TSAMBA YAPAURO KUNA TITO 1 Kwaziso 1 Pauro, muranda waMwari, nemuapositori waJesu Kristu, zvichienderana nerutendo rwevasanangurwa vaMwari nekuziva chokwadi chiri pakunamata Mwari, 2 patariro yeupenyu husingaperi, uhwo Mwari asingagoni kureva nhema hwaakavimbisa nhambo dzenguva dzisati dzavapo, 3 asi panguva dzakafanira wakaratidza shoko rake nekuparidza kwakaiswa mumaoko angu zvichienderana nemurairo waMwari Muponesi wedu, 4 kuna Tito, mwana wangu chaiye zvichienderana nerutendo rwatinodyidzana: Nyasha, tsitsi, rugare zvinobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu Muponesi wedu. Basa raTito paKrete 5 Nekuda kwaizvozvi ndakakusiya paKrete, kuti ugadzirise zvakasara, uye ugadze vatariri muguta rega-rega, sezvandakakuraira ini; 6 kana aripo asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, ane vana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yekusazvidzora, kana kusateerera. 7 Nokuti mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, semuchengeti weimba waMwari; asina mukundo, asingakurumidzi kutsamwa, asiri muraradzi, asiri murwi, asingakariri fuma yakaipa, 8 asi anofarira kugamuchira vaenzi, anoda zvakanaka, anozvidzora, wakarurama, mutsvene, anozvibata, 9 anobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, uye kupwisa vakakavari. Vadzidzisi venhema 10 Nokuti vazhinjiwo varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo nevanyengeri, zvikuru avo vekudzingiswa, 11 vanofanira kudzivira miromo yavo; vanopidigura misha yese, vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri, nekuda kwefuma yakaipa. 12 Umwe pakati pavo, anova muporofita wavo pachavo, wakati: VaKrete vagara vari varevi venhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara. 13 Uchapupu uhu ndehwechokwadi. Nekuda kwechikonzero ichi uvatsiure zvakasimba, kuti vagwinye parutendo, 14 vasingateereri ngano dzeVaJudha nemirairo yevanhu vanofuratira chokwadi. 15 Kune vakachena zvinhu zvese zvakachena; asi kune vakasvibiswa nevasingatendi hakuna chakachena, asi kufunga kwavowo nehana zvakasvibiswa. 16 Vanobvuma kuti vanoziva Mwari, asi pamabasa vanomuramba, vari vanyangadzi nevasingateereri uye vasingabatsiri pabasa rese rakanaka. 2 Mafambiro evaKristu 1 Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso yakagwinya. 2 Varume vakuru kuti vazvibate, vanokudzwa, vakangwara, vakagwinya parutendo, parudo, pakutsungirira; 3 saizvozvo vakadzi vakuru kuti pamafambiro vave sezvakafanira vatsvene, kwete vacheri, kwete varanda vewaini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka, 4 kuti vadzidzise vakadzi vadiki kuchenjera, kuda varume vavo, nekuda vana vavo, 5 vakazvibata, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo pachavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa. 6 Varume vadiki saizvozvo ukurudzire kuti vave vanozvidzora; 7 pazvinhu zvese iwe uzviratidze uri mufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso yechokwadi, mugariro unokudzwa nekuvimbika, 8 shoko rakagwinya, risingashoreki, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu. 9 Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo pachavo, kuti vafadze pazvese, vasingakakavari, 10 vasinganyimi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwese, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvese. 11 Nokuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vese, 12 dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino, 13 tichimirira tariro yakaropafadzwa nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu, 14 wakazvipira isu, kuti adzikunure isu pakuipa kwese, uye azvichenurire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka. 15 Taura zvinhu izvi, uye kurudzira, uye tsiura nesimba rese. Kusava nemunhu anokuzvidza. 3 1 Uvayeudzire ivo kuzviisa pasi pevatungamiriri nevabati, vavateerere, vakazvigadzirira basa rese rakanaka, 2 varege kuchera munhu, varege kuva vakakavari, vanyoro, vaitire vanhu vese unyoro hwese. 3 Nokuti nesu pachedu taimbova matununu, vasingateereri, tichitsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana-siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivenga, tichivengana. 4 Asi apo unyoro nerudo kuvanhu zvaMwari Muponesi wedu zvoonekwa, 5 kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita isu, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa, kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nekuvandudzwa kweMweya Mutsvene, 6 waakadururira achiwanza pamusoro pedu, kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu, 7 kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tive vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu husingaperi. 8 Ishoko rakatendeka, uye izvi ndinoda kuti musimbise zvirokwazvo, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira pamabasa akanaka. Ndizvo zvinhu zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu; 9 asi nzvenga mibvunzo yeupenzi nenhoroondo dzemazita emadzinza nemakakatanwa nemakakava pamusoro pemurairo, nokuti hazvibatsiri uye hazvina maturo. 10 Munhu anotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umurambe, 11 uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye anotadza, achizvipa mhosva amene. Mashoko ekupedzisira neekuonekana 12 Pandichatuma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nokuti ndakazvipira kugarapo pachando. 13 Shingaira kubatsira Zenasi mududziri wemurairo naAporo parwendo rwavo, kuti kusava nechinhu chinoshaikwa kwavari. 14 Nevekweduwo ngavadzidze kuzvipira pamabasa akanaka anodikanwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko. 15 Vese vaneni vanokukwazisa. Kwazisa vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mese. Ameni.