TSAMBA YAPAURO KUVAEFESO 1 Kwaziso 1 Pauro, muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, nekune vakatendeka muna Kristu Jesu: 2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu uye Ishe Jesu Kristu. Mikomborero iri muna Jesu Kristu, musoro wekereke 3 Ngaarumbidzwe Mwari uye Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza neropafadzo yese yemweya pazvinhu zvekudenga muna Kristu; 4 sezvaakatisarudza maari pasati pava nekuvambwa kwenyika, kuti tive vatsvene, uye vasingamhuriki pamberi pake murudo, 5 agara atitemera mukuitwa vana kwaari kubudikidza naJesu Kristu, sekuda kwakanaka kwechido chake, 6 kuve rumbidzo yekubwinya yenyasha dzake, madziri wakatiropafadza muMudikanwi; 7 watine dzikunuro maari neropa rake, iyo kanganwiro yekudarika, zvichienderana nefuma yenyasha dzake, 8 dzaakawanza kwatiri mukuchenjera kwese neungwaru, 9 azivisa kwatiri chakavanzika chechido chake, sekushuva kwakanaka kwake kwaakaronga pachake; 10 kuti pakubata kwekuzara kwenguva, aunganidze pamwe zvinhu zvese muna Kristu, zvese zviri kumatenga nezviri panyika; 11 imo maari, muna iye matakawanawo nhaka, yatakagara tatemerwa zvichienderana nechiga chaiye anoita zvinhu zvese zvichienderana nezano rechido chake, 12 kuti tive rumbidzo yekubwinya kwake, isu takatanga kuvimba kuna Kristu; 13 nemwi muna iye, manzwa shoko rechokwadi, evhangeri yeruponeso rwenyu; kuna iyewo matenda kwaari makapiwa mucherechedzo neMweya Mutsvene wechivimbiso, 14 ari rubatso rwenhaka yedu, rwuve rudzikunuro rwezvakawanikwa, kurumbidzo yekubwinya kwake. 15 Naizvozvo iniwo ndakati ndanzwa zverutendo rwenyu muna Ishe Jesu nerudo kuvatsvene vese, 16 handiregi kukuvongerai, ndichikurangarirai paminyengetero yangu; 17 kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vekubwinya, akupei mweya wekuchenjera newechakazarurwa paruzivo pamusoro pake; 18 meso efungwa dzenyu avhenekerwa kuti muzive kuti tariro yekudana kwake chii, uye fuma yekubwinya kwenhaka yake pavatsvene chii, 19 uye kuti ukuru hwakapfuvurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda chii, maererano nekubata kweusamasimba hwesimba rake, 20 raakashandisa muna Kristu, achimumutsa kubva kuvakafa, nokumugarisa kuruoko rwake rwerudyi panzvimbo dzekudenga, 21 kumusoro-soro kweutongi hwese, nesimba, neukuru, neushe, nezita rega-rega rinodanwa, kwete kwenguva ino chete, asi kune inouyawo; 22 akaisawo zvese pasi petsoka dzake, akamupa kuva musoro pamusoro pezvese kukereke, 23 ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadzisa zvese mune zvese. 2 Ruponeso inyasha dzaMwari 1 Wakakuraramisai, imwiwo makange makafa mukudarika nemuzvivi, 2 izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera; 3 vataifamba tesewo pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, uye pachisikirwo taiva vana vekutsamwirwa, sevamwewo. 4 Asi Mwari, wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo, 5 kunyange takange takafa mukudarika, wakatiraramisa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha); 6 akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekudenga muna Kristu Jesu; 7 kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu. 8 Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari; 9 hazvibvi pamabasa, kuti kusava neanozvikudza. 10 Nokuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, Mwari aakagara agadzira, kuti tifambe maari. VaJudha nevahedheni vakasanganiswa muna Kristu Jesu 11 Naizvozvo rangarirai kuti imwi maimbova vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa nechinonzi kudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko, 12 kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwaIsraeri, uye vatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika. 13 Asi ikozvinowo muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, mava pedo neropa raKristu. 14 Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, uye wakaputsa mudhuri wapakati wekuparadzanisa, 15 aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga, kuti asike maari vaviri vave munhu umwe mutsva, aite rugare, 16 uye ayananise vaviri kuna Mwari mumuviri umwe kubudikidza nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo, 17 uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo; 18 nokuti kubudikidza naye tese tine mapindiro neMweya umwe kuna Baba. 19 Naizvozvo zvino hamusisiri vaeni uye vatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene uye veimba yaMwari. 20 Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe repakona. 21 Maari imba yese yakabatanidzwa ikure ive tembere tsvene muna Ishe. 22 Maari nemwiwo makavakwa pamwe muve ugaro hwaMwari muMweya. 3 Pauro anoparidza evhangeri kuvahedheni 1 Nemhaka yeizvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nekuda kwenyu vahedheni, 2 kana zvirokwazvo makanzwa nezvekushandiswa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri pamusoro penyu, 3 kuti sechakazarurwa wakandizivisa chakavanzika, sezvandakambonyora nemashoko mashoma; 4 naizvozvo kana muchirava, munogona kunzwisisa ruzivo rwangu muchakavanzika chaKristu; 5 icho pane mamwe mazera chisina kuziviswa kuvanakomana vevanhu, sezvachozarurwa ikozvino kuvaapositori vake vatsvene nevaporofita muMweya; 6 kuti vahedheni vave vadyi venhaka pamwe nesu uye vemuviri umwe nevagovani vechivimbiso chake muna Kristu kubudikidza neevhangeri, 7 yandakaitwa nayo mushumiri zvichienderana nechipo chenyasha dzaMwari chakapiwa kwandiri nekubata kwesimba rake. 8 Kwandiri ndiri mudiki kumudikisa wevatsvene vese, nyasha idzi dzakapiwa, kuti ndiparidze pakati pevahedheni fuma isinganzvereki yaKristu, 9 nekuita kuti vese vaone kuti kudyidzana kwakadini kwechakavanzika chakange chakavigwa muna Mwari kubva pakuvamba kwenyika, wakasika zvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, 10 kuti ikozvino kuchenjera kwakasiyana-siyana kwaMwari kuziviswe nekereke paushe nepamasimba panzvimbo dzekudenga, 11 sechiga chekusingaperi chaakatema muna Kristu Jesu Ishe wedu; 12 maari tine kutsunga nekupinda nechivimbo, nerutendo rwake. 13 Naizvozvo ndinokumbira kuti murege kuora moyo pamatambudziko angu pamusoro penyu, ndiwo kurumbidzwa kwenyu. Pauro anonyengeterera VaEfeso 14 Nekuda kweizvozvi ndinofugama mabvi angu kuna Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, 15 rudzi rwese rwuri kumatenga nepanyika rwunotumidzwa mavari, 16 kuti vakupei, zvichienderana nefuma yekubwinya kwavo, musimbiswe musimba neMweya wake mumunhu wemukati, 17 kuti Kristu agare pamoyo yenyu nerutendo; mune midzi uye makateiwa nheyo murudo, 18 kuti mugone kwazvo kunzwisisa pamwe nevatsvene vese, kuti kufara, nekureba, nekukwirira, nekudzika chii, 19 nekuziva rudo rwaKristu rwunopfuura ruzivo, kuti muzadzwe mukuzara kwese kwaMwari. 20 Zvino kune ane simba rekuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvese zvatinokumbira kana kufunga, maererano nesimba rinobata matiri, 21 kwaari ngakuve nekubwinya mukereke naKristu Jesu kusvikira kumarudzi ese narinhi narinhi. Ameni. 4 Kusiyana kwezvipo zveMweya neumwe hwerutendo 1 Naizvozvo ndinokukumbirisai, ini musungwa muna Ishe, kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako, 2 pamwe nekuzvininipisa kwese neunyoro, nemoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo, 3 muchishingaira kuchengeta umwe hweMweya muchisungo cherugare. 4 Kune muviri umwe uye Mweya umwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yekudanwa kwenyu; 5 Ishe umwe, rutendo rumwe, rubhabhatidzo rwumwe, 6 Mwari umwe naBaba vevese, ari pamusoro pevese, uye kubudikidza nevese, nekwamuri mese. 7 Asi kune umwe neumwe wedu kwakapiwa nyasha zvichienderana nechiyero chechipo chaKristu. 8 Naizvozvo anoti: Paakakwira kumusoro, wakatapa utapwa, akapa zvipo kuvanhu. 9 Zvino izvi kuti: Wakakwira, chii kunze kwekuti wakaburukawo pakutanga kunzvimbo dzakaderera dzenyika? 10 Wakaburuka ndiyewo wakakwira kumusoro-soro kwematenga ese, kuti azadzise zvinhu zvese. 11 Zvino iye wakapa vamwe kuva vaapositori, nevamwe vaporofita, nevamwe vaevhangeri, nevamwe vafudzi nevadzidzisi, 12 kuitira kukwaniswa kwevatsvene, pabasa reushumiri, pakuvakwa kwemuviri waKristu; 13 kusvikira tese tasvika paumwe hwerutendo, nehweruzivo rweMwanakomana waMwari, pamurume wakazara, pachiyero chechimiro chekuzara kwaKristu; 14 kuti tisazova vacheche, vanodzungaidzwa nemafungu kuenda nekudzoka nekupepereswa nemhepo ipi neipi yedzidziso, nekunyengera kwevanhu, pakunyengera, kumano ekutsauka; 15 asi titaure chokwadi murudo, tigokura maari pazvinhu zvese, iye musoro, Kristu; 16 kunobva kwaari muviri wese, wakabatanidzwa pamwe zvakaringana nekuumbanidzwa, kubudikidza nemudemhe-mudemhe wefundo rimwe nerimwe, zvichienderana nemashandiro muchiero chenhengo imwe neimwe achikurisa muviri pakuvakwa kwawo murudo. Mufambiro mutsva womuKristu 17 Naizvozvo ndinoreva ichi, nekupupura muna Ishe, kuti imwi kubva zvino musachifamba sevamwe vahedheni vanofamba mukushaya maturo kwefungwa yavo, 18 vakasvibiridzwa mufungwa, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekusaziva kuri mukati mavo, nekuda koukukutu hwemoyo yavo; 19 ivo vakazvipa vatindivara kuunzenza, kuti vabate utsvina hwese neruchiva. 20 Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo, 21 kana zvakadaro makamunzwa nekudzidziswa maari, sezvo chokwadi chiri muna Jesu; 22 kuti murase zvinoenderana nemufambiro wekutanga, munhu wekare, anoodzwa nekuchiva kwekunyengera; 23 uye muvandudzwe mumweya wefungwa yenyu, 24 uye kuti mufuke munhu mutsva, wakasikwa maererano naMwari mukururama neutsvene hwechokwadi. 25 Naizvozvo muchiisa nhema parutivi, mutaure chokwadi umwe neumwe kune umwe wake; nokuti tiri mitezo, umwe weumwe. 26 Tsamwai musingatadzi; zuva ngarirege kuvira pamusoro pekutsamwa kwenyu; 27 uye musapa dhiabhorosi nzvimbo. 28 Wakaba ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti abate nesimba chinhu chakanaka nemaoko, kuti ave nechaangapa anoshaiwa. 29 Shoko ripi zvaro rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi chero kana rakanakira kuvaka sezvakafanira, kuti ripe nyasha kune vanonzwa. 30 Uye regai kushungurudza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaiswa mucherechedzo maari kusvikira pazuva redzukunuro. 31 Shungu dzese, nehasha, nekutsamwa, nekupopota, nekutuka ngazvibviswe kwamuri neuipi hwese; 32 asi ivai nemoyo munyoro umwe kune mumwe, muchinzwira tsitsi, muchikanganwirana, Mwari sezvaakakukanganwiraiwo muna Kristu. 5 Kusiya mabasa enyama nekugara muchiedza 1 Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa; 2 uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira. 3 Asi upombwe netsvina yese kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; 4 neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga. 5 Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari. 6 Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera. 7 Naizvozvo regai kuva vagovani navo. 8 Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza. 9 Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kwese nekururama nechokwadi, 10 muchiongorora zvinofadza kuna Ishe; 11 uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo; 12 nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura. 13 Asi zvinhu zvese zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvese zvinoratidzwa chiedza. 14 Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera. 15 Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera; 16 muchidzikunura nguva, nokuti mazuva akaipa. 17 Naizvozvo musava matununu, asi vanonzwisisa zviri kuda kwaIshe. 18 Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya, 19 muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe, 20 muchipa kuvonga nguva dzese pamusoro pezvinhu zvese kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, 21 muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari. VaKristu mumba mavo 22 Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sekuna Ishe, 23 nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri. 24 Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chese. 25 Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo; 26 kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko, 27 kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa. 28 Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye. 29 Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke; 30 nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemafupa ake. 31 Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe. 32 Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke. 33 Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume. 6 Vana nevabereki 1 Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti izvi zvakarurama. 2 Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso, 3 kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika. 4 Nemwi vana baba, musatsamwisa vana venyu, asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe. 5 Varanda, teererai vatenzi venyu panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wenyu wakarurama sekuna Kristu; 6 kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo; 7 muchishanda nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu; 8 muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka umwe neumwe chaanoita, achagamuchira ichochi kuna Ishe, kana muranda, kana wakasununguka. 9 Nemwi madzitenzi, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira; muchiziva kutiwo Tenzi wenyu pachenyu uri kumatenga; uye kwaari hakuna rusarura rwevanhu. Nhumbi dzemuKristu dzekurwa nadzo 10 Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemukugwinya kwesimba rake. 11 Shongai zvombo zvese zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi; 12 nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga. 13 Saka torai zvombo zvese zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvese, mumire. 14 Naizvozvo mirai, zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama, 15 uye makasunga tsoka negadziriro yeevhangeri yerugare; 16 pamusoro pezvese matora nhoo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yese inopfuta yewakaipa. 17 Uye torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova shoko raMwari; 18 muchinyengetera nguva dzese nemunyengetero wese nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nekutsungirira kwese nekukumbirira vatsvene vese, 19 nepamusoro pangu, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi kuti ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri, 20 yandiri nhume yayo mumaketani, kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura. Mashoko ekupedzisira 21 Asi kuti imwiwo muzive zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikanwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, achakuzivisai zvinhu zvese; 22 wandakatuma kwamuri nechinangwa ichi, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu. 23 Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo rwunobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu. 24 Nyasha ngadzive nevese vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.