TSAMBA YAPAURO YEKUTANGA KUVATESARONIKA 1 Kwaziso 1 Pauro naSivhano naTimotio, kukereke yeVaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. 2 Tinovonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu mese, tichikutaurai muminyengetero yedu, 3 tichiramba tichirangarira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu; 4 tichiziva hama dzinodikanwa, kusanangurwa kwenyu naMwari; 5 nokuti evhangeri yedu haina kuuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru, sezvamunoziva kuti takange tiri vanhu vakadini pakati penyu nekuda kwenyu. 6 Nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene, 7 zvekuti makava mienzaniso kune vese vanotenda muMakedhonia neAkaya. 8 Nokuti kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete muMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo imwe neimwe rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunze, zvekuti hatifaniri kutaura chinhu. 9 Nokuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu kuti takapinda nemutoo upi kwamuri; uye kuti makatendeukira sei kuna Mwari muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi, 10 uye makamirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotinunura pahasha dzinouya. 2 Pauro anovayeudzira kuti wakabata sei pakati pavo 1 Nokuti munoziva imwi, hama, kupinda kwedu kwamuri, kuti hakuna kuva pasina; 2 asi kunyange takambotambudzika nekuitirwa zvakaipa, sezvamunoziva, paFiripi, takatsunga muna Mwari wedu kutaura kwamuri evhangeri yaMwari pakati pekupikiswa kukuru. 3 Nokuti kurudziro yedu haina kubva pakunyengera, uye haina kubva patsvina, hainawo kubva pamano-mano; 4 asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tibatiswe evhangeri, saizvozvo tinotaura; kwete sekufadza vanhu, asi Mwari anoidza moyo yedu. 5 Nokuti hatina kutongouya nemashoko ekubata kumeso, sezvamunoziva, kana nemano-mano eruchiva; Mwari chapupu; 6 tisingatsvaki rukudzo kuvanhu, kana rwunobva kwamuri kana kuvamwe, kunyange taigona kukuremedzai sevaapositori vaKristu. 7 Asi takange tiri vanyoro pakati penyu, semureri achivaraidza vana vake; 8 sezvatinokushuvai kwazvo, takada zvikuru kukupai kwete evhangeri yaMwari chete, asi mweya yedu pacheduwo, nokuti makange muri vadikanwi kwatiri. 9 Nokuti munorangarira, hama, kushingaira nekurwisa kwedu; nokuti taibata siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu, takakuparidzirai evhangeri yaMwari. 10 Imwi muri zvapupu, naMwari, kuti taiva vatsvene sei uye takarurama tisina chatingapomerwa kwamuri vanotenda. 11 Sezvamunoziva kuti umwe neumwe wenyu, sababa kuvana vavo takakukurudzirai sei nekunyaradza nekupupura, 12 kuti mufambe zvakafanira Mwari, anokudanirai kuushe hwake nekubwinya. 13 Nekuda kwaizvozvi nesu hatimiri kuvonga Mwari, kuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira kwete seshoko revanhu, asi seriri chokwadi, shoko raMwari rinoshandawo mamuri imwi munotenda. 14 Nokuti imwi, hama, makava vateveri vemakereke aMwari ari muJudhiya muna Kristu Jesu; nokuti imwiwo makatambudzika zvakadaro kune vekwenyu momene, sezvavakatambudzwa ivowo neVaJudha, 15 ndivowo vakauraya Ishe Jesu nevaporofita vavo vomene, vakatishushawo isu, vasingafadziwo Mwari, uye vachipesana nevanhu vese, 16 vachitidzivisa kutaurira vahedheni kuti vaponeswe, kuti vagare vachizadzisa zvivi zvavo; asi hasha dzakasvika pamusoro pavo kusvikira pakuguma. Pauro anoda zvikuru kuona VaTesaronikazve 17 Zvino isu, hama, sezvo takaparadzaniswa nemwi kwechinguvana pazviso, kwete pamoyo, takashingairira zvikuru nechishuwo chikuru kuti tione chiso chenyu. 18 Naizvozvo taida kuuya kwamuri, zvikuru ini Pauro, kamwe nekudzokorora, asi Satani wakatidzivisa. 19 Nokuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamusi imwizve here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake? 20 Nokuti imwi muri kubwinya nemufaro wedu. 3 Pauro anotuma Timotio kwavari 1 Saka zvatakange tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri tega paAtene, 2 ndokutuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai maererano nerutendo rwenyu, 3 kuti kurege kuva neumwe anozununguswa nematambudziko awa, nokuti munoziva momene kuti takamisirwa izvozvi. 4 Nokuti kunyange tichinemwi, takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa, kunyange sezvazvakaitika, nemwi munoziva. 5 Nekuda kweizvozviwo zvandakange ndisisagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe pamwe muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina. 6 Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, wakatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzese, muchishuva zvikuru kutiona, sesuwo imwi; 7 nekuda kwezvizvi takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu padambudziko redu rese nenhamo nerutendo rwenyu; 8 nokuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe. 9 Nokuti kuvonga kwakadini kwatingagona kuripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wese watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu? 10 Siku nesikati tichinyengetera zvikurusa kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu. 11 Zvino dai Mwari pachake naBaba vedu, naIshe wedu Jesu Kristu aruramisira nzira yedu kwamuri; 12 uye dai Ishe akukurisai nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vese, sesuwo kwamuri, 13 kuti asimbise moyo yenyu isingamhuriki pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vese. 4 Mufambiro unofadza Mwari 1 Zvino zvimwe, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, sezvamakagamuchira kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, kuti muwanze nekuwanzisisa pazviri. 2 Nokuti munoziva mirairo yakadini yatakakupai kubudikidza naIshe Jesu. 3 Nokuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti murege upombwe; 4 kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nemurukudzo, 5 kwete pakuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari; 6 kusava neanopfuurikidza akanyengera hama yake pachiitiko; nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvese izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekupupura. 7 Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene. 8 Naizvozvo anozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari wakatipawo Mweya wake Mutsvene. 9 Zvino maererano nerudo rweukama hamutsvaki kuti ndikunyorerei, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane; 10 nokuti nemwi munozviita kuhama dzese dziri paMakedhonia yese; asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanzise zvikuru, 11 uye mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, nekushanda nemaoko enyu pachenyu, sezvatakakurairai; 12 kuti mufambe zvinoremekedzwa kune vari kunze, uye musashaya chinhu. Kumuka kwevakafa nekudzoka kwaKristu 13 Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwewo vasina tariro. 14 Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa uye wakamuka, saizvozvowo vakarara kubudikidza naJesu, Mwari achavauisa pamwe naye. 15 Nokuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosiiwa kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara. 16 Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; 17 kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi. 18 Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa. 5 Kuuya kwaIshe 1 Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe, 2 nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika; 3 nokuti pavanoti: Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki. 4 Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha. 5 Imwi mese muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima; 6 naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke. 7 Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku. 8 Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive ngowani. 9 Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu, 10 wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye. 11 Saka kurudziranai, muvakane, sezvamunoitawo. Kunyevera kwekupedzisira nekuonekana 12 Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai, 13 uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu. 14 Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vese. 15 Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzese teverai zvakanaka, zvese pakati penyu nekune vese. 16 Farai nekusingaperi; 17 nyengeterai musingamiri; 18 vongai pazvinhu zvese; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi. 19 Musadzima Mweya; 20 musazvidza zviporofita; 21 idzai zvinhu zvese; mubatisise zvakanaka; 22 ibvai pakuonekwa kwese kwekuipa. 23 NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya wenyu wese, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. 24 Wakatendeka iye anokudanai, achazviitawo. 25 Hama, tinyengetererei. 26 Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene. 27 Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzese. 28 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.