TSAMBA YAPAURO YECHIPIRI KUVATESARONIKA 1 Kwaziso 1 Pauro naSirivhano naTimotio kukereke yeVaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu: 2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Pauro anovonga nokuti vanomira nesimba 3 Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu, hama, sezvazvakafanira, nokuti rutendo rwenyu rwunokura zvikurusa, nerudo rweumwe neumwe wenyu mese kune umwe neumwe rwunowanda; 4 nekudaro isu tomene tinozvirumbidza mamuri mumakereke aMwari pamusoro pemoyo murefu wenyu nerutendo mukushushwa kwenyu kwese nematambudziko amunotsunga maari. 5 Ndicho chiratidzo chekutonga kwakarurama kwaMwari, kuti muverengwe semakafanira ushe hwaMwari, hwamunotambudzikirawo; 6 sezvo chiri chinhu chakarurama kuna Mwari kutsiva dambudziko kune vanokutambudzai, 7 uye kwamuri munotambudzwa, kuzorora pamwe nesu, pakuzarurwa kwaIshe Jesu achibva kudenga nevatumwa vesimba rake, 8 mumoto unopfuta achitsiva kune vasingazivi Mwari, nekune vasingateereri evhangeri yaIshe wedu Jesu Kristu; 9 vacharangwa nekuparadza kusingaperi, vabviswe pamberi paIshe, nepakubwinya kwesimba rake, 10 paachauya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nekuyemurwa mune vese vanotenda (nekuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa) nezuva iro. 11 Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzese, kuti Mwari wedu akuverengei makafanirwa kudanwa uye azadzise kuda kwese kwakanaka kwekunaka hwake nebasa rerutendo nesimba; 12 kuti zita raIshe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemwi maari, zvichienderana nenyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu. 2 Kuuya kwaKristu nemupikisi waKristu 1 Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuunganira kwedu kwaari, 2 kuti murege kukurumidza kuzununguswa mufungwa, kana kuvhunduswa, kana nemweya, kana neshoko, kana netsamba seinonyorwa nesu, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika. 3 Ngakurege kuva nemunhu anokunyengerai nemutoo upi neupi; nokuti harisviki kunze kwekuti kuwa kwatanga kusvika, uye munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa, 4 anopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvese zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa, kusvikira agara mutembere yaMwari saMwari, achizviratidza kuti ndiMwari. 5 Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi? 6 Asi ikozvino munoziva chinodzivirira kuti aratidzwe munguva yake pachake. 7 Nokuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda; chete aripo anodzivirira ikozvino, kusvikira achibviswa pakati. 8 Ipapowo asina murairo acharatidzwa, Ishe waachapedza nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake; 9 iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rese nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema, 10 nepakunyengera kwese kwekusarurama mune vanoparara, nokuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe. 11 Uye nekuda kwaizvozvi Mwari achavatumira simba rekutsauka, kuti vatende nhema; 12 kuti vese varaswe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama. Pauro anovongazve nokunyengeterera VaTesaronika 13 Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu, hama vadikanwi vaIshe, kuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso pakuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi; 14 zvaakakudanirai neevhangeri yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu. 15 Naizvozvo zvino, hama, mirai makasimba, mubatirire tsika dzamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu. 16 Zvino Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, kunyange Baba vedu vakatida, vakapa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka munyasha, 17 anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko rega-rega rakanaka nebasa. 3 Anovaraira nekuwonekana navo 1 Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvakaitika nekwamuri, 2 uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasingafungi nevakaipa; nokuti rutendo harwusi rwevese. 3 Asi Ishe wakatendeka, achakusimbisai nekukuchengetai kubva kune wakaipa. 4 Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoitawo zvinhu zvatinokurairai uye muchazviita. 5 Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu. 6 Zvino tinokurairai, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira, uye kwete zvinoenderana netsika yamakagamuchira kwatiri. 7 Nokuti imwi momene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nokuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu, 8 uye hatina kudya chingwa chemunhu pachena, asi pakushingaira nekutambudzika nekushanda siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu; 9 kwete nokuti hatina kodzero, asi kuti tizvipe kwamuri semuenzaniso wekutitevera. 10 Nokuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaaregewo kudya. 11 Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vanofamba-famba zvisakafanira, vasingatongobati, asi vachiita zvisina maturo. 12 Zvino vakadaro tinoraira nekukurudzira naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye kudya kwavo pachavo. 13 Asi imwi, hama, musaneta kuita zvakanaka. 14 Asi kana umwe asingateereri shoko redu netsamba, mutarisise uyo, uye musafambidzana naye, kuti anyare; 15 uye musamutora semuvengi, asi mumuraire sehama. 16 Zvino Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzese nemitoo yese. Ishe ngaave nemwi mese. 17 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro, ndiwo mucherechedzo patsamba imwe neimwe; ndinonyora saizvozvo. 18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.