TSAMBA YAPAURO KUVAFIRIPI 1 Kwaziso 1 Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vese muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni: 2 Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu. Rudo rwaPauro kuVaFiripi 3 Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai nguva dzese, 4 nguva dzese pamunyengetero wangu wega-wega pamusoro penyu mese ndichiita munyengetero nemufaro, 5 nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva zuva rekutanga kusvikira ikozvino; 6 ndichivimba chinhu ichi, kuti wakatanga basa rakanaka mamuri, acharipedzisa kusvikira zuva raJesu Kristu; 7 sezvazvakandinakira kufunga izvi pamusoro penyu mese, nokuti ndinemwi mumoyo zvekuti zvese muzvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mese muri vagovani pamwe neni venyasha. 8 Nokuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mese zvikuru sei muura hwaJesu Kristu. 9 Uye izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchiwandisisa paruzivo nekunzwisisa kwese, 10 kuti mutende zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama nevasine mhosva, kusvikira zuva raKristu, 11 makazadzwa nezvibereko zvekururama zvinouya naJesu Kristu, pakubwinya nekurumbidzwa kwaMwari. 12 Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakaita zvikuru kufambira mberi kweevhangeri; 13 zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zvinoratidzwa pamuzinda wese nekuvamwe vese. 14 Nevazhinji vehama muna Ishe, vavimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kutaura shoko raMwari vasingatyi. 15 Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, nevamwewo nemoyo wakanaka; 16 vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pauchokwadi, vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu. 17 Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri. 18 Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzese, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu anoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichazofarazve. 19 Nokuti ndinoziva kuti izvi zvichashandukira kwandiri kuva ruponeso kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu, 20 zvichienderana nekutarisira kwangu kukuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu asi neushingi hwese samagariro uye ikozvino Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu. 21 Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa mubairo. 22 Asi kana kurarama panyama chiri chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza handizivi. 23 Nokuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri, ndine chishuwo chekubva nekuva naKristu, zvinopfuurisa pakunaka; 24 asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu. 25 Zvino ndine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mese, pakupfuurira kwenyu mberi, uye mufaro werutendo, 26 kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu kubudikidza nekuvapo kwangu kwamurizve. 27 Chete fambai zvakafanira evhangeri yaKristu, kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri; 28 uye musingatyityidzirwi nevanopikisa pachinhu chimwe; ndicho chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso, uye icho chinobva kuna Mwari. 29 Nokuti kwamuri kwakapiwa pachena pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari kwega, asi kumutambudzikirawo; 30 mune kurwa kumweko sekwamakaona mandiri, nekunzwa ikozvino mandiri. 2 Kristu mutungamiriri wedu pakuzvininipisa 1 Naizvozvo kana kune imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nemukunzwira tsitsi, 2 zadzisai mufaro wangu, kuti muve nefungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe; 3 musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka; 4 umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo. 5 Nokuti fungwa iyi ngaive mamuri, yakange iri muna Kristu Jesuwo; 6 iye ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba; 7 asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu; 8 akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa. 9 Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura zita rimwe nerimwe; 10 kuti muzita raJesu ibvi rese rifugame, revekudenga nevepanyika, nevepasi penyika, 11 uye rurimi rwega-rwega rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba. 12 Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzese, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera; 13 nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvese kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka. 14 Itai zvinhu zvese musinganyunyuti nekupikisana; 15 kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika, 16 muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina. 17 Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinonwiwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mese. 18 Nekuda kweizvozvi imwiwo mufare uye mufare pamwe neni. Pauro anotuma Timotio naEpafrodito 19 Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi. 20 Nokuti handina munhu ane fungwa yakadaro, achava nehanya zvirokwazvo nezvenyu. 21 Nokuti vese vanozvitsvakira zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu. 22 Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri. 23 Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni; 24 asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya. 25 Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu; 26 sezvo akange achikushuvai mese, uye akatambudzika, nokuti makange manzwa kuti wakange achirwara. 27 Nokuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye ega, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu. 28 Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere zvikuru. 29 Naizvozvo mugamuchirei muna Ishe nemufaro wese, uye mubate vakadai neruremekedzo; 30 nokuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, kuti akwanise kushaiwa kundishumira kwenyu. 3 Yambiro yaPauro pamusoro pekururama kwevanhu 1 Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyorerai zvinhu zvimwechetezvo, kwandiri zvirokwazvo hazvinetesi, asi kwamuri zvinokusimbisai. 2 Chenjererai imbwa, chenjererai vabati vakaipa, chenjererai vekucheka; 3 nokuti isu tiri kudzingiswa, vanonamata Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, uye tisingavimbi nenyama; 4 kunyange ini ndingavawo nechivimbo munyama; kana umwewo achifunga kuvimba nenyama, zvikuru ini; 5 ndakadzingiswa nezuva rerusere, ndiri werudzi rwaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru weVaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi; 6 maererano nekushingaira ndichishusha kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa. 7 Asi zvinhu zvaiva mubairo kwandiri, ndizvo zvandakaverenga kuva kurasikirwa nekuda kwaKristu. 8 Hongu zvirokwazvo, uye ndinoverenga zvinhu zvese kuva kurasikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvese nekuda kwake, ndikazviidza kuva marara, kuti ndiwane Kristu; 9 uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi kunobudikidzwa nerutendo rwaKristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo; 10 kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake, 11 kana zvingagoneka ndisvike pakumuka kwevakafa. 12 Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndakatokwaniswa, asi ndinoteverera, kuti ndichibatewo, chandakabatirwawo naKristu Jesu. 13 Hama, ini handizviverengi kuti ndachibata, asi ndinoita chinhu chimwe, ndichikanganwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi, 14 ndinoteverera kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari muna Kristu Jesu. 15 Naizvozvo isu tese takakwana, ngative nemufungo uyu; uye kana zvimwe mune umwe mufungo, Mwari achakuratidzai kunyange izvi. 16 Asi pane patasvika, ngatifambe nemurairo iwoyu tifunge chinhu ichochi. 17 Hama, ivai vatevedzeri vangu pamwe, natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvamakava nesu semuenzaniso. 18 Nokuti vazhinji vanofamba, vandakakuudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuudzai kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu; 19 kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kuri mukunyadzwa kwavo, vanofunga zvenyika. 20 Nokuti ubwo hwedu huri kumatenga, uko kwatakataririrawo kuti Muponesi achabva, Ishe Jesu Kristu; 21 uyo achavandudza muviri wekuninipiswa kwedu, kuti ufananidzwe nemuviri wekubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuisa zvinhu zvese pasi pake. 4 Pauro anovaraira nekuvasimbisa 1 Naizvozvo, hama dzangu vadikanwi vanoshuviwa, mufaro wangu nekorona, saizvozvo mirai nesimba muna Ishe, vadikanwi. 2 Ndinokumbirisa Yuodhia, uye ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemurangariro umwe muna Ishe. 3 Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pabasa, batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremendi, nevamwe vakabata neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu. 4 Farai muna Ishe nguva dzese; ndinotizve: Farai. 5 Unyoro hwenyu ngahuzikanwe kuvanhu vese. Ishe ari pedo. 6 Musafunganya pamusoro pechinhu, asi pazvinhu zvese, nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, zvichemo zvenyu ngazvizikanwe kuna Mwari, 7 zvino rugare rwaMwari rwunopfuura kunzwisisa kwese, rwuchachengeta moyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. 8 Pakupedzisira, hama, chese chechokwadi, chese chinokudzwa, chese chakarurama, chese chakachena, chese chinodikanwa, chese chinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, uye kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi; 9 nezvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai izvozvo; naMwari werugare achava nemwi. Pauro anovonga pamusoro pechipo chavakamutumira 10 Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, kuti ikozvino makatomutsiridzazve kundirangarira; kwamaindirangarirawo nako, asi makashaiwa mukana. 11 Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nokuti ini ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri. 12 Ndinoziva zvese kuzvidzwa, uye ndinoziva kuva nezvakawandisa; papi nepapi nepazvinhu zvese ndakadzidziswa zvese kuguta nekunzwa nzara, zvese kuva nezvizhinjisa nekushaiwa. 13 Ndinogona kuita zvinhu zvese kubudikidza naKristu anondisimbisa. 14 Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu. 15 Zvino munozivawo imwi VaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva kuMakedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni pashoko rekupa nekugamuchira, asi imwi mega; 16 nokuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe nekupamha pakushaiwa kwangu. 17 Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu. 18 Zvino ndagamuchira zvese uye ndawanzirwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibairo chinogamuchirwa, chinofadza Mwari. 19 Asi Mwari wangu achazadzisa kushaiwa kwenyu kwese zvichienderana nefuma yake mukubwinya, muna Kristu Jesu. 20 Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. 21 Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai. 22 Vatsvene vese vanokukwazisai, zvikuruwo avo veimba yaKesari. 23 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Amen.