TSAMBA YAPAURO YEKUTANGA KUNA TIMOTIO 1 Kwaziso 1 Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu tariro yedu, 2 kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu. Timotio ngaaraire vadzidzisi venhema 3 Sezvandakakukurudzira kuti ramba ugere paEfeso, ndichienda kuMakedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso, 4 kana kuchenjerera ngano nenhoroondo dzemadzinza dzisingaperi, dzinomutsa gakava pane kuvaka kwaMwari kuri murutendo. 5 Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rusinganyepedzeri; 6 pane izvozvi vamwe vakatsvedza vakatsaukira kukutaura kusina maturo, 7 vachida kuva vadzidzisi vemurairo, vasinganzwisisi kana zvavanoreva, kana maererano nezvavanosimbisa. 8 Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiushandisa zviri pamurairo, 9 achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene nevasina hanya naMwari, mhondi dzemadzibaba nemhondi dzana amai, vanouraya vanhu, 10 mhombwe, ngochani, vanopamba vanhu, vanyepi, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakagwinya, 11 maererano neevhangeri yekubwinya kwaMwari wakaropafadzwa yandakabatiswa. Pauro anovonga kuti Mwari wakamuisa pabasa rake 12 Uye ndinovonga wakandigonesa, Kristu Jesu Ishe wedu, kuti wakandiona ndakatendeka, akandiisa paushumiri, 13 ini ndaimbova munyombi nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi, nokuti ndakaita nekusaziva pakusatenda; 14 asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa pamwe nerutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu. 15 Ishoko rakatendeka uye rinofanira kugamuchirwa chese, kuti Kristu Jesu wakauya munyika kuzoponesa vatadzi, vandiri ini mukuru wavo; 16 asi nekuda kweizvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ndinova mukuru, Jesu Kristu aratidze moyo murefu wese, uve muenzaniso kune vanozotenda kwaari, paupenyu husingaperi. 17 Zvino kuna Mambo wekusingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari wega wakachenjera, ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Pauro anopa Timotio basa rake 18 Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, mwana wangu Timotio, sezviporofita zvakatanga pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka; 19 wakabata rutendo nehana yakanaka, vamwe vakati vairasa zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe, 20 vamwe vavo ndiHimenayosi naArekizandro, vandakakumikidza kuna Satani, kuti vadzidze kusanyomba. 2 Mirairo yekushumira pamwe 1 Naizvozvo kutanga pazvese ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vese; 2 pamadzimambo nevese vari panzvimbo dzakakwirira kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kwese nerukudzo; 3 nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu, 4 uyo anoda kuti vanhu vese vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi. 5 Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, 6 wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevese, chive chapupu panguva dzakafanira, 7 icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi. Zvinofanira kuita vakadzi 8 Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzese, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana. 9 Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura, 10 asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka. 11 Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kwese. 12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara. 13 Nokuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha; 14 naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika, 15 asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora. 3 Utariri hwekereke 1 Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, anoshuva basa rakanaka. 2 Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakazvibata, anozvidzora, ane chiremerera, anogamuchira vaeni, nyanzvi pakudzidzisa, 3 asiri muraradzi, asingafariri kurwa, asingakariri mibairo yakaipa, asi wakadzikama, asina gakava, asingakariri mari; 4 anobata imba yake pachake zvakanaka, anodzora vana vake nerukudzo rwese, 5 nokuti kana munhu asingazivi kubata imba yake pachake, achachengeta sei kereke yaMwari? 6 Asava mutendi mutsva, kuti nekukudzwa arege kuwira mukupiwa mhosva kwadhiabhorosi. 7 Uyezve anofanira kuva neuchapupu hwakanaka kubva kune vari kunze, kuti arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi. 8 Saizvozvo vadhikoni* ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa, 9 vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena. 10 Naivava ngavatange kuedzwawo, ipapo vangashumire, kana vasina chavangapomerwa. 11 Saizvozvo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vanozvidzora, vakatendeka pazvese. 12 Vadhikoni ngavave varume vemukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo pachavo zvakanaka. 13 Nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu. 14 Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza; 15 asi kana ndikanonoka, kuti uzive kuti vanofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi. 16 Zvinotendekawo kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama paMweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya. 4 Kutsauka panguva yekupedzisira 1 Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni, 2 paunyepedzeri hwevanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo pachavo nedare rinopisa, 3 vachidzivisa kuwanana nekuraira kurega kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi. 4 Nokuti chese chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga; 5 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero. Timotio ave wakatendeka pabasa raMwari 6 Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera. 7 Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pakunamata Mwari; 8 nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya. 9 Shoko iri rakatendeka uye rinofanirwa nekugamuchirwa kwese. 10 Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vese, zvikuru weavo vanotenda. 11 Raira zvinhu izvi udzidzise. 12 Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene. 13 Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira, nepadzidziso. 14 Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri. 15 Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vese. 16 Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nokuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe pamwe nevanokunzwa. 5 Ukama nevatana nechirikadzi 1 Usatuka mukuru, asi umutsiure sababa, vadiki sevanin'ina, 2 vakadzi vakuru sanamai; vakadzi vadiki sehanzvadzi, pakuchena kwese. 3 Kudza chirikadzi dziri chirikadzi zvirokwazvo. 4 Asi kana imwe chirikadzi ine vana kana vazukuru, ngavatange kudzidza kuratidza rukudzo kumba kwavo pachavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki; nokuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari. 5 Zvino uyo ari chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwawo yega anovimba naMwari, anogarawo pamikumbiro neminyengetero siku nesikati. 6 Asi uyo anozvipira kuzvifadza, wakafa ari mupenyu. 7 Uye raira zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa. 8 Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuruwo veimba yake, waramba rutendo, uye wakaipa kukunda asingatendi. 9 Chirikadzi ngainyorwe pasi ine makore asiri pasi pemakumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe, 10 inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yakagamuchira vaeni, kana yakashambidza tsoka dzevatsvene, kana yakabatsira vari mumatambudziko, kana yakateverera basa rese rakanaka. 11 Asi chirikadzi diki urambe, nokuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa; 12 dzava nemhosva, nokuti dzarasa rutendo rwekutanga. 13 Neipapowo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzisi simbe chete, asi vezvisina maturo, vanopindira zvisi zvavo, vachitaura zvavasingafaniri. 14 Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi diki dziwanikwe, dzibereke vana, dzibate dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekutuka. 15 Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani. 16 Kana murume upi neupi kana mukadzi anotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, nekereke irege kuremedzwa, kuti ibatsire chirikadzi chaidzo. Vakuru vanobata nevanodzidzisa 17 Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengerwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa, zvikuru avo vanobata nesimba pashoko nepadzidziso. 18 Nokuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake. 19 Usangogamuchira mhaka inopomerwa mutariri, kunze kana kuri mberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu. 20 Vanotadza utsiure pamberi pevese, kuti vamwewo vave nekutya. 21 Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu. 22 Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete iwe uri mutsvene. 23 Usachiramba uchinwa mvura chete, asi ushandise waini shoma, nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji. 24 Zvivi zvevamwe vanhu zviri pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvevamwewo zvichiteverawo. 25 Saizvozvowo mabasa akanaka ari pachena, neasina kudaro haagoni kuvanzwa. 6 Varanda navatenzi 1 Vese vari varanda pasi pejoko, ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nerukudzo rwese, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa. 2 Nevane vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza, zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nokuti vakatendeka uye vanodikanwa vagovani vemubairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire. Kuraira kwekupedzisira 3 Kana munhu achidzidzisa zvakasiyana nezvizvi, uye asingabvumiri mashoko awa mapenyu, aIshe wedu Jesu Kristu, nekudzidziso inoenderana nekunamata Mwari, 4 anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko, panobva godo, gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa, 5 kukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro. 6 Asi kunamata Mwari nekugutsikana ndizvo zvinofumisa kwazvo; 7 nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu; 8 asi kana tine kudya nezvekupfeka tichagutsikana neizvozvi. 9 Asi vanoshuva kufuma vanowira mumuedzo nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa; 10 nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvese; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji. 11 Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, kunamata Mwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro. 12 Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, batisisa upenyu husingaperi, hwawakadanirwawo kwahuri, ukabvumawo kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. 13 Ndinokuraira pamberi paMwari, anoraramisa zvinhu zvese, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato, 14 kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu, 15 kwaacharatidza panguva dzake, iye Wakaropafadzwa neWemasimbaose ega, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe, 16 iye ega ane kusafa, agere pachiedza chisingasvikiki, hakuna umwe wevanhu wakambomuona, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni. 17 Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi muna Mwari mupenyu, anotipa zvinhu zvese achiwanza kuti tifare; 18 vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, nekugovana; 19 vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inouya, kuti vabatisise upenyu husingaperi. 20 Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakabatiswa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo zviri zvenhema; 21 irwo vamwe vakati vachibvuma vakarasika maererano nerutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni.