TSAMBA YECHIPIRI YAPAURO KUVAKORINDE 1 Kwaziso 1 Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vese vari muAkaya yese: 2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu. Kuvonga kwaPauro 3 Ngaavongwe Mwari, uye vari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi uye Mwari wenyaradzo yese, 4 anotinyaradza padambudziko redu rese, kuti tigone kunyaradza avo vari mudambudziko ripi neripi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo isu tomene naMwari. 5 Nokuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvowo nyaradzo yedu yakawedzerwa nemuna Kristu. 6 Zvino kana tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobatiswa mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo isu; kana tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu; 7 uye tariro yedu maererano nemwi yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvowo venyaradzo. 8 Nokuti hatidi kuti musaziva, hama, pamusoro pedambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takaremerwa zvikurusa kukunda simba redu, zvekuti takarasa tariro kunyange yeupenyu. 9 Asi isu pachedu takange tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba isu asi kuna Mwari anomutsa vakafa; 10 wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye anonunura; watinovimba maari kuti achatinunurazve; 11 nemwi muchishandira isu pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu kubudikidza nevanhu vazhinji tivongerwe nevazhinji. Kusazvikudza kwaPauro 12 Nokuti kuzvikudza kwedu ndikoku, kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika, zvikuru maererano nemwi. 13 Nokuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchirawo kusvika pakuguma; 14 sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo yedu nezuva raIshe Jesu. Pauro wakaregerei kuenda kuKorinde 15 Zvino nechivimbo ichi ndaishuva pakutanga kuuya kwamuri, kuti muve nenyasha dzechipiri; 16 nekupfuura nekwamuri ndichienda kuMakedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, uye ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya. 17 Naizvozvo ndichifunga saizvozvi, ndakashandisa kusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira, ndinozvipira zvinoenderana nenyama kuti kwandiri zvive hongu, hongu; uye kwete, kwete here? 18 Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete. 19 Nokuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa nesu pakati penyu, neni naSirivhano naTimotio, wakange asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu. 20 Nokuti zvese zvivimbiso zvaMwari, maari ndihongu, nemaari ndiAmeni, rwuve rukudzo rwaMwari kubudikidza nesu. 21 Zvino anosimbisa isu pamwe nemwi muna Kristu, neakatizodza ndiMwari, 22 wakatiisawo mucherechedzo isu, akapa rubatso rweMweya mumoyo yedu. 23 Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handisati ndauya kuKorinde. 24 Kwete kuti tinotonga parutendo rwenyu, asi tiri vabati pamwe chete vemufaro wenyu; nokuti mumire nerutendo. 2 1 Asi ndakazvipira izvi, kusauyazve kwamuri mukusuwa. 2 Nokuti kana ini ndichikusuwisai, ndiani zvino anondifadza, kunze kwaiye wakasuruvadzwa neni? 3 Zvino ndakakunyorerai chinhu ichi chakadai kuti ndasvika, ndirege kusuwiswa naivo vanofanira kundifadza, ndine chivimbo mamuri mese, kuti mufaro wangu ndewenyu mese. 4 Nokuti kubva mudambudziko guru nekusuruvara kwemoyo ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji, kwete kuti murwadziswe, asi kuti muzive rudo rukurusa rwandinarwo kwamuri. 5 Zvino kana umwe akarwadzisa, haana kurwadzisa ini, asi muchidimbu (kuti ndirege kukutakudzai mutoro) mese. 6 Kuranga uku kwakakwanira wakadai ndiko kwevazhinji; 7 kuti panzvimbo yaizvozvi zviri nani kuti mumukanganwire nekunyaradza, zvimwe wakadaro arege kuodzwa moyo kwazvo nekusuruvara kukuru. 8 Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti musimbise rudo kwaari. 9 Nokuti ndizvo zvandakanyorerawo, kuti ndizive kuedzwa kwenyu, kana muchiteerera pazvinhu zvese. 10 Zvino iye wamunokanganwira chinhu, neni ndinomukanganwira; nokuti kana neni ndichikanganwira chinhu, uyo wandinenge ndakakanganwira, ndinozviita nekuda kwenyu pamberi pechiso chaKristu, 11 kuti tirege kushandiswa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake. Zvibereko zvekuparidza kwaPauro 12 Zvino ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Ishe, 13 handina kuwana zororo pamweya wangu, pakusawana kwangu Tito hama yangu; asi ndakawonekana navo ndikabva ndikaenda kuMakedhonia. 14 Zvino ngaavongwe Mwari, anotikundisa nguva dzese muna Kristu, uye anoratidza nesu panzvimbo dzese hwema hweruzivo rwake. 15 Nokuti tiri hwema hunonhuhwira hwaKristu kuna Mwari pane ivo vanoponeswa nepane ivo vanoparara; 16 kune vamwe hwema hwerufu mukufa, nekune vamwe hwema hweupenyu muupenyu. Zvino ndiani angakwanira zvinhu izvi? 17 Nokuti hatifanani nevazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi sevanobva pauchokwadi, asi sezvinobva kuna Mwari pamberi paMwari tinotaura muna Kristu. 3 Pauro anozviratidza kukereke 1 Tinotangazve kuzviratidza here? Kana tinotsvaka here, sevamwe, tsamba dzekuzviratidza kwamuri, kana dzekuratidza kunobva kwamuri? 2 Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikanwa nekuverengwa nevanhu vese; 3 muchiratidzwa kuti muri tsamba yaKristu inoshandiswa nesu, yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari anorarama; kwete pamahwandefa emabwe, asi pamahwandefa enyama emoyo. 4 Nechivimbo chakadai tinacho naKristu kuna Mwari; 5 kwete kuti tinokwanisa isu pachedu kufunga chimwe chinhu sechinobva kwatiri, asi kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari; 6 iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yechakanyorwa asi yeMweya; nokuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unoraramisa. 7 Asi kana ushumiri hwerufu, pazvinyorwa zvakavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake, kwaipedzwa, 8 ko shumiro yeMweya haingazovi nekubwinya kukuru here? 9 Nokuti kana shumiro yekupiwa mhosva iri kubwinya, shumiro yekururama ichakunda zvikuru sei mukubwinya. 10 Nokuti kunyange icho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa pachinhu ichi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa. 11 Nokuti kana icho chinopedzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara, pakubwinya. 12 Naizvozvo tine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru mukutaura; 13 uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa. 14 Asi fungwa dzavo dzakaomeswa, nokuti kusvikira zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu. 15 Asi kusvikira zuva rino, kana kuchiverengwa Mozisi, chifukidziro chirere pamoyo wavo. 16 Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa. 17 Zvino Ishe ndiye Mweya; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko. 18 Asi isu tese, nechiso chakashama tichiona sepachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe. 4 Pauro anoparidza Jesu Kristu nemoyo wose 1 Naizvozvo zvatine shumiro iyi, sezvatakagamuchira tsitsi, hatineti; 2 asi takarasa zvinhu zvakavanzika zvechinyadzo, tisingafambi neunyengeri, kana kuminamisa shoko raMwari; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana yese yevanhu pamberi paMwari. 3 Zvinowo kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kune avo vanoparara; 4 kwavari mwari wenyika ino wakapofumadza fungwa dzevasingatendi, kuti chiedza cheevhangeri yekubwinya yaKristu ari mufananidzo waMwari chisavhenekera kwavari. 5 Nokuti hatizviparidzi, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu. 6 Nokuti Mwari wakati chiedza chivhenekere kubva parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwekubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu. 7 Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru-ukuru hwesimba huve hwaMwari, uye husabva kwatiri; 8 tinodzvanyidzirwa pamativi ese, asi hatimanikidzwi; tinovhiringidzika, asi hatipererwi; 9 tinoshushwa, asi kwete kusiiwa; tinowisirwa pasi, asi kwete kuparadzwa; 10 tichipota takatakura nguva dzese kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu. 11 Nokuti isu tinorarama tinogara tichipiwa kurufu nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. 12 Saizvozvo rufu rwunobata matiri, asi upenyu mamuri. 13 Zvino tine mweya iwoyu werutendo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda, naizvozvowo tinotaura; 14 tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu naJesu, agotikumikidza pamwe nemwi. 15 Nokuti zvinhu zvese zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha dzakapamhidzirwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji, dziwedzerwe dzive rukudzo rwaMwari. Kutambudzika kwepano panyika ndekwenguva diki 16 Naizvozvo hatineti, asi kana munhu wedu wekunze achiparadzwa, zvakadaro wemukati anovandudzwa zuva nezuva. 17 Nokuti dambudziko redu rakareruka riripo kwechinguva chidiki, rinotiitira uremu hwekubwinya kukurusa kusingaperi; 18 tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvisingaonekwi ndezvekusingaperi. 5 1 Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika yetende ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuitwa nemaoko, isingaperi kumatenga. 2 Nokuti nemune iyi tinogomera, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga; 3 kana nesu takapfekedzwa hatingawanikwi tisina chatakapfeka. 4 Nokuti nesu tiri mutende tinogomera, tichiremerwa; nokuti hatishuvi kukururwa, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu. 5 Zvino wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo rubatso rweMweya. 6 Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti tichiri kumusha mumuviri, tiri kure naIshe; 7 nokuti tinofamba nerutendo, kwete nekuona; 8 naizvozvo tine ushingi, uye tinofara zvikuru kuti zviri nani kusava pamuviri, uye kuva kumusha naIshe. 9 Naizvozvowo tinoedza zvikuru, kana tiri pamusha kana tisiri pamusha, kuti tigamuchirike kwaari. 10 Nokuti tese tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu, kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita nemuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa. Yananiso iri munaJesu Kristu 11 Naizvozvo tichiziva kutyisa kwaIshe tinonyengetedza vanhu, asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwewo pahana dzenyu. 12 Nokuti hatizvizivisizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekuzvirumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana nevanozvirumbidza pachiso, kwetewo pamoyo. 13 Nokuti kana tichipenga, tinopenga kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, tiri kwavo kwamuri. 14 Nokuti rudo rwaKristu rwunotimanikidza, nokuti tinoona izvozvi kuti kana umwe akafira vese, zvino vese vakafa; 15 uye wakafira vese kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve. 16 Naizvozvo kubvira ikozvino isu hatizivi munhu panyama; uye kunyange kana takaziva Kristu panyama, asi ikozvino hatichamuzivi saizvozvo. 17 Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva; zvekare zvapfuura, tarira zvese zvava zvitsva. 18 Uye zvese zvinobva kuna Mwari, wakatiyananisa naye kubudikidza naJesu Kristu, uye wakatipa shumiro yeyananiso; 19 sezvinonzi Mwari wakange achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo, akaisa kwatiri shoko reyananiso. 20 Naizvozvo tiri nhume pachinzvimbo chaKristu, Mwari saanenge achikumbirisa nesu; tinokumbirisa pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. 21 Nokuti uyo wakange asingazivi chivi wakamuita chivi pachinzvimbo chedu, kuti isu tive kururama kwaMwari maari. 6 Kusazvifunga kwaPauro pakuparidza kwake 1 Zvino tinobata pamwe naye, nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina; 2 nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso. 3 Hatigumbusi kunyange pachinhu, kuti shumiro irege kumhurwa; 4 asi pazvese tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa, 5 pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa anorema, pakusarara, pakutsanya, 6 pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri, 7 pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama kurudyi nekuruboshwe, 8 nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo; 9 sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo; 10 sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzese; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvese. Vatsvene ngavaparadzane nezvakaipa zvese 11 VeKorinde, muromo wedu wakashamira imwi, moyo wedu wakuriswa. 12 Hamudzvinyidzirwi matiri, asi munodzvinyidzirwa muvura hwenyu. 13 Zvino pakutsiva kwakadaro (ndinotaura sekune vana vangu), imwiwo kuriswai. 14 Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingadyidzana sei nerima? 15 Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi? 16 Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. 17 Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai. 18 Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana kwandiri, anoreva Ishe Wemasimbaose. 7 1 Zvatine zvivimbiso izvi, vadikanwi, ngatizvinatse patsvina yese yenyama neyemweya, tipedzise utsvene mukutya Mwari. Mufaro waPauro pamusoro pavo kuti vakateerera mashoko etsamba yake 2 Gamuchirai isu; hatina kuitira munhu chakaipa, hatina kukanganisira munhu, hatina kubatira munhu. 3 Handitauriri kupa mhosva; nokuti ndamboreva, kuti muri mumoyo medu, kuti tife nekurarama pamwe. 4 Ushingi hwenhauro yangu kwamuri hukuru, kuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndakazadzwa nenyaradzo, ndakawanzirwa mufaro padambudziko redu rese. 5 Nokutiwo tasvika kuMakedhonia, nyama yedu haina kuva nezororo, asi takadzvinyirirwa pazvese; kunze kukakavara, mukati kutya. 6 Asi Mwari, anonyaradza vakasuruvadzwa, wakatinyaradza nekusvika kwaTito; 7 uye kwete pakusvika kwake chete, asi nepakunyaradzwa kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuwo chenyu, kuchema kwenyu, kushingaira kwenyu pamusoro pangu, zvekuti ndakanyanya kufara. 8 Nokuti kunyange ndakakusuruvadzai netsamba, handizvidembi, kunyange ndichizvidemba; nokuti ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakusuruvadzai, kunyange kuri kwenguva diki. 9 Ikozvino ndinofara, kwete kuti makasuruvadzwa, asi kuti makasuruvadzika mukatendeuka; nokuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nekuda kwedu. 10 Nokuti kuchema nenzira yeuMwari kunouisa kutendeuka rwuve ruponeso rwausingazvidembi narwo; asi kuchema nenzira yenyika kunouisa rufu. 11 Nokuti tarirai, chinhu ichocho, kuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, chakauisa mukati menyu shungu dzakadini, inga kuzvidavirira, inga kutsamwa, inga kutya, inga chishuvo chakasimba, inga kushingaira, inga kutsiva. Pazvese makazviratidza kuti makachena pachiitiko ichi. 12 Naizvozvo kanawo ndakakunyorerai, ndakazviita kwete nekuda kwewakatadza, kana nekuda kwaiye wakatadzirwa, asi kuti kukushingairirai kwedu kuratidzwe kwamuri pamberi paMwari. 13 Nemhaka iyi takanyaradzwa panyaradzo yenyu; hongu takafara zvikuru kwazvo pamufaro waTito, nokuti mweya wake wakavandudzwa kubva kwamuri mese. 14 Nokuti kana ndakazvikudza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handinyadziswi; asi sezvatakataura zvinhu zvese kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvikudza kwedu kuri pamberi paTito kwakava chokwadi. 15 Nehanya dzake dzawedzerwa kwazvo kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mese, kuti makamugamuchira sei nekutya uye kudedera. 16 Ndinofara naizvozvo kuti pazvese ndine chivimbo mamuri. 8 Zvipo zvakaunganidzirwa varombo 1 Zvino tinokuzivisai, hama, nyasha dzaMwari dzakapiwa pamakereke eMakedhonia; 2 kuti pakuedzwa kukuru kwedambudziko, kuwanzwa kwemufaro wavo neurombo hwavo hwakadzama zvakawedzera pafuma yekupa kwavo. 3 Nokuti vakange vane chido pakukwanisa kwavo, ndinopupura, kunyange kupfuura kukwanisa kwavo, 4 nechikumbiro chikuru vakatigombedzera, kuti tigamuchire chipo uye kugovana parubatsiro rwunova rwevatsvene; 5 uye kwete sezvatakatarisira, asi vakatanga kuzvipa ivo kuna Ishe, nekwatiri nechido chaMwari. 6 Zvekuti takakurudzira Tito, kuti sezvaakange ambotanga, saizvozvo apedzisewo kwamuri basa iri renyashawo. 7 Asi sezvamakawanza pazvese, parutendo, uye pashoko, uye paruzivo, uye pakushingaira kwese, uye parudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti muwanzewo pabasa iri renyasha. 8 Handitauri semurairo, asi nekushingaira kwevamwe uye ndichiidza uchokwadi hwerudo rwenyu. 9 Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange akange akafuma, nekuda kwenyu wakava murombo, kuti imwi kubudikidza neurombo hwake mufume. 10 Zvino pachinhu ichi ndinopa maonero; nokuti ichi chinokubatsirai, imwi makatotanga kubva gore rakapera, kwete kuita chete, asi nekuda. 11 Asi ikozvinowo pedzisai kuita, kuti, sezvapane chishuwo chemoyo, saizvozvo kuripo kupedzisawo kubva pane zvamunazvo. 12 Nokuti kana chishuwo chemoyo chiripo, munhu anogamuchirika zvichienderana nezvaanazvo, kwete kuenderana nezvaasina. 13 Nokuti hakusi kuti vamwe vave nekurerusirwa, imwi muremerwe; asi kubva pakuenzana, panguva yaikozvino zvakawanda zvenyu zviwedzere pakushaiwa kwavo, 14 kutiwo zvakawanda zvavo zviwedzere pakushaiwa kwenyu, kuti kuve nekuenzana, 15 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaunganidza zvizhinji haana kuva nezvakasara; newakaunganidza zvishoma haana kushaiwa. 16 Asi ngaavongwe Mwari wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri, 17 kuti zvirokwazvo wakagamuchira kurudziro, asi zvaakange achishingaira zvikuru, wakabva akaenda kwamuri nechido chake. 18 Zvino takatuma pamwe naye hama, rumbidzo yake muevhangeri yakagura nemumakereke ese; 19 zvisati zviri izvozvo chete, asi wakasarudzwawo nemakereke kuti atiperekedze nenyasha idzi, dzakabatiswa nesu mukurumbidzwa kwaIshe uyu, nechishuwo chemoyo wenyu; 20 tichidzivirira izvi, zvimwe umwe angatimhura pamusoro pezvipamhidzirwa izvi zvinobatiswa nesu; 21 tichirangarira zvakanaka kwete pamberi paIshe chete asi pamberi pevanhuwo. 22 Uye takatuma navo hama yedu, yatakawana yakashingaira pazvizhinji kazhinji, asi zvino anonyanya kushingaira nekuda kwekukuvimbai kukuru. 23 Kana zviri zvaTito, umwe wangu nemushandi pamwe neni kwamuri; kana hama dzedu, nhume dzekereke, vari kukudzwa kwaKristu. 24 Naizvozvo ratidzai kwavari uchapupu hwerudo rwenyu nehwekuzvikudza kwedu pamusoro penyu, nepamberi pemakereke. 9 Kupa zvipo 1 Nokuti maererano nerubatsiro rwevatsvene, hazvina kufanira kwandiri kuti ndikunyorerei; 2 nokuti ndinoziva kushingaira kwenyu, kwandinozvirumbidza nako pamusoro penyu kune veMakedhonia, kuti Akaya yakange yazvigadzirira kubvira gore rakapera; nekushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji. 3 Asi ndakatuma hama, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kusava pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, muve makagadzirira; 4 zvimwe pamwe, kana veMakedhonia vachiuya neni vakuwanei musina kuzvigadzirira, isu tinyadziswe (kuti tisati, imwi) pakuvimba uku kwekuzvikudza. 5 Naizvozvo ndakaona zvakafanira kukurudzira hama, kuti vatange kuuya kwamuri, uye vatange kugadzira chipo chenyu chepachena chakataurwa nezvacho kare, kuti ichi chive chakagadzirirwa, saizvozvo sechipo chepachena asi kwete sekukara. 6 Asi izvi kuti: Anodzvara zvishoma, anokohwawo zvishoma; neanodzvara zvizhinji, achakohwawo zvizhinji. 7 Umwe neumwe sezvinoda moyo; kwete nekurwadziwa, kana nekurovererwa; nokuti Mwari anoda anopa nemufaro. 8 Uye Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzese, kuti nguva dzese muve nekuringana kwese pazvese, muwanze pabasa rese rakanaka; 9 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaparadzira, wakapa varombo; kururama kwake kunogara nekusingaperi. 10 Zvino iye anopa mbeu kumudzvari, nekupa chingwa chekudya, ngaawanze mbeu dzenyu dzakadzvarwa, nekuwedzera zvibereko zvekururama kwenyu; 11 muchifumiswa pazvinhu zvese zvichibva pakupana kwese, zvinokonzera kubudikidza nesu kuvonga kuna Mwari. 12 Nokuti basa rekushumira uku harizadzisi kushaiwa kwevatsvene chete, asi kunowanzisawo nekuvongwa kuzhinji kuna Mwari; 13 nekuda kweuchapupu hweshumiro iyi vanorumbidza Mwari pamusoro pekuteerera kwekupupura kwenyu evhangeri yaKristu, nekukura kwekupa kwenyu kwavari nekune vese. 14 Uye nemunyengetero wavo pamusoro penyu, vachikushuvai nekuda kwenyasha hurusa dzaMwari pamusoro penyu. 15 Zvino Mwari ngaavongwe nekuda kwechipo chake chisingarondedzereki. 10 Pauro anomiririra vuapositori hwake 1 Zvino ini Pauro ndomene ndinokukumbirisai neunyoro, uye moyochena waKristu, wakaninipiswa pakati penyu kana ndiripo, asi kana ndisipo ndine ushingi kwamuri; 2 ndinokumbirisawo, kuti kana ndiripo, ndirege kuva neushingi nekuzvipira uku kwandinoverengerwa kuti ndine ushingi hwekumirisana nevamwe vanotifungira sevanofamba panyama. 3 Nokuti kunyange tichifamba panyama, hatirwi maererano nenyama; 4 nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvakasimba kubudikidza naMwari pakuputsa nhare, 5 tichiwisa mirangariro nechese chakakwirira chinozvikwiridza chichipesana neruzivo rwaMwari, nekuisa muutapwa murangariro wese pakuteerera Kristu; 6 takazvigadzira kutsiva kusateerera kwese, kana kuteerera kwenyu kwazadzisika. 7 Munotarira zvinhu pamaonekero azvo ekunze here? Kana munhu achizvivimba kuti iye ndewaKristu, ngaazvirangarirezve, kuti iye sezvaari waKristu, saizvozvo nesu tiri vaKristu. 8 Nokuti kana nezvinhu zvizhinjisa ndisazvirumbidzazve maererano nesimba redu, Ishe raakatipa pakuvaka, uye kwete rekuparadza kwedu, handinganyadziswi; 9 kuti ndirege kuonekwa sendinokutyityidzirai netsamba. 10 Nokuti vanoti: Tsamba dzake dzinorema uye dzine simba; asi kuvapo kwemuviri kune utera nekutaura kwake kunozvidzika. 11 Wakadaro ngaarangarire ichi, kuti sezvatakadaro pashoko kubudikidza netsamba kana tisipo, nesu takadaro pakuita kana tiripo. 12 Nokuti hatina ushingi hwekuzviverengera kana kuzvifananidza nevamwe vevanozvirumbidza; asi ivo vanozvienzanisa vega, nekuzvifananidza pachavo, havanzwisisi. 13 Asi isu hatingazvikudzi zvinopfuura chipimo, asi zvinoenderana nechipimo chemuganhu Mwari waakatitemera, chipimo chekusvika nekwamuri. 14 Nokuti hatizvitandavadzi kupfuurikidza setisingasvikiri kwamuri, nokuti nekwamuriwo takasvika muevhangeri yaKristu; 15 tisingazvikudzi kupfuurikidza chipimo pamabasa evamwe; asi tine tariro, kuti kana rutendo rwenyu rwuchiwanzwa, isu tichakuriswa pakati penyu zvinoenderana nemuganhu wedu nekupfuurisa, 16 kuparidza evhangeri pamatunhu ari mhiri kwenyu, kwete kuzvirumbidza pamuganhu weumwe pazvinhu zvakagadzirwa. 17 Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe. 18 Nokuti haasi anozvirumbidza uyo anogamuchirwa, asi Ishe waanorumbidza. 11 Pauro anozvidavirira pamabasa ake 1 Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi hwangu; asiwo munondiitira moyo murefu. 2 Nokuti ndine godo nemwi negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzei muri mhandara yakachena kuna Kristu. 3 Asi ndinotya kuti zvimwe nyoka sezvayakanyengera Evha nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingatsauswa pauchokwadi huri muna Kristu. 4 Nokuti kana anosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana zvimwe muchigamuchira umwe mweya wamusina kugamuchira, kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvakanaka kuti muzviitire moyo murefu. 5 Nokuti ndinoona ndisingasariri nepadiki kuvaapositori vakurusa. 6 Kanawo kunyange ndisina kudzidza pashoko, asi kwete paruzivo; asi pachinhu chese takaratidzwa kwamuri muzvinhu zvese. 7 Kana ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti imwi mukudzwe, nokuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo? 8 Ndakapamba amwe makereke, ndichitora muripo kuti ndikushandirei. 9 Uye pandakange ndiripo kwamuri ndichishaiwa handina kuremedza munhu; nokuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvese ndakazvichengeta kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndichazvichengeta. 10 Chokwadi chaKristu chiri mandiri, kuti kuzvikudza uku hakungamiswi mandiri kumatunhu eAkaya. 11 Nemhaka yei? Nokuti handikudii here? Mwari anoziva. 12 Asi chandinoita, ndichaitawo, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti pane zvavanozvikudza nazvo vawanikwe vakaita sesuwo. 13 Nokuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu. 14 Hazvishamisiwo; nokuti Satani amene anozvishandura kuva mutumwa wechiedza. 15 Naizvozvo hachisi chinhu chikuru kana nevashumiri vake vachizvishandura kuita sevashumiri vekururama; kuguma kwavo kuchava semabasa avo. Kutambudzika kwaPauro pamusoro peevhangeri 16 Ndinotizve: Ngakurege kuva nemunhu anofunga kuti ndiri benzi; asi kana zvisakadaro, sebenziwo ndigamuchirei, kuti neni ndizvikudze zvishoma. 17 Zvandinotaura, handitauri sekuna Ishe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza. 18 Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza. 19 Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro muri vakachenjera. 20 Nokuti munoita moyo murefu, kana munhu achikuisai muuranda, kana munhu achikudyai kupedza, kana munhu achikutapai, kana munhu achizvikudza, kana munhu achikurovai kumeso. 21 Ndinoreva sechinyadzo, senge kuti isu takange tine utera. Asi pane chipi nechipi umwe paane ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo. 22 VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Imbeu yaAbhurahama here? Neniwo. 23 Vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura semupengo), ndinovapfuura, zvikurusa pamabasa anorema, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere zvikurusa, pandufu kazhinji. 24 KuVaJudha ndakagamuchira kashanu shamhu dzine makumi mana kusiya imwe. 25 Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe nemasikati ndakange ndiri muudziku hwegungwa; 26 panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi nevekwangu, panjodzi nevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; 27 pakutambudzika nepakuremerwa, pakusarara kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama. 28 Kunze kwezvinhu izvi zviri panze, kurangarira makereke ese kunondimanikidza zuva rimwe nerimwe. 29 Ndiani anoshaiwa simba, neni ndikasashaiwa simba? Ndiani anogumburwa, neni ndikasatsva? 30 Kana zvakafanira kuzvikudza, ndichazvikudza nezvinhu zveutera hwangu. 31 Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, anorumbidzwa kusvikira rinhi narinhi, anoziva kuti handirevi nhema. 32 PaDhamasiko mutungamiriri wamambo Areta wakarinda guta reveDhamasiko achida kundibata; 33 uye ndakaburuswa nepawindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikapukunyuka pamaoko ake. 12 Pauro anoona zviratidzo 1 Kuzvikudza zvirokwazvo hakubatsiri kwandiri; nokuti ndichauya pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe. 2 Ndinoziva munhu ari muna Kristu makore gumi nemana apfuura (kana zvakaitwa mumuviri, handizivi, kana kunze kwemuviri, handizivi, Mwari anoziva), wakadai wakabvutirwa kudenga rechitatu. 3 Uye ndinoziva munhu wakadai (kana mumuviri, kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari anoziva), 4 kuti wakabvutwa akaiswa muparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki, asingabviri munhu kutaura. 5 Ndichazvikudza newakadai; asi pamusoro pangu ndomene handizvikudzi, asi pautera hwangu. 6 Nokuti kana ndichida kuzvikudza, handaizova benzi; nokuti ndichareva chokwadi; asi ndinorega, zvimwe umwe angandifungira kuva mukuru kune zvaakaona ndiri, kana zvaakanzwa kwandiri, 7 uye kuti ndirege kukudzwa kubudikidza nekuwanda kwezvakazarurwa, ndakapiwa munzwa munyama, nhume yaSatani kuti indirove, kuti ndirege kukudzwa. 8 Maererano nechinhu ichi ndakakumbirisa Ishe katatu kuti chibve kwandiri. 9 Zvino akati kwandiri: Nyasha dzangu dzakakukwanira; nokuti simba rangu rinozadziswa muutera. Naizvozvo ndichazvirumbidza nemufaro mukuru muutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu. 10 Naizvozvo ndinofara muutera, mukutukwa, mukushaiwa, murushusho, mukushungurudzwa, nekuda kwaKristu; nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba. Kusazvirangarira kwaPauro 11 Ndava benzi ndichizvikudza; ndimwi makandimanikidza; nokuti ini ndaifanira kuziviswa nemwi; nokuti handisariri nepadiki kuvaapositori vakurusa, kunyange ndisiri chinhu. 12 Zvirokwazvo zviratidzo zvemuapositori zvakaitwa pakati penyu pamoyo murefu wese, muzviratidzo nezvishamiso nemabasa esimba. 13 Nokuti chii chamuri pasi nacho kune amwe makereke, kunze kwekuti ini ndomene handina kuva mutoro kwamuri? Ndikanganwirei kusarurama uku. 14 Tarirai, ndazvigadzirira kuuya kwamuri rwechitatu, uye handizovi mutoro kwamuri; nokuti handitsvaki zvenyu, asi imwi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vana. 15 Uye ndinoda nemufaro mukuru kuparadza uye kuparadzirwa mweya yenyu, kunyange ndichikudai zvakapamhidzirwa zvikuru, ndinodikanwa zvishoma. 16 Asi zvakadaro, ini handina kukuremedzai; asi zvandakange ndine mano, ndakakubatai nekunyengera. 17 Ndakakutsvatai here chero neumwe waivo vandakatuma kwamuri? 18 Ndakakumbira Tito, ndikatuma hama naye; Tito wakakutsvatai here? Hatina kufamba nemumweya umwe here? Hatina kufamba nemumakwara mamwe here? Pauro anovanyevera 19 Zvekare munofunga kuti tinozvidzivirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura zvese, vadikanwi, zvekuvakwa kwenyu. 20 Nokuti ndinotya, zvimwe pakusvika ndikuwanei musina kuita sezvandinoda, neni ndiwanikwe nemwi ndisina kuita sezvamunoda; zvimwe kuvepo makakava, godo, hasha, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi, mabongozozo; 21 zvimwe pakusvika kwanguzve Mwari wangu andininipise pakati penyu, uye ndichemere vazhinji vevakambotadza, vakasatendeuka pakusachena neupombwe neunzenza hwavakaita. 13 Yambiro yaPauro 1 Nenguva iyi yechitatu ndinouya kwamuri; mumuromo wezvapupu zviviri uye zvitatu shoko rega-rega ritsigirwe. 2 Ndakambokuudzai uye ndinogara ndakuudzai, sendakange ndiripo rwechipiri, uye ikozvino ndisipo ndinonyorera avo vakagara vatadza, nekuvamwe vese, kuti kana ndikauyazve, handichavaregereri. 3 Sezvo muchitsvaka uchapupu hwaKristu anotaura mandiri, asina utera kwamuri, asi ane simba mamuri. 4 Nokuti kunyange akarovererwa pamuchinjikwa neutera, zvakadaro anorarama nesimba raMwari. Nokuti isuwo tine utera maari asi tichararama pamwe naye nesimba raMwari kwamuri. 5 Zviongororei kana muri parutendo; zviidzei. Kana hamuzivi here imwi, kuti Jesu Kristu ari mamuri sei? Kunze kwekuti zvirokwazvo muri vakaraswa. 6 Asi ndinovimba kuti muchaziva kuti isu hatisi vakaraswa. 7 Zvino ndinonyengetera kuna Mwari, kuti musaita chinhu chakaipa; kwete kuti isu tiratidzike takatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu tive sevakaraswa. 8 Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chechokwadi. 9 Nokuti tinofara kana isu tine utera, imwiwo makasimba; uye izviwo tinozvinyengeterera, kuperera kwenyu. 10 Saka ndinonyora zvinhu izvi ndisipo, zvimwe kana ndiripo ndingashandisa hasha, zvichienderana nesimba Ishe raakandipa pakuvaka, uye kwete pakuputsa. Mashoko ekupedzisira 11 Pakupedzisira, hama, farai, muperedzerwe, munyaradzwe, muve vemoyo umwe, garai murugare; uye Mwari werudo nerugare achava nemwi. 12 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. 13 Vatsvene vese vanokukwazisai. 14 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, nerudo rwaMwari, nekudyidzana kweMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mese. Ameni.