MABASA AVAAPOSITORI 1 Kukwira kwaJesu kudenga 1 Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvese Jesu zvaakatanga kuita uyewo kudzidzisa, 2 kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaakange asarudza; 3 vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo kwemazuva makumi mana, achitaura zvinhu zveushe hwaMwari. 4 Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni; 5 nokuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene pasina mazuva mazhinji kubva ikozvino. 6 Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuna Israeri nenguva ino here? 7 Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo pachavo; 8 asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvese paJerusarema nemuJudhiya mese nemuSamaria, kusvikirawo kumugumo wenyika. 9 Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo. 10 Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena; 11 ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, anobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, achauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga. Vadzidzi vanogarira Mweya 12 Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, chinhambwe cherwendo rwesabata. 13 Vakati vapinda, vakakwira mukamuri yepamusoro apo paigara vese Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho. 14 Ava vese vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin'ina vake. Vanosanangura Matiasi panzvimbo yaJudhasi 15 Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri): 16 Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, wakange ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu, 17 nokuti wakange achiverengwa pamwe nesu, akagamuchira mugove weushumiri uhu. 18 Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwese hukabvajukira kunze. 19 Zvikanzwikwa kuvagari vese paJerusarema, zvekuti munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa. 20 Nokuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neanogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore. 21 Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu munguva yese, apo Ishe Jesu aipinda nekubuda pakati pedu, 22 kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake. 23 Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bharisabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi. 24 Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi muzivi wemoyo yevese, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza, 25 kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake. 26 Zvino vakavapa mijenya yavo, mujenya ukawira pana Matiasi; akaverengwa pamwe nevaapositori vanegumi neumwe. 2 Kuuya kweMweya Mutsvene 1 Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vese vakange vari pamwe nemoyo umwe. 2 Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sewemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yese mavakange vagere. 3 Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo. 4 Zvino vese vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza. 5 Zvino kwaigara paJerusarema VaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwese rwevari pasi pedenga. 6 Zvino mutinhiro uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nokuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwake. 7 Zvino vakakatyamara vese vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vese vanotaura havasi VaGarirea here? 8 Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo? 9 VaPatia neVaMedhia neVaEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokiasi, vePonto neveAsia, 10 neveFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni veRoma, vese VaJudha nevakatendeukira kuVaJudha, 11 VaKrete neVaArabhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari. 12 Zvino vakakatyamara vese, vakashamiswa vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chii? 13 Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vararadza waini inotapira. Mharidzo yaPetro 14 Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume VaJudha, nevese vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu. 15 Nokuti ava havana kuraradza sezvamunofunga imwi; nokuti iawa rechitatu rezuva; 16 asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti: 17 Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, anodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yese; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope; 18 uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita. 19 Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi. 20 Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya; 21 zvino zvichava kuti ani nani anodana zita raIshe achaponeswa. 22 Varume VaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi momene, 23 iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukauraya; 24 iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo. 25 Nokuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzese; nokuti ari kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. 26 Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro. 27 Nokuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora. 28 Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu. 29 Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvese vakafa uye vakavigwa, neguva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino. 30 Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama achasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe, 31 aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora. 32 Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, watiri zvapupu zvazvo tese. 33 Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino. 34 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi anoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, 35 kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. 36 Naizvozvo imba yese yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakamuita zvese Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi. 37 Zvino vakati vachinzwa izvi vakabaiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nevamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei? 38 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene. 39 Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana. 40 Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka. 41 Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu. 42 Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero. 43 Uye kutya kukawira pamusoro pemweya wega-wega; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori. 44 Nevaitenda vese vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvese panhu pamwe, 45 ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vese, umwe neumwe paaishaiwa napo. 46 Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya kudya nemufaro nemoyo wakachena, 47 vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vese. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa. 3 Petro anoporesa chirema 1 Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe. 2 Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere. 3 Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo. 4 Zvino Petro akamudzvokora anaJohwani, akati: Titarire! 5 Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari. 6 Petro ndokuti: Sirivheri negoridhe handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe. 7 Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa. 8 Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari. 9 Uye vanhu vese vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari. 10 Vakamuziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvakange zvaitika kwaari. Kuparidza kwaPetro 11 Zvino waikamhina wakange aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vese vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru. 12 Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume VaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe? 13 Mwari waAbhurahama newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye agura kumusunungura. 14 Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri, 15 mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kubva kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu. 16 Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mese. 17 Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo. 18 Asi Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vese, kuti Kristu achatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvi. 19 Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pachiso chaIshe dzisvike, 20 uye achatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri; 21 wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvese, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vese kubva panguva dzakare. 22 Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakaita seni; iye muchamuteerera pazvese zvaachataura kwamuri. 23 Uye zvichaitika, mweya umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu. 24 Uye nevaporofita vese kubva kuna Samueri nevakatevera, vese vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa. 25 Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahama: Nemumbeu yako marudzi ese enyika acharopafadzwa. 26 Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvenyu. 4 Kusungwa kwaPetro naJohwani 1 Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere neVaSadhusi vakavasvikira, 2 vachishungurudzika nokuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kubva kuvakafa munaJesu. 3 Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa muchitokisi kusvikira mangwana; nokuti akange atova madekwani. 4 Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu. 5 Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vatungamiriri nevakuru nevanyori vavo paJerusarema, 6 naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevese vaiva vehama dzemupristi mukuru. 7 Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi? 8 Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru VaIsraeri; 9 kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu asina simba, kuti iye waponeswa nei, 10 ngazvizikanwe kwamuri mese, nekuvanhu vese veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kubva kuvakafa, naye munhu uyu amire pano pamberi penyu apora. 11 Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona. 12 Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro. 13 Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu. 14 Asi vachiona munhu wakange aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa. 15 Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana pakati pavo, 16 vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nokuti zviri pachena kune vese vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikanwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba. 17 Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri. 18 Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu. 19 Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari kuteerera imwi kupfuura Mwari. 20 Nokuti isu hatigoni kusataura zvatakaona nekunzwa. 21 Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nokuti vese vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika. 22 Nokuti munhu wakange apfuura makore makumi mana wakange aitirwa chiratidzo ichi chekuporesa. 23 Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvese vapristi vakuru nevakuru zvavakange vataura kwavari. 24 Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvese zviri mazviri; 25 makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bope, nevanhu vachifunga zvisina maturo? 26 Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwe chete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake. 27 Nokuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vese Herodhe naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni, nevanhu vekwaIsraeri, 28 kuti vaite zvese ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike. 29 Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu nekusatya kwese, 30 pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu. 31 Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakange vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vese neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari nekusatya. Kunzwana kwevatendi 32 Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya umwe; uye kwakange kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakadyidzana zvinhu zvese. 33 Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vese. 34 Nokuti pakange pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nokuti vese vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa, 35 vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako. 36 NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti kana zvichishandurwa, mwanakomana wenyaradzo, muRevhi weSaipuresi parudzi, 37 ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori. 5 Ananiasi naSafira 1 Asi umwe murume wainzi Ananiasi, naSafira mukadzi wake, wakatengesa nhumbi dzake, 2 akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori. 3 Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda? 4 Uchiripo hauna kuramba uri wako here, watengeswa wakange usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari. 5 Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi. 6 Nemajaya akasimuka akamuputira ndokutakurira kunze vakamuviga. 7 Zvino zvakaitika maawa anenge matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda. 8 Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, nezvakadai. 9 Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze. 10 Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, akamutakurira kunze ndokuviga nechepamurume wake. 11 Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yese nepamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi. 12 Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vese vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni. 13 Asi pavamwe kwakange kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza. 14 Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi. 15 Zvekuti vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, uye vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire umwe wavo. 16 Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vese. Vaapositori vanobudiswa mutirongo 17 Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevese vaiva naye vari sangano reVaSadhusi, vakazara negodo, 18 vakaisa maoko avo pavaapositori vakavaisa mutirongo revanhu vese. 19 Asi mutumwa waIshe neusiku wakazarura mikova yetirongo akavabudisa akati: 20 Endai, mugomira muchitaura mutembere kuvanhu ese mashoko eupenyu uhu. 21 Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yese yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe. 22 Asi mapurisa akati achisvika, akasavawana mutirongo; akadzoka akapira shoko, 23 achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kwese, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu. 24 Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakasava nechokwadi pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei. 25 Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu. 26 Zvino mutungamiriri nemapurisa vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nokuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe. 27 Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza, 28 achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu. 29 Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu. 30 Mwari wemadzibaba edu wakamutsa Jesu, iye wamakauraya imwi, mukaremberedza pamuti. 31 Iye uyu Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Muvambi neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi. 32 Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera. 33 Zvino vakati vanzwa vakashatirwa kwazvo, vakarangana kuvauraya. 34 Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vese, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chidiki. 35 Ndokuti kwavari: Varume VaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita. 36 Nokuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudhasi, achiti iye pachake wakange ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevese vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, vakava pasina. 37 Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva ekuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevese vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa. 38 Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nokuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa. 39 Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo. 40 Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza. 41 Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake. 42 Uye mazuva ese mutembere nepaimba imwe neimwe havana kumira kudzidzisa nekuparidza Jesu Kristu. 6 Kusarudzwa kwemadhikoni manomwe 1 Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti* akanangana neVaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaiva dzisingatariswi pakushandirwa kwemusi umwe neumwe. 2 Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande matafura. 3 Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurirwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri. 4 Asi isu tichatsungirira pamunyengetero neushumiri hweshoko. 5 Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chese; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikoraosi weAndiyokiya wakatendeukira kuVaJudha, 6 vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo. 7 Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi chakateerera rutendo. Sitefano anourawa 8 Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu. 9 Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi reVakasununguka, neVaKureni, neVaAreksandiria, nereavo vaibva Kirikia neAsia, vachikakavadzana naSitefano. 10 Asi vakange vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo. 11 Ipapo vakamutsa varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari. 12 Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota, 13 ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura achipokana nenzvimbo iyi tsvene nemurairo, 14 nokuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta achaparadza nzvimbo iyi, uye achashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza. 15 Zvino vese vakange vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa. 7 Kuzvidavirira kwaSitefano 1 Zvino mupristi mukuru akati: Ko zvinhu izvi zvakadai here? 2 Zvino akati: Varume, hama nemadzibaba, teererai. Mwari wekubwinya wakaonekwa kuna baba vedu Abhurahama vari muMesopotamia, vasati vagara Harani, 3 akati kwaari: Buda munyika yako nekuhama dzako, uuye kunyika yandichakuratidza. 4 Zvino vakabuda munyika yeVaKaradhia, vakagara muHarani; zvino kubva ipapo shure kwekufa kwababa vavo, wakavabvisira kunyika iyi yamunogara imwi ikozvino; 5 asi haana kuvapa nhaka mairi, kwete kunyange chitsiko chetsoka, asi wakavimbisa kuvapa iyo ive yavo, neyembeu yavo shure kwavo, vasati vava nemwana. 6 Mwari ndokutaura seizvi, kuti mbeu yavo ichava mutorwa kunyika yeumweni, uye ichaiita nhapwa nekuibata zvakaipa makore mazana mana; 7 asi rudzi urwo rwavachava varanda kwarwuri ndicharwutonga ini, wakadaro Mwari; uye shure kweizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo ino. 8 Zvino akavapa sungano yedzingiso, naizvozvowo vakabereka Isaka, vakamudzingisa zuva rerusere; naIsaka wakabereka Jakobho; naJakobho mateteguru gumi nemaviri. 9 Mateteguru akagodoka, vakatengesa Josefa kuEgipita; asi Mwari waiva naye. 10 Akamusunungura pamatambudziko ake ese, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao mambo weEgipita; ndokumuita mutungamiriri pamusoro peEgipita neimba yake yese. 11 Zvino kwakauya nzara panyika yese yeEgipita neKenani, nedambudziko guru; madzibaba edu akasawana kudya. 12 Asi Jakobho wakati anzwa kuti kwaiva nezviyo kuEgipita, wakatuma madzibaba edu kwekutanga. 13 Zvino kwechipiri Josefa wakaziviswa kuvanakomana vababa vake; uye rudzi rwaJosefa rwukaziviswa kuna Farao. 14 Zvino Josefa akatumira akadana baba vake Jakobho nehama dzake dzese, iri mweya makumi manomwe nemishanu. 15 Zvino Jakobho akaburukira Egipita, ndokufa iye nemadzibaba edu; 16 uye vakatakurirwa Shekemi, vakaradzikwa paguva Abhurahama raakange atenga nemutengo wesirivheri kuvanakomana vaEmori weShekemi. 17 Zvino nguva yechivimbiso yakati yaswedera Mwari chaakange apikira kuna Abhurahama, vanhu vakakura, vakawanda muEgipita, 18 kusvikira umwe mambo amuka wakange asingazivi Josefa. 19 Ndiye wakabata rudzi rwedu nemano-mano, akatambudza madzibaba edu, achivarasisa vacheche vavo kuti varege kurarama. 20 Munguva iyoyo Mozisi wakaberekwa, uye wakange akanaka kuna Mwari; ndokurerwa mumba mababa vake mwedzi mitatu. 21 Zvino wakati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akazvirerera iye kuti ave mwanakomana wake. 22 Mozisi akadzidziswa muuchenjeri hwese hweVaEgipita; akava nesimba pamashoko nepamabasa. 23 Zvino makore makumi mana akati asvika kwaari, zvakasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri. 24 Zvino achiona umwe achiitirwa zvisakarurama, akamurwira ndokutsivira wakange achitambudzwa, akarova muEgipita; 25 zvino waifunga kuti hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari anovapa ruponeso neruoko rwake; asi havana kunzwisisa. 26 Zvino zuva raitevera wakazvionesa kwavari vachirwa, akavayananisa nesimba achiti: Varume, imwi muri hama; munoitiranirei zvisakarurama? 27 Zvino iye wakange achiitira umwe wake zvakaipa wakamusundidzira achiti: Ndiani wakuita mutungamiriri nemutongi pamusoro pedu? 28 Iwe unoda kundiuraya, sezvo wakauraya muEgipita zuro here? 29 Zvino neshoko iri Mozisi wakatiza, ndokuva mutorwa munyika yeMidhiani, kwaakabereka vanakomana vaviri. 30 Zvino makore makumi mana akati azadziswa, kwakaonekwa kwaari murenje regomo Sinai mutumwa waIshe mumurazvo wemoto wemugwenzi. 31 Mozisi wakati aona, akashamisika nechionekwa ichi; zvino paaiswedera kunocherekedza, inzwi raIshe rikasvika kwaari richiti: 32 Ndini Mwari wemadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Zvino Mozisi akadedera akasashinga kucherekedza. 33 Zvino Ishe akati kwaari: Kurura shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi ivhu dzvene. 34 Ndaonesesa dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, ndikanzwa kugomera kwavo, zvino ndaburuka kuzovasunungura; ikozvino uya, ndichakutuma kuEgipita. 35 Uyu Mozisi wavakaramba vachiti: Ndiani wakakuita mutungamiri nemutongi? Ndiye Mwari waakatuma kuva mutungamiriri nemudzukunuri neruoko rwemutumwa, wakaonekwa kwaari mugwenzi. 36 Iye akavabudisa, aita zvishamiso nezviratidzo munyika yeEgipita nemuGungwa Dzvuku, nemurenje makore makumi mana. 37 Ndiye uyu Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamunzwa iye. 38 Uyu ndiye wakange ari mukereke murenje, ane mutumwa wakataura naye mugomo Sinai ane madzibaba edu; wakagamuchira mashoko mapenyu kuti atipe. 39 Ndiye madzibaba edu wavakange vasingadi kuteerera; asi vakamusundidzira parutivi, vakadzokera kuEgipita mumoyo yavo. 40 Vachiti kuna Aroni: Tiitire vamwari vachatitungamirira; nokuti Mozisi uyu wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi zvamuwira. 41 Zvino vakaita mhuru mumazuva ayo, vakauisa chibairo kuchifananidzo, vakafara nemabasa emaoko avo. 42 Zvino Mwari akafuratira, akavakumikidza kuti vashumire hondo yekudenga, sezvakanyorwa mubhuku revaporofita, zvichinzi: Ko makauisa kwandiri here zvibairo nezvipo makore makumi mana murenje, imwi imba yaIsraeri? 43 Uye makatakura tabhenakeri yaMoroki, nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; uye ndichakutamisirai mberi kweBhabhironi. 44 Madzibaba edu aiva netabhenakeri yeuchapupu murenje, sekuraira kwaiye wakataura naMozisi kuti aiite nemufananidzo waakange aona; 45 yakatiwo madzibaba edu aitevera aigamuchira, akaipinza pamwe naJoshua munhumbi dzevahedheni, Mwari vaakadzinga pamberi pechiso chemadzibaba edu, kusvika kumazuva aDhavhidhi; 46 wakawana nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuwanira Mwari waJakobho tabhenakeri. 47 Asi Soromoni wakamuvakira imba. 48 Asi Wekumusoro-soro haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, sezvinoreva muporofita achiti: 49 Denga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu; muchandivakira imba yakadini? ndizvo zvinoreva Ishe; kana nzvimbo yezororo rangu ndeipi? 50 Ruoko rwangu haruna kuita zvinhu izvi zvese here? 51 Imwi vemitsipa mikukutu uye vasina kudzingiswa pamoyo nenzeve, imwi munogara muchipikisa Mweya Mutsvene; semadzibaba enyu saizvozvo imwi. 52 Ndeupi wevaporofita madzibaba enyu wavasina kushusha? Vakauraya avo vaifanozivisa nezvekuuya kweWakarurama, iye ikozvino wamava vatengesi nevaurayi vake. 53 Imwi vakagamuchira murairo neurongwa hwevatumwa, asi mukasauchengeta. 54 Zvino vanzwa zvinhu izvi vakabaiwa pamoyo yavo, vakamugedera-gedera meno. 55 Asi azere neMweya Mutsvene wakatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari, 56 akati: Tarirai, ndinoona matenga akazaruka, neMwanakomana wemunhu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari. 57 Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira paari nemoyo umwe; 58 vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe; nezvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya rainzi Sauro. 59 Zvino vakataka Sitefano nemabwe, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu. 60 Zvino wakafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavaverengera chivi ichi. Zvino wakati areva izvi, akarara. 8 Sauro anoshusha vatendi 1 Zvino Sauro wakange achitenderana nerufu rwake. Zvino pazuva iro kwamuka kushushwa kukuru kwakanangana nekereke yaiva paJerusarema; vese ndokuparadzirwa kunyika dzese dzeJudhiya neSamaria, kunze kwevaapositori. 2 Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru. 3 Asi Sauro wakaparadza kereke, achipinda muimba imwe neimwe, achikakata varume nevakadzi nekukumikidza mutirongo. Firipi anoparidza paSamaria 4 Naizvozvo avo vakange vaparadzirwa vakagura vachiparidza shoko. 5 Firipi ndokuburukira kuguta reSamaria, akaparidza Kristu kwavari. 6 Zvaunga ndokuteerera nemoyo umwe kuzvinhu zvinotaurwa naFiripi, pavakanzwa nekuona zviratidzo zvaaiita. 7 Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva vakabatwa, ichidanidzira nenzwi guru; nevazhinji vakange vakafa mitezo nevaikamhina vakaporeswa. 8 Zvino kwakava nemufaro mukuru muguta iro. Simoni n'anga 9 Zvino umwe murume, wainzi Simoni, waimboita un'anga paguta, achishamisa rudzi rweSamaria, achizviti munhu mukuru; 10 wavaiteerera vese kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachiti: Uyu isimba guru raMwari. 11 Zvino vaimuteerera, nokuti wakange avashamisa neun'anga nguva refu. 12 Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vese varume nevakadzi. 13 NaSimoniwo pachake wakatenda, zvino wakati abhabhatidzwa, wakagara naFiripi; akashamisika, achiona mabasa esimba nezviratidzo zvaiitwa. 14 Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani; 15 ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene; 16 nokuti wakange asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vakange vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete. 17 Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene. 18 Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akavavigira mari, 19 achiti: Ndipei neni simba iri, kuti pana ani nani wandinoisa maoko pamusoro, agamuchire Mweya Mutsvene. 20 Asi Petro wakati kwaari: Sirivheri yako pamwe newe ngazvive zvekuparadzwa, nokuti wafunga kuti chipo chaMwari chingawanikwa nemari. 21 Hauna mugove kana nhaka pashoko iri. Nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari. 22 Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako uku, ukumbirise Mwari, kuti zvimwe murangariro wemoyo wako uukanganwirwe. 23 Nokuti ndinoona kuti uri munduru inovava, uye musungo weuipi. 24 Zvino Simoni akapindura akati: Ndikumbirirei imwi kuna Ishe, kuti pasava nechimwe chezvinhu zvamataura chingawira pamusoro pangu. 25 Naizvozvo vakati vapupura nekutaura shoko raIshe, vakadzokera kuJerusarema, uye vakaparidza evhangeri mumisha mizhinji yeVaSamaria. Firipi nemuranda waKandase 26 Zvino mutumwa waIshe wakataura kuna Firipi, achiti: Simuka, upfuurire kuchamhembe kunzira inoburuka kubva kuJerusarema ichienda kuGaza; iyo irenje. 27 Zvino wakasimuka akaenda; zvino tarira murume weEtiopia, mutenwa, gurukota guru raKandase mambokadzi weVaEtiopia, waiona nezvefuma yake yese, uye wakange auya kuJerusarema kuzonamata, 28 wakange achidzokera uye agere mungoro yake, achiverenga muporofita Isaya. 29 Mweya ndokuti kuna Firipi: Swedera unamatire pangoro iyi. 30 Firipi ndokumhanyirako, akamunzwa achiverenga muporofita Isaya, ndokuti: Zvino unonzwisisa zvaunoverenga here? 31 Iye ndokuti: Zvino ndingagona sei, kunze kwekuti umwe munhu andirairira? Zvino akakumbira Firipi kuti akwire agare naye. 32 Zvino ndima yerugwaro yaaiverenga yaiva iyi: Wakatungamirirwa segwai rinoenda kunobaiwa; uye segwayana rinyerere pamberi pemuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. 33 Mukuninipiswa kwake mutongo wake wakabviswa, zvino ndiani acharondedzera zera rake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika. 34 Mutenwa ndokupindura Firipi akati: Ndinokukumbirisa, muporofita anoreva izvi maererano nani? Nezvake amene kana nezveumwewo? 35 Firipi ndokuzarura muromo wake; akatanga parugwaro irworwo, ndokumuparidzira Jesu. 36 Zvino pavaifamba munzira, vakasvika pane imwe mvura; mutenwa ndokuti: Heyi mvura; chii chinondidzivirira kubhabhatidzwa? 37 Firipi ndokuti: Kana uchitenda nemoyo wese, zvinotenderwa. Akapindura ndokuti: Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari. 38 Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemutenwa; ndokumubhabhatidza. 39 Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; mutenwa ndokusazomuonazve; nokuti wakafamba nenzira yake achifara. 40 Asi Firipi wakawanikwa paAzota; uye achipfuura wakaparidza evhangeri kumaguta ese, kusvikira asvika paKesariya. 9 Kutendeuka kwaSauro 1 Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuuraya akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru, 2 akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyo vese varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema. 3 Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga; 4 zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei? 5 Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha iwe; zvinokuremera kukavana nezvibayo. 6 Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita. 7 Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu. 8 Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa kuDhamasiko. 9 Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa. 10 Zvino pakange pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe. 11 Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu anonzi Sauro, weTaso; nokuti tarira anonyengetera, 12 uye waona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve. 13 Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema; 14 uye pano ane simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vese vanodana zita renyu. 15 Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo, nevana vaIsraeri; 16 nokuti ini ndichamuratidza kuti anofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu. 17 Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene. 18 Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa. 19 Zvino wakati agamuchira kudya akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva. 20 Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari. 21 Asi vese vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru? 22 Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza VaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu. Sauro anodzingwa paDhamasiko neJerusarema 23 Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, VaJudha vakarangana pamwe chete kuti vamuuraye; 24 asi zano ravo rakazikanwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye; 25 asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu. 26 Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vese vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi. 27 Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti wakange ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu. 28 Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema, 29 ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataura achipikisa VaHerenisiti*; asi vakaidza kumuuraya. 30 Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso. 31 Naizvozvo kereke paJudhiya yese neGarirea neSamaria dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene. Kuporeswa kwaEneasi 32 Zvino zvakaitika Petro achigura nzvimbo dzese, akaburukirawo kuvatsvene vakange vagere paRidha. 33 Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, wakange arere panhovo makore masere, akafa mitezo. 34 Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwaridzire. Zvino akasimuka pakarepo. 35 Zvino vese vakange vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe. Kumutswa kwaTabhita parufu 36 Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo wakange azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita. 37 Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika mukamuri yekumusoro. 38 Zvino Ridha zvarakange riri pedo neJopa, vadzidzi vakange vanzwa kuti Petro wakange aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari. 39 Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzese dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo refu nezvipfeko Dhokasi zvaakange aita achiri navo. 40 Asi Petro wakavabudisira panze vese akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara. 41 Zvino wakamupa ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama. 42 Zvino zvikazikanwa paJopa yese; vazhinji ndokutenda kuna Ishe. 43 Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe. 10 Chiratidzo chaKoneriyo 1 Kwakange kune umwewo murume muKesariya wainzi Koneriyo, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria, 2 wakazvipira uye anotya Mwari pamwe neimba yake yese, waiita mabasa erudo mazhinji kuvanhu, nekunyengetera kuna Mwari nguva yese; 3 akaona muchiratidzo pachena, neawa rinenge repfumbamwe rezuva, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Koneriyo! 4 Zvino wakati amutarisisa akatya, akati: Chii, Ishe? Zvino akati kwaari: Minyengetero yako nemabasa ako erudo zvakwira kuva chirangaridzo pamberi paMwari. 5 Zvino ikozvino tuma varume kuJopa, udane Simoni anonzi Petro; 6 anogara neumwe Simoni musuki wematehwe, imba yake iri parutivi rwegungwa; iye achakuudza zvaunofanira kuita. 7 Zvino mutumwa wakange ataura naKoneriyo wakati abva, wakadana vaviri vevaranda vake vemumba nemurwi wakatendeka pane vaimumirira nguva dzese, 8 zvino wakati arondedzera zvinhu zvese kwavari, akavatuma kuJopa. 9 Zvino chifume ivo vachiri kufamba voswedera muguta, Petro wakakwira pamusoro pedenga reimba kunonyengetera, neawa rinenge rechitanhatu. 10 Akava nenzara kwazvo, akashuva kudya; asi ivo vakati vachagadzirira, chiyeverwa chikamuwira; 11 ndokuona denga rakazaruka, neumwe mudziyo uchiburukira kwaari, semucheka mukuru, wakasungwa makona mana uchiburusirwa pasi. 12 Maiva nemhuka dzese dzemakumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga. 13 Zvino inzwi rikauya kwaari richiti: Simuka, Petro, baya udye. 14 Asi Petro wakati: Aiwa kwete, Ishe; nokuti handina kutongodya chero chinhu chisakachena kana chine tsvina. 15 Zvino inzwi rikauyazve kwaari rwechipiri richiti: Mwari chaanatsa, iwe usati chakasviba. 16 Zvino izvi zvakaitwa kusvikira katatu; mudziyo ndokukwidzwazve kudenga. 17 Zvino Petro wakati achakashamiswa maari kuti chiratidzo chaakange aona chairevei, zvino tarira, varume vakange vatumwa kubva kuna Koneriyo, vabvunza imba yaSimoni, vakamira pasuwo, 18 vakadanidzira vachibvunza kana Simoni, anonzi Petro achigarapo. 19 Zvino Petro achafunga nezvechiratidzo, Mweya wakati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka. 20 Naizvozvo simuka uburuke, uende navo usiri asina chokwadi nechinhu; nokuti ndini ndavatuma. 21 Petro ndokuburukira kuvarume vakange vatumwa kwaari kubva kuna Koneriyo, akati: Tarirai, ndini wamunotsvaka; chikonzeroi chamauyira? 22 Zvino vakati: Koneriyo mukuru wezana, murume wakarurama neanotya Mwari, anopupurirwa nerudzi rwese rweVaJudha, wakayambirwa naMwari nemutumwa mutsvene kuti akudanirei kumba kwake, uye kuti anzwe mashoko kwamuri. 23 Ipapo akavadanira mukati, akavagarisapo. Zvino chifume Petro wakabuda akaenda navo, nedzimwe dzehama dzaibva paJopa dzikamuperekedza. 24 Zvino chifume vapinda Kesariya. NaKoneriyo wakange akavamirira, uye akadanira pamwe chete hama dzake neshamwari dzepedo. 25 Zvino zvakaitika kuti Petro apinda, Koneriyo akamuchingamidza, akawira patsoka dzake, akamunamata. 26 Asi Petro wakamusimudza, achiti: Simuka; ini pachangu ndiri munhuwo. 27 Zvino wakati achataura naye akapinda, akawana vazhinji vakaungana, 28 ndokuti kwavari: Imwi munoziva kuti hazvisi pamutemo kumurume ari muJudha kufambidzana kana kuuya kumunhu werumwe rudzi; asi Mwari wandiratidza kuti ndirege kuti munhu haana kunaka kana kuchena; 29 naizvozvowo ndauya ndisingapikisi zvandangodanwa. Naizvozvo ndinobvunza, kuti mandidanira chinangwai? 30 Koneriyo ndokuti: Mazuva mana apfuura kusvikira paawa rino ndakange ndichitsanya, neawa repfumbamwe ndakange ndichinyengetera mumba mangu; zvino tarira, murume wakamira pamberi pangu ane nguvo dzinopenya, 31 ndokuti: Koneriyo, munyengetero wako wanzwikwa, nemabasa ako erudo arangarirwa pamberi paMwari. 32 Tumira naizvozvo kuJopa, uye udane Simoni anonzi Petro; iye anogara mumba maSimoni musuki wematehwe parutivi rwegungwa; iye kana auya achataura newe. 33 Naizvozvo pakarepo ndatuma kwamuri; zvino imwi maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo ikozvino tese tiripo pamberi paMwari, kuti tinzwe zvinhu zvese zvamakarairwa naIshe. 34 Zvino Petro wakashamisa muromo, akati: Zvirokwazvo ndinonzwisisa kuti Mwari haasi musaruri wevanhu; 35 asi parudzi rupi nerupi uyo anomutya achiita kururama anogamuchirika kwaari. 36 Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevese). 37 Imwi munoziva shoko rakaitika paJudhiya rese, kutanga paGarirea, shure kwerubhabhatidzo Johwani rwaakaparidza; 38 raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza sei neMweya Mutsvene nesimba, waipfuura, achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakamanikidzwa nadhiabhorosi, nokuti Mwari waiva naye. 39 Nesu tiri zvapupu zvezvinhu zvese zvaakaita, zvese munyika yeVaJudha nemuJerusarema; iye wavakauraya, nekuremberedza pamuti. 40 Iye Mwari waakamutsa nezuva retatu, akamupa kuti aonekwe, 41 kwete kuvanhu vese, asi kuzvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, kwatiri taidya nekunwa naye, mushure mekunge amuka kubva kuvakafa. 42 Zvino wakatiraira kuti tiparidze kuvanhu, nekupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa. 43 Vaporofita vese vanopupura nezvake, kuti nezita rake ani nani anotenda maari achagamuchira kanganwiro yezvivi. 44 Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo vese vakanzwa shoko. 45 Zvino vekudzingiswa vaitenda vakashamisika, vese vakange vauya naPetro, nokuti nepamusoro pevahedheni chipo cheMweya Mutsvene chakange chadururwa; 46 nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi, vachikudza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati: 47 Kune munhu anogona kurambidza mvura here, kuti ava vasabhabhatidzwa, vakagamuchira Mweya Mutsvene sesuwo? 48 Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva. 11 Petro anotsanangura nezvaKoneriyo paJerusarema 1 Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari. 2 Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye, 3 vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo. 4 Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti: 5 Ini ndakange ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri; 6 wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga. 7 Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye. 8 Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nokuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu. 9 Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba. 10 Uye izvi zvakaitika kusvikira katatu, zvese ndokukweverwazve kumusoro kudenga. 11 Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandakange ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya. 12 Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisiri asina chokwadi nechinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu; 13 iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, anonzi Petro, 14 achakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yese. 15 Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavowo, sezvazvakaita pamusoro pedu pakutanga. 16 Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene. 17 Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari? 18 Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu. Bhanabhasi naSauro vanoparidza paAndiyokiya 19 Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvikira paFenikia neSaipuresi neAndiyokiya, vasingatauri shoko kuna ani asi kuVaJudha chete. 20 Asi kwaiva nevamwe vavo, varume VaSaipuresi neVaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuVaHerenisiti*, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu. 21 Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hukatendeukira kuna Ishe. 22 Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzeve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya; 23 iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vese kuti varambire panaIshe nekuzvipira kwemoyo; 24 nokuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe. 25 Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro. 26 Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rese vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokiya. 27 Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokiya vachibva kuJerusarema. 28 Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yese; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari. 29 Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya; 30 zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro. 12 Petro anosungwa naHerodhe ndokubudiswa nemutumwa waIshe 1 Nenguva iyoyo Herodhe mambo wakaisa maoko kuti atambudze vamwe kubva mukereke. 2 Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo. 3 Zvino wakati achiona kuti zvinofadza VaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso; 4 akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika. 5 Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero wakaenderera mberi uchiitwa nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye. 6 Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro wakange arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo. 7 Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamirapo, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova rutivi rwaPetro, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake. 8 Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere. 9 Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti anoona chiratidzo. 10 Zvino vakati vapfuura chirindo chekutanga nechepiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira rega; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari. 11 Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhe netarisiro yese yevanhu veVaJudha. 12 Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mariko, vazhinji pavakange vakaungana vachinyengetera. 13 Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha. 14 Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro amire pamberi pesuwo. 15 Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake. 16 Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika. 17 Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo. 18 Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro. 19 Zvino Herodhe wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako. Kufa kwaHerodhe 20 Zvino Herodhe wakatsamwira zvikuru veTire neVaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa kudya nenyika yamambo. 21 Zvino nezuva rakatarwa Herodhe wakapfeka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari. 22 Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu. 23 Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nokuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera. 24 Asi shoko raMwari rakakura rikawanda. 25 Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mariko. 13 Rwendo rwaSauro rwekutanga. Kutumwa kwaSauro naBhanabhasi 1 Zvino paivapo muAndiyokiya, mukereke ipapo vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro. 2 Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bhanabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira. 3 Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa. Vanodziviswa naErimasi paPafosi 4 Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa naMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe. 5 Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge eVaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri. 6 Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, wainzi Bhari-Jesu. 7 Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari. 8 Asi Erimasi n'anga, nokuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo. 9 Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa, 10 wakati: Iwe uzere nekubiridzira kwese nekunyengera kwese, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kwese, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe? 11 Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko. 12 Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe. Pauro anoparidza paAndiyokiya paPisidhiya 13 Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema. 14 Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi. 15 Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekurudziro kuvanhu, taurai. 16 Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume VaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai. 17 Mwari werudzi urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi. 18 Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inenge makore makumi mana murenje. 19 Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemujenya. 20 Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita. 21 Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana. 22 Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume anoenderana nemoyo wangu, achaita chido changu chese. 23 Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu; 24 iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vese VaIsraeri. 25 Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu anouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake. 26 Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahama, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri. 27 Nokuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, uye manzwi evaporofita anoverengwa sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumurasa; 28 uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe. 29 Zvino vakati vapedza zvese zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva. 30 Asi Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa; 31 iye wakaonekwa kwemazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu. 32 Nesu tinoparidza kwamuri mashoko akanaka echivimbiso chakaitwa kumadzibaba, 33 kuti Mwari wakazadzisa ichi kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsa Jesu; sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka. 34 Zvino zvekuti wakamumutsa kubva kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi. 35 Naizvozvowo anoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora. 36 Nokuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake pachake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora; 37 asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora. 38 Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kanganwiro yezvivi inoparidzirwa imwi; 39 uye neuyu ani nani anotenda anonzi wakarurama pazvinhu zvese zvamakange musingagoni kunzi makarurama pazviri nemurairo waMozisi. 40 Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti: 41 Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamisike, nekuparadzwa; nokuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatombotendi, kunyange umwe achikurondedzerai. 42 Zvino pakubuda kweVaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa ataurwe kwavari pasabata raitevera. 43 Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji veVaJudha nevakatendeukira kuVaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivagombedzera kuti varambire munyasha dzaMwari. 44 Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rese rakaungana kuzonzwa shoko raMwari. 45 Zvino VaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba. 46 Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni. 47 Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika. 48 Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevese vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda; 49 uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rese. 50 Asi VaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo. 51 Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikonio. 52 Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene. 14 Pauro anoparidza paIkonio 1 Zvino zvakaitika paIkonio, vakapinda pamwe musinagoge reVaJudha, vakataura kudai zvekuti chaunga chikuru cheVaJudha necheVaGirikiwo chakatenda. 2 Asi VaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama. 3 Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe anopupurira shoko renyasha dzake, uye anovapa kuti kuitwe zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo. 4 Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva neVaJudha, vamwewo nevaapositori. 5 Zvino kwakati kwava nekushusha kwevahedheni nekweVaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe, 6 vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza; 7 neipapo vakaparidza evhangeri. 8 Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba. 9 Uyu wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti ane rutendo kuti aporeswe, 10 akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba. 11 Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu. 12 Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Herimesi, nokuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura. 13 Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubaira pamwe nezvaunga. 14 Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira, 15 ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri. 16 Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vese kufamba nenzira dzavo. 17 Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka akatipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nekudya nemufaro. 18 Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kugumisa zvaunga kuti vasabaira kwavari. 19 Asi kwakasvika VaJudha vakabva Andiyokiya neIkonio, vanyengetedza zvaunga, zvino vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachifunga kuti wafa. 20 Asi vadzidzi vakati vamukomba, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akabuda naBhanabhasi akaenda kuDhebhe. 21 Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkonio neAndiyokiya, 22 vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji. 23 Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari. 24 Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya. 25 Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria; 26 vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari pabasa ravakange vapedzisa. 27 Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvese Mwari zvaakange aita navo, uye kuti wakange azarurira vahedheni mukova werutendo. 28 Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi. 15 Dare paJerusarema pamusoro pekudzingiswa nekuchengeta murairo waMozisi 1 Zvino vamwe vakaburuka kubva kuJudhiya, vakadzidzisa hama kuti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamugoni kuponeswa. 2 Naizvozvo, kwakati kwava nekupesana nekupikisana kusati kuri kudiki kwaPauro naBhanabhasi navo, vakaronga kuti Pauro naBhanabhasi nevamwezve vavo vakwire kuJerusarema kuvaapositori nevakuru, pamusoro peshoko iri. 3 Naizvozvo vakati vachiperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vachirondedzera zvekutendeuka kwevahedheni; vakaitira hama dzese mufaro mukuru. 4 Zvino vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke nevaapositori nevakuru, vakarondedzera zvese Mwari zvaakaita navo. 5 Asi kwakamuka vamwe vebato reVaFarisi vaitenda, vachiti: Zvinofanira kuvadzingisa, nekuvaraira kuchengeta murairo waMozisi. 6 Vaapositori nevakuru vakaungana pamwe kuti vaongorore zveshoko iri. 7 Zvino kwakava nekukakavadzana kukuru, Petro wakasimuka akati kwavari: Varume hama, imwi munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakasarudza pakati pedu, kuti nemuromo wangu vahedheni vanzwe shoko reevhangeri, uye vatende. 8 Uye Mwari muzivi wemoyo wakapupura kwavari, achivapa Mweya Mutsvene, sekwatiriwo; 9 uye haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, achichenura moyo yavo nerutendo. 10 Naizvozvo ikozvino munoidzirei Mwari, kuisa joko pamutsipa wevadzidzi, ratisina kugona kutakura kana madzibaba edu kana isu? 11 Asi nenyasha dzaIshe Jesu Kristu tinotenda kuti tinoponeswa, nenzira imwe savowo. 12 Chaunga chese ndokunyarara; ndokuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera kuti zvikuru sei zviratidzo nezvishamiso Mwari zvaakaita navo pakati pevahedheni. 13 Zvino ivo vakati vanyarara, Jakobho akapindura achiti: Varume hama, nditeererei: 14 Simioni warondedzera kuti Mwari wakashanyira vahedheni sei pakutanga kuti atorere zita rake vanhu kwavari. 15 Nemashoko evaporofita anobvumirana neizvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: 16 Shure kweizvi ndichadzoka, uye ndichavakazve tabhenakeri yaDhavhidhi yakawa; uye ndichavakazve matongo aro, uye ndicharimisazve; 17 kuti vakasara vevanhu vatsvake Ishe, nevechirudzi vese, pavanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinoreva Ishe anoita zvinhu izvi zvese. 18 Anozikanwa kuna Mwari mabasa ake ese kubva pakusingaperi. 19 Naizvozvi ini ndinogura kuti tirege kutambudza vakabva kuvahedheni vakatendeukira kuna Mwari; 20 asi tivanyorere kuti vabve pazvakashatiswa zvezvifananidzo neupombwe nezvakadzipwa neropa. 21 Nokuti Mozisi anavo kubva pamazera akare vanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achiverengwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe. 22 Ipapo zvikaonekwa zvakanaka kuvaapositori nevakuru vane kereke yese, kuti vatume varume vakasarudzwa pakati pavo kuAndiyokiya pamwe naPauro naBhanabhasi: Judhasi wainzi Bharisabhasi, naSirasi, varume vatungamiriri pakati pehama, 23 vakanyora seizvi neruoko rwavo: Vaapositori nevakuru nehama, kuhama dzekuvahedheni paAndiyokiya neSiriya neKirikia, kwaziwai; 24 sezvatakanzwa kuti vamwe vakabuda kwatiri vakakutambudzai nemashoko, vachikanganisa mweya yenyu, vachiti mudzingiswe nekuchengeta murairo, ivo vatisina kuraira; 25 zvaonekwa zvakanaka kwatiri tava nemoyo umwe, kutuma kwamuri varume vakasarudzwa, pamwe nevadikanwi vedu Bhanabhasi naPauro, 26 vanhu vakazvipira upenyu hwavo nekuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu. 27 Naizvozvo tatuma Judhasi naSirasi, ivo vachataurawo zvimwe chete neshoko remuromo. 28 Nokuti zvakaonekwa zvakanaka kuMweya Mutsvene, nekwatiri, kuti tirege kuchikutakudzai mutoro mukuru, kunze kwezvinhu izvi zvakafanira: 29 Kuti mubve pazvakabairwa zvifananidzo neropa nechakadzipwa neupombwe; kana mukazvisunungura pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka. 30 Zvino vakati vaendeswa vakasvika kuAndiyokiya; vakati vaunganidza chaunga, vakakumikidza tsamba. 31 Zvino vakati vaverenga, vakafara pamusoro pekukurudzirwa. 32 Judhasiwo naSirasi, vaiva vaporofitawo pachavo, vakakurudzira hama nenhaurwa zhinji, nekuvasimbisa. 33 Vakati vagara kwenguva, vakaendeswa nehama murugare kuvaapositori, 34 asi zvakaonekwa zvakanaka kuna Sirasi kuti asarepo. 35 Paurowo naBhanabhasi vakasara muAndiyokiya vachidzidzisa nekuparidza shoko raIshe, nevamwewo vazhinji. Pauro naBhanabhasi vanoparadzana 36 Zvino shure kwemamwe mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi: Ngatidzokere ikozvino tishanyire hama dzedu muguta rimwe nerimwe, matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini. 37 Zvino Bhanabhasi wakange aronga kutora Johwani wainzi Mariko, kuti afambe navo. 38 Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo uyu wakavasiya kubva paPamufiriya, akasaenda navo kubasa. 39 Zvino kwakauya kukakavadzana kukuru, zvekuti vakaparadzana, umwe kubva kune umwe; Bhanabhasi ndokutora Mariko kufamba naye, akaenda kuSaipuresi nechikepe; 40 asi Pauro wakasarudza Sirasi akabuda akaenda, akumikidzwa nehama panyasha dzaMwari. 41 Ndokugura neSiriya neKirikia, achisimbisa makereke. 16 Rwendo rwaPauro rwechipiri 1 Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki; 2 waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio. 3 Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kweVaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vese vakange vachiziva baba vake, kuti muGiriki. 4 Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete. 5 Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva. 6 Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia, 7 vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitiniasi; asi Mweya haana kuvatendera; 8 zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi. 9 Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia wakange amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire. 10 Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari. Pauro naSirasi paFiripi 11 Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori, 12 ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri. 13 Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vakange vaunganapo. 14 Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro. 15 Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera. 16 Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka. 17 Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso. 18 Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo. 19 Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru, 20 vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari VaJudha, 21 uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu VaRoma. 22 Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo. 23 Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo; 24 iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda. 25 Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa; 26 zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yese ikazarurwa, nezvisungo zvevese zvikasunungurwa. 27 Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza. 28 Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tese. 29 Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi, 30 zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe? 31 Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako. 32 Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vese vaiva mumba make. 33 Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vese. 34 Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yese achitenda kuna Mwari. 35 Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo. 36 Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare. 37 Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu VaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise. 38 Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti VaRoma, 39 ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta. 40 Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda. 17 Pauro naSirasi paTesaronika 1 Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika, paiva nesinagoge reVaJudha; 2 zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, uye kwemasabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro, 3 achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumuka kubva kuvakafa, uye kuti: Uyu Jesu, ini wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu. 4 Zvino vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru cheVaGiriki vaishumira, nekuvakadzi vaikudzwa vasiri vashoma. 5 Asi VaJudha vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa dzaiva simbe dzepamusika, vakaita chaunga, vakamutsira guta bongozozo; vakawira imba yaJasoni, vachitsvaka kuvabudisira kuvanhu; 6 asi vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatungamiriri veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakanyonganisa nyika, ivo vasvika panowo, 7 avo Jasoni vaakagamuchira; uye ava vese vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari, vachiti umwe mambo ariko, anonzi Jesu. 8 Uye vakanyonganisa chaunga nevatungamiriri veguta vachinzwa zvinhu izvi. 9 Zvino vakati vatora rubatso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavaregedza. Pauro naSirasi paBheriya 10 Zvino pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi kuBheriya neusiku; vakati vachisvika vakabva vakaenda musinagoge reVaJudha. 11 Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chese, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro. 12 Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevevakadzi vaikudzwa veVaGiriki, nevevarume vasiri vashoma. 13 Asi VaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriyawo, vakasvikapowo vakabvongodza zvaunga. 14 Zvino nenguva iyoyo pakarepo hama dzakatuma Pauro seanoenda kugungwa; asi Sirasi naTimotio vakasarapo. 15 Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa kuAtene; ndokuti vagamuchira kuraira kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidzise kuuya kwaari, vakabva vaenda. Pauro paAtene 16 Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakabvongonyodzeka maari, achiona guta rizere zvifananidzo. 17 Naizvozvo wakapikisana neVaJudha musinagoge nevainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevanenge varipo. 18 Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzeVaEpikuro nedzeVaStoiko dzakaita nharo naye. Vamwe ndokuti: Uyu mubvotomoki anoda kurevei? Asi vamwe vakati: Anenge muparidzi wevamwari vekumwe; nokuti neevhangeri wakavaparidzira Jesu nekumuka. 19 Zvino vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here kuti dzidziso iyi itsva inotaurwa newe chii? 20 Nokuti unouisa zvimwe zvinhu zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvinoda kuva zvii? 21 Nokuti vese VaAtene nevatorwa vaigarapo vakashandisa nguva yavo kwete pane chimwe chinhu, asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva. 22 Zvino Pauro amira pakati peAreopago, wakati: Varume VaAtene, pazvinhu zvese ndinoona kuti semune chitendero chikuru. 23 Nokuti ndati ndichipfuura nekucherekedza zvinhu zvenyu zvamunonamata, ndawana aritariwo yakanyorwa kuti: KUNA MWARI ASINGAZIKANWI. Naizvozvo uyo wamunonamata musingazivi, ndiye ini wandinokuparidzirai. 24 Mwari wakaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi, iye ari Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, 25 uye haashumirwi nemaoko evanhu, seanoshaiwa chinhu, nokuti iye anopa vese upenyu nekufema nezvinhu zvese; 26 uye wakaita kubva paropa rimwe marudzi ese evanhu, kuti agare pachiso chese chenyika, atara nguva dzakagara dzatemwa uye miganhu yeugaro hwavo; 27 kuti vatsvake Ishe, zvimwe zvirokwazvo vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu. 28 Nokuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwewo vanyanduri vekwenyu vakati: Nokuti tiri zvizvarwa zvakewo. 29 Naizvozvo zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana negoridhe kana sirivheri kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana murangariro wemunhu. 30 Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, ikozvino anoraira vanhu vese kwese-kwese kuti vatendeuke. 31 Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza, akasimbisa kune vese, pakumumutsa kubva kuvakafa. 32 Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakasveveredza, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi. 33 Zvino nokudaro Pauro wakabuda pakati pavo. 34 Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisiowo muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo. 18 Pauro paKorinde neEfeso 1 Shure kwezvinhu izvi Pauro wakabva paAtene akauya kuKorinde. 2 Zvino akawana umwe muJudha wainzi Akwira, wePonto pakuberekwa (achangosvika kubva kuItaria), naPrisira mukadzi wake, nekuda kwekuraira kwaKiraudhio kuti VaJudha vese vabve kuRoma, akaenda kwavari; 3 zvino nokuti vakange vari vebasa rimwe, wakagara navo ndokushanda; nokuti vaiva vagadziri vematende pabasa. 4 Zvino waiparidza sabata rimwe nerimwe musinagoge, achigombedzera VaJudha neVaGiriki. 5 Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva kuMakedhonia, Pauro wakamanikidzwa neMweya, akapupura kuVaJudha kuti Jesu ndiye Kristu. 6 Zvino vakati vachimupikisa nekutuka, akazunza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva ikozvino ndichaenda kuvahedheni. 7 Zvino wakabva ipapo akaenda kumba kweumwe wainzi Jusito, wainamata Mwari, imba yake yaiva yakabatana nesinagoge. 8 NaKrisipo mutungamiriri wesinagoge wakatenda kuna Ishe neimba yake yese; nevazhinji veVaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa. 9 Zvino Ishe wakataura kuna Pauro pausiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara; 10 nokuti ini ndinewe, uye hapana angakumukira kuti akukuvadze; nokuti ndine vanhu vazhinji muguta rino. 11 Zvino wakagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo. 12 Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, VaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pamberi pechigaro chekutonga, 13 vachiti: Uyu anogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo. 14 Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuVaJudha: Naizvozvo dai chaiva chinhu chezvisakarurama kana mhosva yakaipa, haiwa VaJudha, nechikonzero ichi ndaikuitirai nemoyo murefu; 15 asi kana dziri nharo pamusoro peshoko nemazita, nemurairo wenyu pachenyu, zvionerei imwi; nokuti ini handidi kuva mutongi weizvozvo. 16 Ndokuvadzinga pachigaro chekutonga. 17 Zvino VaGiriki vese vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo. 18 Pauro wakati achigere mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda kuSiriya, uye Prisira naAkwira vanaye, aveura musoro paKenikirea, nokuti wakange ane mhiko. 19 Zvino wakasvika muEfeso, akavasiyapo; asi iye wakapinda musinagoge akataurirana neVaJudha. 20 Zvino vakati vamukumbira kugara navo nguva yakati rebei, haana kutenda; 21 asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzese kuchengetedza mutambo unouya muJerusarema; asi ndichadzokazve kwamuri, kana Mwari achida. Akabva paEfeso nechikepe. 22 Zvino wakati asvika Kesariya, ndokukwira akakwazisa kereke, akaburukira kuAndiyokiya. Rwendo rwechitatu rwaPauro 23 Zvino wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratia neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vese. 24 Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muAreksandiria nekuberekwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso. 25 Uyu wakange adzidziswa nzira yaIshe, uye waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete; 26 iye ndokutanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo. 27 Zvino wakati achida kuyambukira kuAkaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika akabatsira zvikuru avo vakatenda nenyasha; 28 nokuti wakapwisa VaJudha nesimba pachena, achiratidza nemagwaro kuti Jesu ndiye Kristu. 19 Pauro paEfeso 1 Zvino zvakaitika, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro akasvika paEfeso; akawana vamwe vadzidzi, 2 akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda? Zvino vakati kwaari: Asi hatina kutongonzwa kana kune Mweya Mutsvene. 3 Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Zvino vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani. 4 Zvino Pauro wakati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anouya shure kwake, ndiko kuti, kuna Kristu Jesu. 5 Zvino vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. 6 Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo; vakataura nendimi, ndokuporofita. 7 Zvino varume vese vainge gumi nevaviri. 8 Zvino wakapinda musinagoge akataura akashinga, kwemwedzi mitatu achiparidza achipwisa pazvinhu zveushe hwaMwari. 9 Asi vamwe vakati vachiomesa moyo uye vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga, akabva kwavari akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tiranosi. 10 Zvino izvi zvakaitika kwemakore maviri, zvekuti vese vakange vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vese VaJudha neVaGiriki. 11 Mwari ndokuita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro, 12 zvekuti kunyange kuvarwere kwaiiswa micheka yekumeso kana mafasikoti zvaibva pamuviri wake, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda kwavari. 13 Zvino vamwe VaJudha vambeyi vadzingi vemweya yakaipa, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu Pauro waanoparidza. 14 Zvino paiva nevamwe vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mupristi mukuru vaiita izvi. 15 Mweya wakaipa ndokupindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva nezvake; asi imwi ndimwi vana ani? 16 Zvino munhu mweya wakaipa wawaiva paari akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba umo vasina nguvo vakuvadzwa. 17 Zvino izvi zvikazikanwa kune vese VaJudha neVaGirikiwo vakange vagere paEfeso; kutya ndokuvawira vese; zita raIshe Jesu ndokukudzwa. 18 Zvino vazhinji vevakange vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo. 19 Zvino vazhinji vevaiita zveun'anga vakaunganidza mabhuku pamwe vakaapisa pamberi pevese; ndokuverenga mutengo wawo, zvino vakawana masirivheri zvuru makumi mashanu. 20 Naizvozvo shoko raIshe rakakura nesimba rikakunda. 21 Zvino izvi zvakati zvapera, Pauro wakazvipira mumweya, ambogura nepaMakedhonia neAkaya, kuenda kuJerusarema, achiti: Shure kwekuva kwangu ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma. 22 Zvino akatumira kuMakedhonia vaviri vevaimushandira, Timotio naErasto, iye akagara muAsia kwenguva. Bongozozo rakamutswa naDhemetrio 23 Zvino nenguva iyoyo nyonga-nyonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo. 24 Nokuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, waiuisa mubairo usati uri mudiki kumhizha; 25 wakadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tine upfumi hwedu. 26 Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yese, Pauro uyu wakagombedzera nekutsausa chaunga chikuru, achiti vakaitwa nemaoko havasi vamwari. 27 Zvino hazvisi izvi chete kuti chikamu chedu chisvike panjodzi yekuzvidzwa, asi netembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichaitwa chinhu pasina neukuru-kuru hwake huchaderedzwa, iye Asia nenyika yese wavanonamata. 28 Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso! 29 Zvino guta rese rakazadzwa nenyonga-nyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panhandare, vakakweva Gayo naArisitako VaMakedhonia, vaperekedzi vaPauro. 30 Zvino Pauro akada kupinda muchaunga, vadzidzi havana kumutendera. 31 Uye nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kuzvipinza panhandare. 32 Zvino vamwe vakadanidzira chimwe vamwe chimwe; nokuti ungano yakange yanyonganiswa, uye vazhinji vasingazivi zvavakaunganira. 33 Zvino vakabudisira Arekisandiro kunze kubva muchaunga, VaJudha vachimusundira mberi. Zvino Arekisandiro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira kuvanhu. 34 Asi pavakaziva kuti muJudha, inzwi rimwe rakamuka kune vese, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso! 35 Zvino munyori wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, nokuti munhu ndeupi aripo asingazivi kuti guta reVaEfeso ndiro muchengetedzi wetembere yamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kudenga. 36 Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, munofanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira. 37 Nokuti mauisa varume ava, vasiri makororo edzitembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu. 38 Naizvozvo kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe, matare emhosva akazarurwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane. 39 Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererano nezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo. 40 Nokuti tiri munjodziwo yekupiwa mhosva yebongozozo ranhasi zvapasina chikonzero chatingapa nacho rondedzero yenyongano iyi. 41 Zvino wakati ataura izvozvi, akaparadza ungano. 20 Pauro anoendazve kunyika yeMakedhonia neGirisi 1 Shure kwekuguma kwemhirizhonga, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, akabuda kuti aende kuMakedhonia. 2 Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira nemashoko mazhinji, akasvika kuGirisi, 3 akati agara mwedzi mitatu, rangano yaitwa neVaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda kuSiriya nechikepe, akazvipira kudzokera nemuMakedhonia. 4 Zvino Sopatro weBheriya wakamuperekedza kusvika kuAsia, neveVaTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio, uye Tikiko naTrofimo VaAsia. 5 Ava vakatungamira vakatimirira paTroasi. 6 Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso, zvino takasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu, patakagara mazuva manomwe. 7 Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vakaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, achida kubva chifume, akaredzva nhaurwa kusvikira pakati peusiku. 8 Zvino kwakange kune mwenje mizhinji mukamuri yekumusoro mavakange vakaungana. 9 Zvino pahwindo pakange pagere rimwe jaya rainzi Yutikosi, rikabatwa nehope kwazvo, Pauro wakati achiparidza nguva refu, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, ndokunongwa rafa. 10 Zvino Pauro akaburuka akazviwisira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa; nokuti mweya waro uri mariri. 11 Wakati akwirazve ndokumedura chingwa ndokudya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, saizvozvo wakaenda. 12 Zvino vakauya nemukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa zvisati zviri zvishoma. 13 Asi isu, takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe kuAso, takananga kukwidza Pauro ipapo; nokuti wakange aronga saizvozvo, iye achitarisira kufamba netsoka. 14 Zvino wakati asangana nesu paAso, tikamukwidza tikasvika kuMitirene, 15 tikabva ipapo nechikepe, chifume tikasvika pakatarisana neKiyo; chifume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu, chifume tikasvika Mireto. 16 Nokuti Pauro wakange akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, kuti asapedza nguva paAsia; nokuti waimhanya, kana zvichibvira kwaari, ave paJerusarema nezuva rePendekosita. Pauro anoraira vakuru veEfeso 17 Zvino ari paMireto wakatumira kuEfeso akadanira vakuru vekereke kwaari. 18 Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imwi munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika muAsia, kuti ndakava nemwi sei nguva dzese, 19 ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kwese uye nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzeVaJudha; 20 kuti handina sei kuvanza zvezvingabatsira, kusakuparidzirai nekukudzidzisai pachena uye muimba neimba, 21 ndichipupura zvese kuVaJudha nekuVaGiriki kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu. 22 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa neMweya, ndisingazivi zvichandiwira mariri, 23 kunze kwekuti Mweya Mutsvene anopupura muguta rimwe nerimwe achiti zvisungo nenhamo zvakandigarira. 24 Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengeri upenyu hwangu kuti chinhu chinokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura evhangeri yenyasha dzaMwari. 25 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoziva kuti imwi mese, vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu. 26 Naizvozvo ndinopupura kwamuri nezuva ranhasi, kuti ini ndakachena paropa revese; 27 nokuti handina kuvanza kwekusakuparidzirai zano rese raMwari. 28 Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene. 29 Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka; 30 uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere. 31 Naizvozvo rindai, murangarire kuti kwemakore matatu handina kuguma siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi. 32 Uye ikozvino hama, ndinokukumikidzai kuna Mwari nekushoko renyasha dzake, iye anogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevese vakaitwa vatsvene. 33 Handina kuchiva sirivheri kana goridhe kana nguvo yemunhu. 34 Imwiwo momene munoziva kuti maoko awa akabatira kushaiwa kwangu nekwevaiva neni. 35 Pazvinhu zvese ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvi munofanira kubatsira vane utera, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira. 36 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, akafugama, akanyengetera navo vese. 37 Kukava nekuchema kwavo vese kukuru; vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda, 38 vachishungurudzika zvikuru neshoko raakataura, kuti havachazooni chiso chake. Zvino vakamuperekedza kuchikepe. 21 Pauro anosvika kuJerusarema kwaanobatwa mutembere 1 Zvino zvakaitika kuti tichibva nechikepe taparadzana navo, takafamba nenzira yakarurama tikasvika muKose, neraitevera muRodhe, tikabvapo tikasvika Patara; 2 ndokuti tawana chikepe chaiyambukira kuFonisiya, takapinda tikaenda nechikepe. 3 Takati tabudikira Saipuresi, ndokuisiya kuruoko rweruboshwe, tikaenda kuSiriya nechikepe, tikamhara paTire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo; 4 zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati neMweya kuna Pauro, arege kukwira kuJerusarema. 5 Zvino zvakaitika kuti takapedza mazuva, tikabva tikaenda, vese vakatiperekedza nevakadzi nevana kusvikira kunze kweguta; zvino takafugama nemabvi pamahombekombe tikanyengetera. 6 Zvino tawonekana, takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo. 7 Asi isu takati tapedza rwendo nechikepe kubva kuTire, takasvika kuPitoremai, tikakwazisa hama tikagara navo zuva rimwe. 8 Chifume isu taiva naPauro takabva tikasvika kuKesariya; ndokupinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye. 9 Uyuwo wakange ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita. 10 Zvino takati tagara mazuva mazhinji, kwakaburuka kubva kuJudhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi, 11 ndokusvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga maoko nemakumbo ake, akati: Mweya Mutsvene anoreva izvi: Murume bhanhire iri riri rake, VaJudha paJerusarema vachamusunga saizvozvi, nekumukumikidza mumaoko evahedheni. 12 Zvino takati tanzwa zvinhu izvi tese isu nevenzvimbo iyo tikakumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema. 13 Asi Pauro wakapindura akati: Munoitei muchichema nekuputsa moyo wangu? Nokuti ini ndakagadzirira, kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu. 14 Zvino wakati asingapwiswi, takanyarara tikati: Chido chaIshe ngachiitwe. 15 Zvino shure kwemazuva iwayo takarongedza, tikakwira kuJerusarema. 16 Nevamwewo vevadzidzi veKesariya vakaenda nesu, vakauya neumwe Minasoni weSaipuresi, mudzidzi wekare, watainogara naye. 17 Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzakatigamuchira nemufaro. 18 Chifume Pauro wakapinda nesu kuna Jakobho, nevakuru vese vakange varipo. 19 Zvino wakati avakwazisa, wakarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu Mwari chaakaita pakati pevahedheni neshumiro yake. 20 Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe; vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zveVaJudha vanotenda; uye vese vanoshingairira murairo; 21 zvino vakaudzwa nezvako, kuti unodzidzisa VaJudha vese vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika. 22 Ko zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane; nokuti vachanzwa kuti wasvika. 23 Naizvozvo ita izvi zvatinoreva kwauri; tine varume vana vane mhiko pamusoro pavo; 24 vatore pamwe newe, uzvichenure pamwe navo, uye uripe muripo wavo, kuti vaveure musoro, kuti vese vazive kuti zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo, asi iwewo pachako unofamba zvakarurama uchichengeta murairo. 25 Asi maererano nevahedheni vanotenda isu tanyora, tikatema kuti vasachengeta chinhu chakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabairwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe. 26 Ipapo Pauro wakatora varume avo, zuva raitevera akazvichenura pamwe navo, akapinda mutembere kupira kupera kwemazuva ekunatswa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe wavo. 27 Zvino mazuva manomwe akati opera, VaJudha vaibva kuAsia pavakamuona mutembere, vakamutsa chaunga chese, ndokuisa maoko kwaari. 28 Vakadanidzira, vachiti: Varume VaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vese kwese-kwese zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino; pamusoro pazvo anouisa VaGirikiwo mutembere, ndokusvibisa nzvimbo ino tsvene. 29 Nokuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifunga kuti Pauro wamupinza mutembere. 30 Neguta rese rakanyonganiswa; vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere; mikova ikazarirwa pakarepo. 31 Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru wehondo, kuti Jerusarema rese ranyonganiswa. 32 Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro. 33 Zvino mukuru wechuru chemazana wakaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri, akabvunza kuti waiva ani, uye kuti waitei. 34 Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe vamwe chimwewo; zvino asingagoni kuziva chokwadi nekuda kwenyonga-nyonga, wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto. 35 Zvino wakati asvika pamitanho, zvakaitika kuti atakurwe nemauto nekuda kwemhirizhonga yechaunga; 36 nokuti chaunga chevanhu chakatevera chichidanidzira chichiti: Mubvise! 37 Pauro wakati oda kupinzwa muimba yemauto akati kumukuru wechuru: Zvinotenderwa here kuti nditaure chinhu kwauri? Iye ndokuti: Unoziva chiGiriki here? 38 Ko iwe hausi uya muEgipita wakamutsa bongozozo mazuva ano asati asvika here, akatungamirira kurenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi? 39 Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha, weTaso yeKirikia, mugari weguta risina kureruka. Zvino ndinokukumbirai, nditenderei kutaura kuvanhu. 40 Zvino wakati amutendera, Pauro wakamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino kwakati kwanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti: 22 Pauro anozvidavirira pamberi pevanhu 1 Varume, hama, nemadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu ikozvino kwamuri. 2 Vakati vachinzwa kuti anotaura nerurimi rwechiHebheru kwavari, vakanyanya kunyarara, zvino akati: 3 Ini ndiri zvirokwazvo murume muJudha, wakaberekerwa muTaso yeKirikia, akarerwa muguta rino pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa zvakasimba maererano nemurairo wemadzibaba, mushingairiri waMwari, sezvamuri mese nhasi; 4 waishusha nzira iyi kusvikira parufu, ndichisunga nekukumikidza mutirongo vese varume nevakadzi, 5 nemupristi mukuru sezvaanondipupurira, nedare rese remakurukota evakuru, kwandakagamuchirawo kwavari tsamba kuhama, ndikaenda kuDhamasiko kuti ndiuise kuJerusarema avo vaivapowo vakasungwa, kuti varangwe. 6 Zvino zvakaitika kuti ndichifamba ndoswedera Dhamasiko, anenge masikati, pakarepo kwakapenya kubva kudenga chiedza chikuru chakandipoteredza. 7 Zvino ndakawira pasi, ndokunzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unondishushirei? 8 Ini ndikapindura, ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta waunoshusha iwe. 9 Zvino avo vaiva neni vakaona chiedza, uye vakatya; asi havana kunzwisisa inzwi rewakataura neni. 10 Zvino ndikati: Ndoita chii, Ishe? Ishe ndokuti kwandiri: Simuka uende kuDhamasiko; uye ikoko uchaudzwa maererano nezvinhu zvese zvakatarirwa iwe kuti uite. 11 Zvino zvandakange ndisingaoni nekubwinya kwechiedza icho, ndakatungamirirwa neruoko nevaiva neni, ndikasvika kuDhamasiko. 12 Zvino umwe Ananiasi, murume waishingaira pakunamata zvinoenderana nemurairo, waipupurirwa zvakanaka neVaJudha vese vakange vagerepo, 13 akauya kwandiri ndokumira padivi pangu akati kwandiri: Sauro hama, chionazve. Neni nenguva iyo ndikamuona. 14 Zvino akati: Mwari wemadzibaba edu wakagara akusarudza kuti uzive chido chake, nekuona Wakarurama, uye unzwe inzwi rinobva mumuromo wake. 15 Nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vese chezvawakaona nekunzwa. 16 Zvino ikozvino uchanonokerei? Simuka ubhabhatidzwe uye usukwe zvivi zvako, uchidana zita raIshe. 17 Zvino zvakaitika kuti ndadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera mutembere, ndikaita chiyeverwa chemweya, 18 ndokumuona achiti kwandiri: Kurumidza uye ubude muJerusarema ikozvino-zvino; nokuti havagamuchiri uchapupu hwako maererano neni. 19 Ini ndikati: Ishe, ivo vanoziva kuti ini ndaiisa mutirongo nekurova musinagoge rega-rega avo vaitenda kwamuri; 20 uye pakadururwa ropa raSitefano chapupu chenyu, neni ndakange ndimirepo ndichibvumirana nekuurawa kwake, uye ndakachengeta nguvo dzevaimuuraya. 21 Zvino akati kwandiri: Enda, nokuti ini ndichakutuma kure kuvahedheni. 22 Vakamuteerera kusvikira pashoko iri, ndokusimudza inzwi ravo vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti hazvina kufanira kuti ararame. 23 Zvino vachidanidzira, nekurasa nguvo, vachikushira guruva mumhepo, 24 mukuru wechuru wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto achiti abvunzurudzwe nekurohwa netyava, kuti azive kuti chikonzeroi chavaidanidzira kudai pamusoro pake. 25 Zvino vakati vamutandavadzira mberi nemakashu, Pauro akati kumukuru wezana wakange amirepo: Zviri pamutemo here kwamuri kurova netyava munhu ari muRoma uye asina kupiwa mhosva? 26 Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaswedera akaudza mukuru wechuru achiti: Chenjerai zvamoda kuita; nokuti munhu uyu muRoma. 27 Zvino mukuru wechuru akaswedera akati kwaari: Ndiudze, iwe uri muRoma here? Iye akati: Hongu. 28 Mukuru wechuru ndokupindura akati: Nemutengo mukuru ini ndakawana ugaro uhu. Pauro akati: Asi neni ndakaberekwa nahwo. 29 Naizvozvo pakarepo vakabva kwaari ivo vaiva vomubvunzurudza. Nemukuru wechuru wakatyawo aziva kuti iye muRoma, uye nokuti wakange amusunga. 30 Zvino chifume achida kuziva chokwadi, kuti nemhosva yei aipomerwa neVaJudha, wakamusunungura pazvisungo, akaraira kuti vapristi vakuru nedare ravo remakurukota rese vauye, akaburusira Pauro ndokugadzika pamberi pavo. 23 Pauro pamberi pedare remakurukota 1 Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yese yakanaka, kusvikira zuva rino. 2 Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove muromo. 3 Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari achakurova, madziro akadzudzurwa akacheneswa; nokuti iwe ugere kuti unditonge maererano nemurairo, zvino unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo here? 4 Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here? 5 Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vekwako. 6 Zvino Pauro wakati aziva kuti rimwe divi ndereVaSadhusi uye rimwe ndereVaFarisi, akadanidzira kudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wemuFarisi; ini ndinotongwa pamusoro petariro nekumuka kwevakafa. 7 Wakati areva izvi, kupesana kukauya pakati peVaFarisi neVaSadhusi, chaunga ndokukamukana. 8 Nokuti VaSadhusi vanoti hakuna kumuka, kana mutumwa, kana mweya; asi VaFarisi vanobvuma zviri zviviri. 9 Zvino mhere-mhere huru ikamuka; vanyori vekudivi reVaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya akataura naye kana mutumwa, hatingarwisani naMwari. 10 Zvino kupesana kukuru kwakati kwauya, mukuru wechuru akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise kuimba yemauto. 11 Zvino usiku hwakatevera Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nokuti sezvawakapupura zvinhu maererano neni paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kuti upupure kuRoma. Vamwe VaJudha vanozvisunga kuuraya Pauro 12 Zvino kwakati kwaedza, vamwe veVaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko, vachiti havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro. 13 Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita mhiko iyi pamwe chete; 14 ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nemhiko huru, kuti hatidyi chinhu kusvikira tauraya Pauro. 15 Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatsobvunzisisa zviri maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya. 16 Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira, akauya akapinda mumba memauto, akaudza Pauro. 17 Pauro ndokudanira kwaari umwe wevakuru vezana akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nokuti rine chekutaura kwaari. 18 Zvino ndokumutora, akamuuisa kumukuru wechuru, ndokuti: Pauro musungwa wandidanira kwaari akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri, rine chekutaura kwamuri. 19 Mukuru wechuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunacho chekundiudza? 20 Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai, kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana, sevanoda kunyatsobvunzisisa chimwe chinhu maererano naye. 21 Naizvozvo imwi musatendeswa navo; nokuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana, vakazvisunga nemhiko kuti havangadyi kana kunwa kusvikira vamuuraya; zvino ikozvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso kubva kwamuri. 22 Naizvozvo mukuru wechuru wakaregera jaya richienda, ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi. 23 Zvino akadanira kwaari vamwe vaviri vevakuru vezana, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri kuti afambe kusvikira Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku; 24 muvawanisewo zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro vamuise akachengeteka kumutungamiriri Ferikisi; 25 akanyora tsamba yakatakura zvemukati izvi: 26 Kiraudhio Risia kuna Ferikisi mutungamiriri changamire, kwaziwai. 27 Uyu murume wakabatwa neVaJudha, uye angadai akaurawa navo, ndikasvika nemauto ndikamununura, ndanzwa kuti muRoma. 28 Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera nacho, ndikamuburusira kudare ravo remakurukota; 29 ndikawana achipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana zvisungo. 30 Zvino ndakati ndaziviswa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemurume uyu neVaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomumhan'arira kuti vataure pamberi penyu zvavanopesana naye. Chisarai. 31 Zvino mauto, sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa kuAntipatiri neusiku. 32 Zvino chifume, vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto; 33 ivo vakati vasvika kuKesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake. 34 Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino aziva kuti ndeweKirikia, 35 akati: Ndichakunzwa, kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera. 24 Pauro anozvidavirira pamberi paFerikisi 1 Zvino mushure memazuva mashanu Ananiasi mupristi mukuru wakaburuka nevakuru neumwe mumiririri wainzi Teturo; vakamhan'arira Pauro kumutungamiriri. 2 Zvino wakati adanwa, Teturo akatanga kumupa mhosva achiti: Rugare rukuru tinorwuwana nemwi, nemabasa akanaka akaitika murudzi rwuno neurongwa hwenyu, 3 tinozvigamuchira nemitoo yese nepanzvimbo dzese, changamire Ferikisi, nekuvonga kwese. 4 Asi kuti ndisaramba ndichikubatirirai, ndinokukumbirai zvikuru kuti netsitsi dzenyu mutinzwe muchidimbu. 5 Nokuti takawana murume uyu ari hosha huru, anomutsa bongozozo pakati peVaJudha vese panyika yese, ari mutungamiriri weboka reVaNazareta. 6 Iye wakaidzawo kushatisa tembere; watakabatawo tichida kumutonga maererano nemurairo wedu, 7 zvino mukuru wehondo Risiasi wakauya ndokumutora nechisimba chikuru mumaoko edu, 8 akaraira vaimupa mhosva kuti vauye kwamuri; wamunogona kuti mukumubvunzisisa momene muchawana ruzivo rwezvinhu izvi zvese isu zvatinomupira mhosva. 9 NeVaJudha vakabvumawo, vachiti zvinhu izvi zvakadaro. 10 Zvino Pauro wakapindura, mutungamiriri amuninira kuti ataure, akati: Nokuti ndinoziva kuti mava wemakore mazhinji muri mutongi kurudzi urwu, ndinozvidavirira nemufaro mukuru zviri maererano neni, 11 sezvo mungagona kuziva kuti mazuva achigere kupfuura gumi nemaviri kwandiri, kubvira pandakakwira kuJerusarema kunonamata; 12 uye havana kundiwana mutembere ndichiita nharo nemunhu, kana kumutsira chaunga bongozozo, kunyange mumasinagoge kana muguta rese; 13 uye havagoni kupa uchapupu pamusoro pezvinhu zvavanondimhan'arira ikozvino. 14 Asi ndinobvuma izvi kwamuri, kuti nenzira yavanoti kutsauka, saizvozvo ndinoshumira Mwari wemadzibaba, ndichitenda zvinhu zvese zvakanyorwa pamurairo wese nepavaporofita; 15 ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanomirirawo vamene, kuti kuchava nekumuka kwevakafa, kwevakarurama pamwe nevasakarurama. 16 Uye pachinhu ichi ini ndinoidza, kuti nguva dzese ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nekuvanhu. 17 Zvino shure kwemakore mazhinji ndakasvika kuzopa zvipo zvenyasha kurudzi rwangu nezvibairo; 18 ndiri pane izvozvi vamwe VaJudha vakabva Asia vakandiwana ndakanatswa mutembere, pasina chaunga, pasina bongozozo; 19 vanofanira kuva pano pamberi penyu vandipe mhosva kana vane chekupokana neni; 20 kana ivo pachavo ngavareve vamene, kuti vakawana chii chisakarurama mandiri, pandakamira pamberi pedare remakurukota, 21 kunze kweshoko iri rimwe, randakadanidzira ndimire pakati pavo rekuti: Maererano nekumuka kwevakafa ini ndinotongwa nemwi nhasi. 22 Asi Ferikisi wakati anzwa zvinhu izvi achiziva zvakanyanya zvenzira iyo akambovamisa, achiti: Kana Risiasi mutungamiri wechuru aburukira pano, ndichanyatsoongorora zviri maererano nemwi; 23 ndokuraira mukuru wezana kuti achengete Pauro, uye ave nerusununguko, uye kuti varege kudzivisa umwe wevekwake kushumira kana kumushanyira. 24 Zvino shure kwemamwe mazuva, Ferikisi wakasvika nemukadzi wake Drusira muJudhakadzi, akatuma kunodana Pauro, akamunzwa pamusoro perutendo kuna Kristu. 25 Zvino wakati achataura zvekururama nezvekuzvidzora uye zvekutonga kunouya, Ferikisi akatya akapindura akati: Enda zvaikozvino; kana ndikazova nenguva yakafanira, ndichakudana; 26 panguva iyoyo waitarisirawo kuti mari ichapiwa kwaari naPauro, kuti amusunungure; naizvozvo wakamudanawo kazhinji achitaura naye. 27 Asi makore maviri akati azadziswa, Ferikisi akagamuchira waimutevera Pokio Fesitasi; Ferikisi akada kufadza VaJudha akasiya Pauro akasungwa. 25 Pauro pamberi paFesitasi 1 Zvino Fesitasi wakati asvika padunhu iro, shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya. 2 Zvino mupristi mukuru nevakuru veVaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa, 3 vachikumbira nyasha dzinopikisana naye, kuti amudanire kuJerusarema, vakavandira kuti vamuuraye panzira. 4 Asi Fesitasi wakapindura, kuti Pauro wakachengetwa paKesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako. 5 Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; kana pane chisina kururama kumurume uyu, ngaamupe mhosva. 6 Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakaburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira kuti Pauro auiswe. 7 Zvino wakati asvika, VaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vachiuisa mhosva zhinji uye dzinorema pana Pauro, dzavakange vasingagoni kusimbisa, 8 iye achizvidavirira akati: Kumurairo weVaJudha, kana kutembere, kana kuna Kesari handina kutadza chinhu. 9 Asi Fesitasi achida kufadza VaJudha, wakapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu? 10 Asi Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuVaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunozivisisa imwiwo. 11 Nokuti kana ndakatadza uye ndakaita chinhu chakafanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu zvavanondipira mhosva ivo, hakuna munhu anogona kundikumikidza kwavari pachena. Ndinoikwidza kuna Kesari. 12 Ipapo Fesitasi ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waikwidza kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda. Pauro pamberi paAgripa 13 Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agripa naBhenike vakasvika kuKesariya kuzokwazisa Fesitasi. 14 Vakati vagarako mazuva mazhinji, Fesitasi akarondedzera zviri maererano naPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa, 15 wandakati pandakange ndiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru veVaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo unopokana naye. 16 Vandakapindura, kuti haisi tsika yeVaRoma kukumikidza pachena chero munhu kurufu, uyo anopiwa mhosva asati ambotarisana nevanomupa mhosva, akagamuchira mukana wekuzvipindurira maererano nemhosva. 17 Naizvozvo vakati vaungana pano, pasina kunonoka, nezuva raitevera ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auiswe. 18 Vamhan'ari vakamusimukira vakasamupa mhosva yezvandaifungira ini, 19 asi vaiva nezvimwe zvavaimupikisa maererano nechitendero chavo, uye zveumwe Jesu wakange afa, Pauro waaiti mupenyu. 20 Zvino ini zvandakange ndisina chokwadzi maererano negakava rakadai, ndakati anoda kuenda kuJerusasrema here, anotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi. 21 Pauro wakati aikwidza kuti achengeterwe mutongo wamambo mukuru, ndakaraira kuti achengetwe, kusvikira ndichimutumira kuna Kesari. 22 Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Neni ndinoda kunzwa munhu uyu. Iye akati: Mangwana muchamunzwa. 23 Naizvozvo chifume, Agripa wakati asvika naBhenike, vachionekera kwazvo, vakapinda mumba mekutambira mhosva, nevatungamiriri vezvuru, nevarume vakuru veguta, Fesitasi araira, vakauya naPauro. 24 Zvino Fesitasi akati: Mambo Agripa, nevarume vese vari pano nesu, munoona uyu, chaunga chese cheVaJudha wachakandikumbira zvese paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama. 25 Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake waikwidza kuna mambo mukuru, ndagura kumutumira. 26 Asi handina chinhu chakasimba chandinganyorera ishe pamusoro pake. Naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, uye zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamuongorora, ndingava nechandinganyora. 27 Nokuti ndinoona zvisina musoro kutuma musungwa, pasina kutaridzwawo mhosva dzakanangana naye. 26 Pauro pamberi paAgripa naFesitasi 1 Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvitaurira. Ipapo Pauro akatandavadza ruoko, akazvipindurira achiti: 2 Pane zvese zvandakamhan'arirwa neVaJudha, mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi; 3 zvikuru nokuti ndinoziva kuti mune ruzivo rwetsika dzese nemakakava ari pakati peVaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai, kuti mundinzwe nemoyo murefu. 4 Naizvozvo mufambiro wangu kubva paudiki, waiva kubva pakutanga pakati perudzi rwangu paJerusarema, VaJudha vese vanoziva, 5 vaindiziva kubva pakutanga kana vachida kupupura, kuti nenzira yakasimba yeboka rechitendero chedu ndairarama ndiri muFarisi. 6 Uye ikozvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba, 7 marudzi edu gumi nemaviri achishumira akasimba siku nesikati vachitarisira kusvika pachiri. Nekuda kwetariro iyi, mambo Agripa, ndinopiwa mhosva neVaJudha. 8 Sei zvichifungwa kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa? 9 Naizvozvo ini ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta; 10 neni zvandakaita muJerusarema, uye ini ndakapfigira vazhinji vevatsvene mumatirongo, ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; nepavaiurawa ndaizvisarudza. 11 Uye ndaivaranga kazhinji mumasinagoge ese, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvikira nekumaguta ekunze. 12 Ndipo neni ndichienda kuDhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru, 13 pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenya chakandipoteredza nevaifamba neni. 14 Zvino takati tese tawira pasi pavhu, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, unondishushirei? Zvinokuremera kukavana nezvibayo. 15 Zvino ini ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akatiwo: Ndini Jesu waunoshusha iwe. 16 Asi simuka, uye umire netsoka dzako; nokuti ndazviratidzira izvi kwauri, ndikuite mushumiri nechapupu zvese chezvinhu zvawakaona nezvandichazviratidza nazvo kwauri, 17 ndichikununura kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari ikozvino, 18 kusvinudza meso avo, nekuvatendeusa kubva murima vaende kuchiedza, nepasimba raSatani vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi, uye nhaka pakati pevakaitwa vatsvene nerutendo rwuri mandiri. 19 Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga; 20 asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko neveJerusarema, nekudunhu rese reJudhiya, nekuvahedheni, kuti vatendeuke, uye vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka. 21 Nekuda kwezvinhu izvi VaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya. 22 Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvikira zuva rino, ndichipupura kuvadiki nevakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu kunze kweizvo vaporofita naMozisi zvavakataura kuti zvichaitika, 23 kuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ari wekutanga kumuka kuvakafa, achaparidza chiedza kuvanhu ava nekuvahedheni. 24 Zvino wakati achazvidavirira zvinhu izvi, Fesitasi akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza. 25 Asi wakati: Handipengi, Fesitasi changamire; asi ndinodanidzira mashoko echokwadi uye euchenjeri. 26 Nokuti mambo vanoziva zvezvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavowo ndisingatyi; nokuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwavari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona. 27 Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda. 28 Agripa ndokuti kuna Pauro: Wasara padiki wandipwisa kuva muKristu. 29 Pauro ndokuti: Ndinoshuva kuna Mwari, kunyange nediki uye nehuru musava imwi mega, asi nevese vanondinzwa nhasi, vave vakadai sezvandiri ini, kunze kwezvisungo izvi. 30 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri, naBhenike, nevakange vagere navo; 31 vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana zvisungo. 32 Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuikwidza kuna Kesari. 27 Pauro anoenda kuRoma 1 Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende kuItaria nechikepe, vakakumikidza Pauro nevamwewo vasungwa kumukuru wezana wainzi Juriasi, wehondo yamambo mukuru. 2 Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiyamu, chaiva choda kuenda nemugungwa tichitevedza nzvimbo dzeAsia, tikatanga kufamba nechikepe, Arisitako muMakedhonia weTesaronika anesu. 3 Chifume tikasvika paSidhoni; Juriasi akabata Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari, kuti abatsirwe. 4 Takati tabva ipapo nechikepe tikapfuura takadzikatirwa neSaipuresi, nokuti mhepo yaitipikisa, 5 tikati tayambuka gungwa rakatevedza Kirikia nePamufiriya, takasvika paMaira yeRisia. 6 Ipapo mukuru wezana akawana chikepe cheAreksandiria chinoenda kuItaria, ndokutipinza machiri. 7 Zvino takati tananaira nechikepe mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido nemutsutsururu, mhepo isingatitenderi, tikaburuka takatevedza Kirete, kwakatarisana neSarimoni; 8 tikapapfuura nemutsutsururu tikasvika pane imwe nzvimbo panonzi Zororo Rakanaka; pedo naro paiva neguta Rasea. 9 Zvino nguva huru yakati yapfuura, nekufamba nechikepe ikozvino kwava nenjodzi, nokuti kutsanyawo kwakange kwatopfuura, Pauro akavayambira, 10 achiti kwavari: Varume, ndinoona kuti rwendo rwuchava nekukuvara nekurasikirwa kuzhinji, zvisati zviri zvemutoro nechikepe chete, asi nekweupenyu hwedu. 11 Asi mukuru wezana wakatenda mufambisi wechikepe nemwene wechikepe kupfuura zvinhu zvakarehwa naPauro. 12 Zvino sezvo zororo rakange risina kunaka kugarwa muchando, vazhinji vakayambira kuti pabviwe, zvimwe vangagona kusvika kuFenikisi vagareko muchando, ndiro zororo reKirete, rakange rakatarira kuchamhembe kwakadziva kumavirira nemaodzanyemba akadziva mavirira. 13 Zvino mhepo yekuchamhembe yakati ichifefetera, vakafunga kuti vawana vavariro yavo, vakabvisa zvipingo zvechikepe, vakatevedza pedo neKirete nechikepe. 14 Asi pasina kupfuura nguva huru mhepo ine simba yainzi Yurokiridhoni, yakachirova; 15 zvino chikepe chakati chabatwa, chisingagoni kumirisana nemhepo, tikarega tikakukurwa. 16 Zvino takatevedza zasi kwechimwe chiwi chidiki chinonzi Kraudha, tikakwanisa kubata chikepe nemutsutsururu; 17 chavakati vachisimudza, vakashandisa zvibatsiro, vachisunga chikepe nepasi; vachitya kuti vacharasikira paSetisi, vakaderedza seiri, ndokukukurwa saizvozvo. 18 Zvino tichatambudzwa kwazvo nedutu remhepo, chifume vakabudisa nhumbi kunze; 19 uye pazuva retatu, takarasa zvombo zvechikepe nemaoko edu pachedu. 20 Zvino kwakati kusina kuonekwa zuva kana nyeredzi kwemazuva mazhinji, nedutu risati riri diki remhepo richisimba, kubva ipapo tariro yese yekuti tichaponeswa ikatorwa. 21 Zvino yakati yava nguva refu vasingadyi, ipapo Pauro akamira pakati pavo, akati: Haiwa, varume, mungadai makanditeerera mukasabva paKirete, mukapukunyuka kukuvara uku nekurasikirwa. 22 Asi ikozvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge moyo; nokuti hakungavi nekurasikirwa neupenyu pakati penyu, asi kwechikepe. 23 Nokuti usiku huno kwakamira neni mutumwa waMwari, wandiri wake, newandinoshumira, 24 achiti: Usatya Pauro; unofanira kumira pamberi paKesari; zvino tarira, Mwari wakupa vese vanofamba newe muchikepe. 25 Naizvozvo varume tsungai moyo; nokuti ndinotenda kuna Mwari kuti zvichava saizvozvi senzira yandakaudzwa nayo. 26 Asi tinofanira kurasirwa pane chimwe chiwi. 27 Zvino usiku hwegumi neuna hwakati hwasvika, tichangomveeswa muAdhira, panenge pakati peusiku, vafambisi vechikepe vakafunga kuti imwe nyika yoswedera kwavari; 28 vakakanda gavi rekuyera kudzika vakawana mafadomi* makumi maviri; vakati vapfuura zvishoma, vakakandazve gavi rekuyera kudzika, vakawana mafadomi gumi nemashanu; 29 zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvipingo zvina neshure kwechikepe, vakashuva kuedza. 30 Zvino vafambisi vechikepe vakati vachitsvaka kutiza muchikepe, vaburusira igwa mugungwa, vachiita sevanenge vokanda zvipingo mberi kwechikepe, 31 Pauro akati kumukuru wezana nekumauto: Kana ava vakasagara muchikepe, imwi hamugoni kuponeswa. 32 Ipapo mauto akagura mabote egwa, ndokurirega rikawa. 33 Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbirisa vese kuti vadye, achiti: Nhasi izuva regumi nechina ramakagarira muchitsanya, musingadyi chinhu. 34 Saka ndinokukumbirisai kuti mudye; nokuti ndezveruponeso rwenyu; nokuti hakuna ruvhudzi rwuchawa pamusoro weumwe wenyu. 35 Wakati areva zvinhu izvi, atora chingwa, akavonga kuna Mwari pamberi pavo vese, akati achimedura akatanga kudya. 36 Zvino vakatsunga moyo vese, uye ivo vakadya. 37 Zvino isu, mweya yese yaiva muchikepe, taiva mazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu. 38 Zvino vakati vaguta kudya vakarerusa chikepe, vachikanda zviyo kunze mugungwa. 39 Kwakati kwaedza, vakasaziva nyika; asi vakaona rimwe mhenderekedzo rekuzorora raiva nemahombekombe ejecha, vakarangana kana vaigona, kuti vasundire chikepe pariri. 40 Zvino vakagura zvipingo, vakazvisiya mugungwa, nenguva iyoyo vakasunungura zvisungo, vakasimudzira seiri repamberi kumhepo, vakaruramira kumahombekombe. 41 Zvino vakati vachiwira panzvimbo pamasanganirano emakungwa, vakagumhirisa chikepe pasi; muromo ukabatira ndokurambira usingazununguki, asi rutivi rweshure rukavhunika nesimba remafungu. 42 Zvino zano remauto rekuti vauraye vasungwa, kuti zvimwe vamwe vangashambira vakatiza. 43 Asi mukuru wezana achida kuponesa Pauro, akavadzivisa pazvinangwa zvavo, akaraira kuti vanogona kushambira vatange kuzviwisira mugungwa, vaende kunyika; 44 uye vakasara, vamwe pamatanda, vamwe pane zvimwe zvipenga zvechikepe. Saizvozvowo zvakaitika kuti vese vakasvika kunyika vari vapenyu. 28 Vana Pauro vanogamuchirwa zvakanaka paMerita 1 Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita. 2 Zvino vatorwa vakatiitira unyoro husina kujairika; nokuti vakavesa moto, vakatigamuchira tese, nekuda kwemvura yaitanga uye nekuda kwechando. 3 Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva kubva murudziyira, chikakwinyira paruoko rwake. 4 Zvino vatorwa vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama. 5 Iye ndokuzuzira chikara mumoto, akasambokuvara. 6 Zvino vakatarisira kuti iye achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa; asi vakati vatarira nguva refu, vakaona pasina chinhu chisina kujairika chaitika kwaari, vakashandura fungwa dzavo voti iye ndimwari. 7 Zvino panharaunda yenzvimbo iyo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira akatigarisa zvakanaka mazuva matatu. 8 Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vakange varere vakabatwa nefivhiri nemudumbu weropa; kwavari Pauro kwaakapinda, akanyengetera, akaisa maoko pamusoro pavo, akavaporesa. 9 Naizvozvo izvi zvakati zvaitika, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakaswedera ndokuporeswa; 10 ivo vakatikudzawo nerukudzo ruzhinji, uye toenda nechikepe, vakakwidza zvinhu zvaidikanwa. Pauro anoenda kuRoma kwaanogara makore maviri 11 Zvino shure kwemwedzi mitatu takabva nechikepe cheArekizandiria, chakange chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri*. 12 Zvino tasvika paSirakuse takagara mazuva matatu. 13 Tabvapo tikatenderera tikasvika kuRegiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yekuchamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika muPuteori; 14 matakawana hama, tikakumbirwa kugara nadzo mazuva manomwe; saizvozvowo takaenda kuRoma. 15 Zvino kubva ipapo hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzikabuda kuzotichingamidza kudzamara Apio Foramu nepaDzimba Dzevaeni Nhatu; ivo Pauro vaakati achiona, akavonga Mwari, akatsunga moyo. 16 Zvino takati tasvika kuRoma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi; asi Pauro wakatenderwa kugara ari ega, nemuuto anomurinda. 17 Zvino zvikaitika shure kwemazuva matatu, kuti Pauro wakadanira vaiva vakuru veVaJudha pamwe; zvino vakati vaungana, akati kwavari: Varume hama, ini ndisina kuita chinhu chinopesana nerudzi kana tsika dzemadzibaba, ndiri musungwa ndabva kuJerusarema ndakumikidzwa pamaoko eVaRoma; 18 ivo vakati vandiongorora vakada kundisunungura, nokuti pakange pasina chikonzero cherufu kwandiri. 19 Asi VaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuikwidza kuna Kesari, kwete kuti ndaiva nechinhu chekumhan'arira rudzi rwangu. 20 Naizvozvo nekuda kwechikonzero ichi ndakudanai kuti ndikuonei, nditaure nemwi; nokuti ndakamoneredzwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri. 21 Zvino vakati kwaari: Isu hatina kugamuchira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama, wakati asvika, akatipira kana kutaura chinhu chakaipa pamusoro pako. 22 Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nokuti maererano nebato iri tinoziva kuti rinopikiswa kwese-kwese. 23 Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi; akavadudzira achivapupurira ushe hwaMwari, akavagombedzera zviri maererano naJesu, zvese kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwani. 24 Zvino vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda. 25 Zvino zvavakange vasingawirirani pachavo, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu, 26 achiti: Enda kurudzi urwu ugoti: Nekunzwa muchanzwa, uye hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, uye hamungatongoonesesi. 27 Nokuti moyo wevanhu ava wakasindimadzwa, uye nenzeve vanonzwa nemutsutsururu, nemeso avo vakavhara; kuti zvimwe vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, nekunzwisisa nemoyo, zvino vatendeuke, ndigovaporesa. 28 Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni, ivo vachanzwawo. 29 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, VaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo. 30 Pauro akagara makore maviri agere muimba yake pachake yaairipira mari, uye akagamuchira vese vaipinda kwaari, 31 achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zviri maererano naIshe Jesu Kristu, neushingi hwese, pasina kudziviswa.