TSAMBA YECHIPIRI YAPAURO KUNA TIMOTIO 1 Kwaziso 1 Pauro, muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu huri muna Kristu Jesu, 2 kuna Timotio mwana wangu unodikanwa: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu. Timotio anorairwa kuti asimbe pabasa rake 3 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira kubva kumadziteteguru muhana yakachena, kuti ndisingamiri ndinokurangarira paminyengetero yangu siku nesikati, 4 ndichishuva kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro, 5 ndichiisa mumurangariro rutendo rusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti rwuri mauriwo. 6 Nemhaka yeizvi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu. 7 Nokuti Mwari haana kutipa mweya wekutya asi wesimba, newerudo, newekuzvidzora. 8 Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake; asi utambudzikire evhangeri pamwe neni zvichienderana nesimba raMwari, 9 wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake pachake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nhambo dzenguva dzisati dzavapo, 10 asi ikozvino kunoratidzwa nekuonekwa kweMuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri, 11 yandakagadzirwa ini kuva muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni. 12 Nemhaka yeizvi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndine chokwadi kuti anogona kuchengeta chandakaisa muruoko kusvikira zuva iroro. 13 Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu. 14 Icho chinhu chakanaka chakaiswa mumaoko mako chengeta neMweya Mutsvene anogara matiri. 15 Unozviziva izvi, kuti vese vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene. 16 Ishe ngaape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nokuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu, 17 asi asvika Roma, wakanditsvakisisa, akandiwana. 18 Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iro; uye muzvinhu zvingani zvaakandibatira paEfeso, iwe unozivisisa. 2 Timotio anosimbiswa 1 Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu. 2 Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe. 3 Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu. 4 Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa. 5 Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo. 6 Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko. 7 Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvese. 8 Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu; 9 yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvikira pazvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa. 10 Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi. 11 Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye. 12 Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba. 13 Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba. Tinofanira kuita sei kune vakarasika padzidzo 14 Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa. 15 Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. 16 Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari, 17 neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi; 18 ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe. 19 Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama. 20 Asi muimba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivheri chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa. 21 Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo wekukudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rese rakanaka. 22 Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena. 23 Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa. 24 Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vese, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu, 25 anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi, 26 uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakange vakabatwa naye pakuda kwake. 3 Kurasika kwemazuva ekupedzisira 1 Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika. 2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene, 3 vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka, 4 vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari, 5 vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo. 6 Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana, 7 vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi. 8 Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo. 9 Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vese, sezvakazoita hwavowo. 10 Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira, 11 kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ese. 12 Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa; 13 asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa. 14 Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani, 15 uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu. 16 Rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nepakuraira kuri mukururama; 17 kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rese rakanaka. 4 Timotio anosimbiswa 1 Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake: 2 Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wese nedzidziso. 3 Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve; 4 uye vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeukira kungano. 5 Asi iwe svinura pazvinhu zvese, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako. 6 Nokuti ini ndatodururwa sechibairo chinonwiwa, nenguva yekubva kwangu yasvika. 7 Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange, ndachengeta rutendo; 8 kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama nezuva iroro; kwetewo kwandiri ndega, asi nekune vese vanoda kuonekwa kwake. Mashoko ekupedzisira 9 Shingairira kukurumidza kuuya kwandiri. 10 Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDharimatia. 11 Ruka ega aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira. 12 Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso. 13 Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe. 14 Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake; 15 iwewo umuchenjerere, nokuti wakapikisa zvikurusa mashoko edu. 16 Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vese vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari. 17 Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vese vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba. 18 Uye Ishe achandirwira pabasa rese rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni. 19 Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo. 20 Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara. 21 Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzese. 22 Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.