. 15 Asi sezvo wakakudanai ari mutsvene, nemwiwo ivai vatsvene pamafambiro ese; 16 nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene. 17 Zvino kana muchimuidza Baba, iye pasina rusarura anotonga zvinoenderana nebasa reumwe neumwe, garai panguva yeutorwa hwenyu mukutya; 18 muchiziva kuti hamuna kudzikunurwa nezvinoora, sirivheri kana goridhe, pamafambiro enyu asina maturo amakagamuchira kumadzibaba enyu; 19 asi neropa rinokosha raKristu seregwayana risina charinopomerwa uye risina gwapa. 20 Iye zvirokwazvo wakagara azikanwa nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa panguva dzekupedzisira nekuda kwenyu, 21 iye wamunotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kubva kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti rutendo rwenyu netariro zvive kuna Mwari. 22 Manatsa mweya yenyu pakuteerera chokwadi kubudikidza neMweya mukuda hama nekusanyengera, dananai zvikuru nemoyo wakachena; 23 maberekwa kutsva kwete zvichibva pambeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari rinorarama nekugara nekusingaperi. 24 Nokuti nyama yese yakaita seuswa, nekubwinya kwese kwemunhu seruva reuswa. Uswa hwunosvava, neruva rahwo rinodonha; 25 asi shoko raIshe rinogara nekusingaperi. Uye iri ishoko rakaparidzirwa kwamuri neevhangeri. 2 Kurai muna Kristu 1 Naizvozvo bvisai uipi hwese nemano-mano ese neunyepedzeri negodo neucheri hwese, 2 savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka usina kunyengera wakarongeka, kuti mukure nawo; 3 zvimwe kana makaravira kuti Ishe ane moyo munyoro. 4 Wamunouya kwaari, ibwe benyu, rakarambwa zvirokwazvo nevanhu, asi pana Mwari rakasarudzwa, rinokosha, 5 imwiwo semabwe mapenyu makavakwa muve imba yemweya, upristi utsvene, kuti mubaire zvibairo zvemweya, zvinogamuchirika kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu. 6 Naizvozvo murugwaro zvirimowo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe repakona, rakasanangurwa, rinokosha; neanotenda kwaari haangatongonyadziswi. 7 Naizvozvo kwamuri munotenda anokosha; asi kune vasingateereri: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona, 8 uye ibwe rekugumbusa nedombo rekupinga; vanogumburwa pashoko vasingariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo. 9 Asi imwi muri dzinza rakasarudzwa, upristi hweumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakawanikwa, kuti muparidze kwese kunaka kwaiye wakadana imwi kubva parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa; 10 imwi maimbova musi vanhu, asi ikozvino muri vanhu vaMwari; makange musina kunzwirwa tsitsi, asi ikozvino manzwirwa tsitsi. Mufambiro wevaKristu pakati pevahedheni 11 Vadiwa, ndinokukumbirisai sevatorwa nevapfuuri, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nemweya; 12 mune mufambiro wenyu wakanaka pakati pevahedheni; kuti pavanokumhurai sevaiti vezvakaipa, pamabasa akanaka avanoona varumbidze Mwari nezuva rekushanyirwa. Tinofanira kuzviisa pasi pevatongi venyika 13 Naizvozvo muzviise pasi pechimiso chimwe nechimwe chevanhu nekuda kwaIshe; kana ari mambo, saiye anotonga; 14 kana kuvatungamiriri, sekune vakatumwa naye pakurangwa zvirokwazvo kwevaiti vezvakaipa, asi ive rumbidzo yevanoita zvakanaka. 15 Nokuti ndizvo zvinoita chido chaMwari, kuti nekuita zvakanaka munyaradze kusaziva kwevanhu mapenzi; 16 sevakasununguka, asi musava nekusungunuka sechifukidzo chezvakaipa, asi sevaranda vaMwari. 17 Kudzai vese. Idai ukama. Ityai Mwari. Kudzai mambo. Varanda 18 Varanda, zviisei pasi pemadzitenzi nekutya kwese, kwete kune vakanaka nevanyoro chete, asiwo kune vasakarurama. 19 Nokuti idzi inyasha, kana nekuda kwehana kuna Mwari munhu achitsungirira kurwadziwa, achitambudzika zvisakafanira. 20 Nokuti zvine rumbidzo yei, kana muchitadza ndokurohwa muchitsungirira? Asi kana muchiita zvakanaka uye muchitambudzika muchitsungirira, izvi inyasha kuna Mwari. 21 Nokuti makadanirwa izvi, nokuti Kristuwo wakatambudzikira isu, akasiira isu muenzaniso, kuti mutevere makwara ake; 22 iye asina kuita chivi, nekunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make; 23 iye wakati achituka haana kutukawo; achitambudzika haana kutyityidzira; asi wakazvikumikidza kune anotonga zvakarurama; 24 iye amene wakatakura zvivi zvedu pamuviri wake pamuti, kuti tafa kuzvivi tiraramire kururama; iye wamakaporeswa nemavanga ake. 25 Nokuti makange makaita semakwai akarasika; asi ikozvino madzokera kuMufudzi neMutariri wemweya yenyu. 3 Vakadzi nevarume 1 Saizvozvo vakadzi, muzviise pasi pevarume venyu pachenyu; kuti kanawo vamwe vasingateereri kushoko, vawanikwe nemafambiro evakadzi pasina shoko, 2 vachiona mafambiro enyu akachena pakutya. 3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze kwekuruka vhudzi nekwekupfeka goridhe, kana kupfeka nguvo; 4 asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo, pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, anokosha zvikuru pamberi paMwari. 5 Nokuti karewo vakazvishongedza saizvozvo vakadzi vatsvene vaivimba naMwari, vachizviisa pasi pevarume vavo pachavo; 6 saSara akateerera Abhurahama akamuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi, kana muchiita zvakanaka, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa. 7 Saizvozvo varume, garisanai nevakadzi venyu zvinoenderana neruzivo, muchikudza mukadzi sekumudziyo usina simba, sevadyiwo venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe navo; kuti minyengetero yenyu irege kudzivirirwa. Rudo nekutsungirira pakutambudzika 8 Pakupedzisirawo, ivai nemoyo umwe mese, muchinzwirana tsitsi, mude hama, muve nemoyo munyoro, mune rudo; 9 musingatsivi chakaipa nechakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadze, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo. 10 Nokuti uyo anoda kuda upenyu, nekuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura kunyengera. 11 Ngaatsauke pane zvakaipa ndokuita zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere. 12 Nokuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake pamunyengetero wavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa. 13 Zvino ndiani achakukuvadzai, kana muri vatevedzeri vezvakanaka? 14 Asi kunyange kana imwi muchitambudzika nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, kana kuvhiringidzwa; 15 asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo yenyu; mugare makazvigadzirira kupindura umwe neumwe anokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu, neunyoro nekutya; 16 mune hana yakanaka, kuti pavanokucherai sevaiti vezvakaipa vanyare, ivo vanotuka mafambiro enyu akanaka muna Kristu. 17 Nokuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, pane muchiita zvakaipa. 18 Nokuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama pachinzvimbo chevasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa neMweya; 19 mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo, 20 iyo yaimbova isingateereri, apo moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, ndiko kuti mweya misere nemvura. 21 Mufananidzo wayo rubhabhatidzo rwunotiponesawo ikozvino, kwete kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira kwehana yakanaka kuna Mwari kubudikidza nekumukazve kwaJesu Kristu, 22 ari kuruoko rwerudyi rwaMwari aenda kudenga; vatumwa neumambo nemasimba zvaiswa pasi pake. 4 Kusiyana nezvivi 1 Naizvozvo Kristu zvaakatitamburira panyama, nemwi muzvishongedze nemurangariro wakadaro; nokuti iye watambudzika panyama, aregedzwa pachivi; 2 kuti nguva yasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari. 3 Nokuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba mukusazvibata, kuchiva, kuraradza, makaro, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisingatenderwi; 4 zvavanoshamisika mazviri, kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kumwe kwenyonga-nyonga, vachikutukai; 5 vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa. 6 Nokuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwa kune vakafawo, kuti vatongwe zvinoenderana nevanhu panyama, asi vararame zvinoenderana naMwari pamweya. Chenjerai nokuti kuguma kwava pedo 7 Zvino kuguma kwezvinhu zvese kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero. 8 Uye mberi kwezvinhu zvese ivai nerudo rwunopfuta pakati penyu, nokuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji-zhinji. 9 Gamuchiranai, pasina kunyunyuta. 10 Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha dzakasiyana-siyana dzaMwari. 11 Kana umwe achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana umwe achishumira ngazviitwe sezvinobva kusimba Mwari raanopa; kuti Mwari akudzwe pazvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. 12 Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa uri pamuri unokuidzai, sezvinonzi mawirwa nechisingazikanwi; 13 asi sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, farai, kuti nepakuratidzwa kwekubwinya kwake mufare nemufaro mukurusa. 14 Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nokuti Mweya wekubwinya newaMwari agere pamusoro penyu; kwavari zvirokwazvo anonyombwa, asi kwamuri anokudzwa. 15 Asi kusava neumwe wenyu anotambudzika semhondi, kana mbavha, kana muiti wezvakaipa, kana anongongwarira zvevamwe; 16 asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari pachinhu ichi. 17 Nokuti yava nguva yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei? 18 Uye kana wakarurama achiponeswa nemutsutsururu, asingadi Mwari nemutadzi vachaonekwepi? 19 Naizvozvo naivo vanotambudzika zvinoenderana nechido chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yavo pakuita zvakanaka. 5 Vakuru nevadiki 1 Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa. 2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido, 3 kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa, asi muri mifananidzo yeboka. 4 Zvino Mufudzi mukuru paachaonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari. 5 Saizvozvo, vadiki, zviisei pasi pevakuru, uye mese muzviise pasi umwe kune mumwe, mupfekedzwe nekuzvininipisa, nokuti Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa. 6 Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira, 7 muchikandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kwese, nokuti iye ane hanya nemwi. 8 Svinurai, rindai, nokuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba anofamba-famba achitsvaka waangapedza; 9 mumupikise makasimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika. 10 Asi Mwari wenyasha dzese, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye anokupedzeredzai nekukutsigisai, nekukupai simba, nekukuteyai. 11 Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Kuwonekana 12 NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri, pakufunga kwangu, ndanyora nepadiki, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari, dzamumire madziri. 13 Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMariko mwanakomana wangu. 14 Kwazisanai nekutsvoda kwerudo. Rugare kwamuri mese muri muna Kristu Jesu. Ameni.