EVHANGERI YAKANYORWA NAJOHWANI 1 Jesu ndiye Shoko 1 Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari. 2 Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga. 3 Zvinhu zvese zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa. 4 Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu, 5 uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira. 6 Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani. 7 Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vese vatende naye. 8 Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza. 9 Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika. 10 Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva. 11 Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira. 12 Asi vese vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake; 13 vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari. 14 Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi. 15 Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti wakange aripo mberi kwangu. 16 Nepakuzara kwake isu tese takagamuchira, uye nyasha nenyasha. 17 Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu. 18 Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe ega, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa. Uchapupu hwaJohwani Mubhabhatidzi 19 Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo VaJudha vakatuma vapristi neVaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani? 20 Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu. 21 Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete. 22 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako? 23 Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita. 24 Ava vakange vatumwa vaibva kuVaFarisi. 25 Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya? 26 Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi; 27 ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake. 28 Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani. 29 Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika. 30 Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti wakange ariko mberi kwangu. 31 Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura. 32 Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake. 33 Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene. 34 Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari. Vadzidzi vekutanga 35 Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake; 36 zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari. 37 Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu. 38 Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi? 39 Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi. 40 Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera. 41 Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu. 42 Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro). 43 Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere. 44 Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro. 45 Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa. 46 Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone. 47 Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari. 48 Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona. 49 Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri. 50 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi. 51 Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu. 2 Jesu anoita chishamiso chekutanga 1 Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vakange varipo. 2 NaJesuwo wakange akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato. 3 Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini. 4 Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika. 5 Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai. 6 Zvino kwakange kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semachenuriro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu. 7 Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamuromo. 8 Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wekudya. Vakazvitakura. 9 Mubati wekudya wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vakange vachera mvura vaiziva), mubati wekudya akadana muwani, 10 ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga anoisa waini yakanaka, kana vanyatsonwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino. 11 Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari. 12 Shure kweizvozvo wakaburukira kuKapenaume, iye, namai vake, nevanin'ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazvinji. Jesu anonatsa tembere 13 Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema. 14 Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere. 15 Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vese mutembere, nemakwai nenzombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura. 16 Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana. 17 Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza. 18 Naizvozvo VaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi? 19 Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa. 20 Naizvozvo VaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here? 21 Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake. 22 Naizvozvo wakati amuka kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti wakange areva izvi kwavari; ndokutenda rugwaro, neshoko Jesu raakange areva. 23 Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita. 24 Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti wakange achivaziva vese. 25 Uye nokuti wakange asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nokuti wakange achiziva pachake zvakange zviri mumunhu. 3 Jesu anotaura naNikodhimo 1 Kwaiva nemunhu wekuVaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri weVaJudha. 2 Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi*, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye. 3 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari. 4 Nikodhimo akati kwaari: Munhu anogona kuberekwa sei ava mukuru? Anogona kupinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here? 5 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari. 6 Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya. 7 Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva. 8 Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wese wakaberekwa neMweya. 9 Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei? 10 Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here? 11 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu. 12 Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga? 13 Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu ari kudenga. 14 Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa; 15 kuti ani nani anotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu husingaperi. 16 Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe ega, kuti ani nani anotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu husingaperi. 17 Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye. 18 Anotenda kwaari haapiwi mhosva; asi asingatendi watopiwa mhosva, nokuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe ega. 19 Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nokuti mabasa avo akange akaipa. 20 Nokuti umwe neumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa. 21 Asi anoita chokwadi anouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari. Kupupura kwaJohwani Mubhabhatidzi 22 Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo, uye akabhabhatidza. 23 NaJohwaniwo wakange achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nokuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa. 24 Nokuti Johwani wakange asati akandwa mutirongo. 25 Zvino gakava rikamuka pakati pevamwe vevadzidzi vaJohwani neVaJudha pamusoro pekuchenura. 26 Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vanouya kwaari vese. 27 Johwani akapindura ndoti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga. 28 Imwi momene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake. 29 Uyo ane mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa. 30 Iye anofanira kukura, asi ini kuderedzwa. 31 Anobva kumusoro ari pamusoro pezvese. Anobva panyika anobva panyika, uye anotaura achibva panyika; anobva kudenga ari pamusoro pezvese. 32 Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake. 33 Anogamuchira uchapupu hwake anoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi. 34 Nokuti uyo Mwari waakatuma, anotaura mashoko aMwari; nokuti Mwari anopa Mweya kwete nechiyero. 35 Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvese muruoko rwake. 36 Iye anotenda kuMwanakomana ane upenyu husingaperi; asi iye asingatendi kuMwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake. 4 Jesu nemukadzi weSamaria 1 Naizvozvo Ishe paakaziva kuti VaFarisi vakange vanzwa kuti Jesu anoita nekubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johwani, 2 kunyange Jesu pachake wakange asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake, 3 akabva Judhiya, akaendazve muGarirea. 4 Asi wakange achifanira kugura neSamaria. 5 Zvino wakasvika paguta reSamaria rinonzi Sikari, pedo nedunhu Jakobho raakange apa Josefa mwanakomana wake. 6 Zvino chitubu chaJakobho chakange chiripo. Naizvozvo Jesu aneta nerwendo wakagara saizvozvo pachitubu. Raiva awa rinenge rechitanhatu. 7 Kwakasvika mukadzi achibva muSamaria kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipe ndinwe. 8 (Nokuti vadzidzi vake vakange vaenda muguta kunotenga kudya). 9 Naizvozvo mukadzi ari muSamaria wakati kwaari: Sei iwe uri muJudha uchikumbira kunwa kwandiri, mukadzi muSamaria? Nokuti VaJudha havadyidzani neVaSamaria. 10 Jesu akapindura akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri: Ndipe ndinwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu. 11 Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chekucheresa, uye tsime rakadzika; zvino munoitora kupi mvura mhenyu? 12 Imwi muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime, vakanwa pariri ivo, nevana vavo, nezvipfuwo zvavo here? 13 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Ani nani anonwa pamvura iyi, achava nenyotazve; 14 asi ani nani anonwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu husingaperi. 15 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuva nenyota, kana kuuya pano kuzochera. 16 Jesu akati kwaari: Enda, unodana murume wako, ugouya pano. 17 Mukadzi akapindura ndokuti: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka kuti: Handina murume. 18 Nokuti wakava nevarume vashanu, uyo waunaye ikozvino haasi murume wako; apa wareva chokwadi. 19 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoona kuti imwi muri muporofita. 20 Madzibaba edu ainamata mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo munzvimbo munhu yaanofanira kunamatapo. 21 Jesu akati kwaari: Mukadzi, nditende, kuti awa rinouya, ramuchashumira Baba musiri mugomo iri, kana paJerusarema. 22 Imwi munonamata chamusingazivi; isu tinoshumira chatinoziva; nokuti ruponeso rwunobva kuVaJudha. 23 Asi awa rinouya, uye ratova iro, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nemuchokwadi; nokutiwo Baba vanotsvaka vakadaro kuti vavanamate. 24 Mwari Mweya; neavo vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi. 25 Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi anouya anonzi Kristu; kana iye asvika, achatiudza zvinhu zvese. 26 Jesu akati kwaari: Ini ndinotaura kwauri, ndini. 27 Zvino nenguva iyi vadzidzi vake vakasvika, vakashamisika kuti anotaura nemukadzi; asi hakuna umwe wakati: Munotsvakei? Kana: Munotaurirei naye? 28 Naizvozvo mukadzi akasiya chirongo chake, ndokubva oenda muguta, akati kuvanhu: 29 Uyai, muone munhu, wandiudza zvinhu zvese zvandakaita; ko uyu haasi iye Kristu here? 30 Naizvozvo vakabuda muguta, vakauya kwaari. 31 Zvichakadaro vadzidzi vakamunyengetedza vachiti: Rabhi*, idyai. 32 Asi iye wakati kwavari: Ini ndine kudya kwekudya kwamusingazivi imwi. 33 Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti: Kuti pane umwe wamuvigira zvekudya? 34 Jesu akati kwavari: Zvekudya zvangu ndizvo kuti ndiite chido chewakandituma, nekupedza basa rake. 35 Imwi hamutauri here kuti: Kuchine mwedzi mina, zvino kukohwa kunosvika? Tarirai, ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, muone minda, kuti yatochenera kukohwa. 36 Zvino anokohwa anogamuchira mubairo, uye anounganidza zvibereko muupenyu husingaperi; kuti vaviri anokusha neanokohwa vafare pamwe. 37 Nokuti pane izvi shumo ndeyechokwadi inoti: Umwe anokusha, uye umwe anokohwa. 38 Ini ndakakutumai kukohwa zvamusakashandira; vamwe vakashanda, zvino imwi mapinda pabasa ravo. 39 Zvino vazhinji veVaSamaria kubva muguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko remukadzi, rakapupura richiti: Wandiudza zvese zvandakaita. 40 Zvino VaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetedza kuti agare navo; ndokugarapo mazuva maviri. 41 Vazhinji vakawedzerwa vakatenda nekuda kweshoko rake. 42 Zvino vakati kumukadzi: Hatichatendi nekuda kwekureva kwako; nokuti tazvinzwira, uye tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Muponesi wenyika, Kristu. 43 Zvino shure kwemazuva maviri wakabvapo, ndokuenda kuGarirea; 44 nokuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yekwake. 45 Zvino wakati asvika kuGarirea, VaGarirea vakamugamuchira, vaona zvinhu zvese zvaakaita paJerusarema pamabiko, nokuti naivo vakange vaenda kumabiko. Jesu anoporesa mwanakomana wemutariri waishe 46 Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGarirea, paakange aita mvura ive waini. Zvino pakange pane rimwe jinda, mwanakomana waro wakange achirwara paKapenaume. 47 Iro rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya akasvika kuGarirea, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire aporese mwanakomana waro; nokuti wakange odofa. 48 Naizvozvo Jesu akati kwariri: Kunze kwekuti maona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi. 49 Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai mwana wangu asati afa. 50 Jesu akati kwaari: Enda, mwanakomana wako anorarama. Munhu ndokutenda shoko Jesu raakareva kwaari, akaenda. 51 Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza, vakamuudza vachiti: Mwana wenyu anorarama. 52 Zvino akavabvunza awa raakatanga kunaya. Zvino vakati kwaari: Zuro neawa rechinomwe fivhiri yakamuregedza. 53 Naizvozvo baba vakaziva kuti maiva imo muawa Jesu maakati kwaari: Mwanakomana wako anorarama; zvino akatenda iye neimba yake yese. 54 Ichizve chiratidzo chechipiri Jesu chaakaita, abva Judhiya asvika Garirea. 5 Jesu anoporesa munhu padziva reBhetisaidha 1 Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo weVaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema. 2 Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine maberere mashanu. 3 Mukati mawo makange murere chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura. 4 Nokuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti anotanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho. 5 Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo. 6 Jesu wakati amuona arere, achiziva kuti ikozvino wakange ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here? 7 Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu anondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe anoburukira mberi kwangu. 8 Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe. 9 Zvino pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo. 10 Naizvozvo VaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo. 11 Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako ufambe. 12 Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe? 13 Zvino wakange aporeswa wakange asingazivi kuti ndiani; nokuti Jesu wakange asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyo. 14 Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri. 15 Munhu akabva, akaudza VaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa. 16 Zvino nekuda kweizvozvo VaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nokuti wakaita zvinhu izvi nesabata. 17 Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvikira ikozvino, neni ndinoshanda. 18 Naizvozvo nekuda kweizvi VaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nokuti wakange asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari. 19 Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nokuti chero icho chavanoita, ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita. 20 Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvese zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike. 21 Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda. 22 Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwese; 23 kuti vese vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma. 24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, ane upenyu husingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura kubva murufu akaenda muupenyu. 25 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama. 26 Nokuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake; 27 uye vakamupa simba rekutongawo, nokuti Mwanakomana wemunhu. 28 Musashamisika nezvizvi; nokuti awa rinouya, apo vese vari mumakuva vachanzwa inzwi rake, 29 zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva. 30 Ini handigoni kuita chinhu pachangu; sekunzwa kwangu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma. 31 Kana ini ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi. 32 Aripo umwe anopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi. 33 Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi. 34 Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe. 35 Iye wakange ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi makange muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake. 36 Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nokuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, mabasa pachawo ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma. 37 NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake. 38 Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nokuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda. 39 Nzverai magwaro, nokuti imwi munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu. 40 Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu. 41 Handigamuchiri rukudzo kuvanhu; 42 asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri. 43 Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye. 44 Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari ega? 45 Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; ariko anokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi. 46 Nokuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nokuti iye wakanyora nezvangu. 47 Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu? 6 Zvuru zvishanu zvinogutswa naJesu 1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakabva akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi. 2 Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara. 3 Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake. 4 Zvino pasika, mutambo weVaJudha, wakange waswedera. 5 Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye? 6 Wakareva izvozvo achimuedza, nokuti iye waiziva zvaaizoita. 7 Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenario* mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chidiki. 8 Umwe wevadzidzi vake, Andiriya munin'ina waSimoni Petro, akati kwaari: 9 Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari* nehove diki mbiri; asi zvii kuvazhinji vakadai? 10 Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakange kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu. 11 Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vakange vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida. 12 Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurasika chinhu. 13 Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya. 14 Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita achauya panyika. 15 Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaendazve mugomo ari ega. Jesu anofamba pamusoro pemvura 16 Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa, 17 zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya kuKapenaume. Zvino kwakange kwatosviba, asi Jesu wakange asati asvika kwavari. 18 Gungwa ndokumuka nokuti mhepo huru yaivhuvhuta. 19 Zvino vakati vakwasva masitadhiya* anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya. 20 Asi wakati kwavari: Ndini, musatya. 21 Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakange vachienda. Jesu chingwa cheupenyu 22 Chifume chaunga chakange chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti pakange pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe makange mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vakange vaenda vega, 23 (asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, Ishe avonga); 24 naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu wakange asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika kuKapenaume, vachitsvaka Jesu. 25 Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi*, masvika pano rinhi? 26 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvezvingwa mukaguta. 27 Musashandira kudya kunoparara, asi kudya kunogara kusvika kuupenyu husingaperi, Mwanakomana wemunhu kwaachakupai; nokuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo. 28 Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari? 29 Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye. 30 Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? Munoshandei? 31 Madzibaba edu akadya mana* murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye. 32 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. 33 Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika. 34 Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzese. 35 Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo anouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neanotenda kwandiri haangatongovi nenyota. 36 Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda. 37 Wese Baba wavanondipa achauya kwandiri; neanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. 38 Nokuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma. 39 Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chese chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira. 40 Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wese anoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. 41 Zvino VaJudha vakagunun'una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga. 42 Ndokuti: Uyu haasi Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye anogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga? 43 Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunun'una pakati penyu. 44 Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. 45 Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vese naMwari. Wese naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, anouya kwandiri. 46 Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyu anobva kuna Mwari, uyu wakaona Baba. 47 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, ane upenyu husingaperi. 48 Ini ndiri chingwa cheupenyu. 49 Madzibaba enyu akadya mana* murenje, asi akafa. 50 Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa. 51 Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, achararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika. 52 Naizvozvo VaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu anogona kutipa sei nyama yake tidye? 53 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. 54 Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. 55 Nokuti nyama yangu kudya zvirokwazvo, neropa rangu chinwiwa zvirokwazvo. 56 Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. 57 Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo anondidya, naiye achararama neni. 58 Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana* akafa; anodya chingwa ichi, achararama nekusingaperi. 59 Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume. Vadzidzi vaJesu vazhinji vanomusiya 60 Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani anogona kurinzwa? 61 Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunun'una neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi? 62 Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga? 63 Mweya ndiye anoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu. 64 Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nokuti Jesu wakange achiziva kubva pakutanga, kuti ndivana ani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa. 65 Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba vangu. 66 Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye. 67 Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here? 68 Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Imwi mune mashoko eupenyu husingaperi, 69 uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu. 70 Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi? 71 Waireva Judhasi Isikariyoti waSimoni; nokuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri. 7 Kusatenda kwevanin'ina vaJesu 1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nokuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti VaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya. 2 Zvino mutambo weVaJudha, mutambo wematende wakange waswedera. 3 Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita. 4 Nokuti hakuna umwe anoita chinhu muchivande iye amene achitsvakawo kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika. 5 Nokuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari. 6 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa. 7 Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nokuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa. 8 Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu haisati yazadzisika. 9 Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea. Jesu pamutambo wematumba 10 Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande. 11 Zvino VaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Aripi uya? 12 Kwakavapo kun'un'una kwakawanda pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi anotsausa chaunga. 13 Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya VaJudha. 14 Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa. 15 Zvino VaJudha vakashamisika vachiti: Uyu anoziva sei magwaro asina kudzidza? 16 Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yake wakandituma. 17 Kana munhu achida kuita chido chake, achaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvangu. 18 Anozvitaurira zvake, anotsvaka rumbidzo yake pachake; asi anotsvaka rumbidzo yewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari. 19 Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu anoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya? 20 Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani anotsvaka kukuuraya? 21 Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mese. 22 Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu. 23 Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here? 24 Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama. 25 Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haasiye wavanotsvaka kuuraya here? 26 Asi tarira, anotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye? 27 Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna angaziva kwaanobva. 28 Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi. 29 Asi ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma. 30 Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nokuti awa rake rakange risati rasvika. 31 Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, achaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here? 32 VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; VaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate. 33 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma. 34 Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya. 35 Naizvozvo VaJudha vakataurirana vachiti: Uyu oda kuendepi kuti isu tisamuwana? Achaenda kune vakapararira veVaGiriki, adzidzise VaGiriki here? 36 Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerekuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya? 37 Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri anwe. 38 Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake. 39 Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nokuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nokuti Jesu wakange asati akudzwa. 40 Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita. 41 Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu angabva Garirea here? 42 Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu achabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi? 43 Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake. 44 Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari. 45 Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru neVaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa? 46 Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu. 47 Zvino VaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi? 48 Aripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuVaFarisi? 49 Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa. 50 Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari: 51 Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita? 52 Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea. 53 Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake. 8 Mukadzi wakabatwa achifeva 1 Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi. 2 Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vese ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa. 3 Zvino vanyori neVaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati, 4 vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo; 5 zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini? 6 Asi izvozvi vakareva vachimuedza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemunwe, seasina kuvanzwa. 7 Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari. 8 Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi. 9 Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana yavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari ega, nemukadzi amire pakati. 10 Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here? 11 Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve. Jesu chiedza chenyika 12 Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza cheupenyu. 13 Naizvozvo VaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi. 14 Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda. 15 Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu. 16 Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nokuti handisi ndega, asi ini naBaba vakandituma. 17 Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi. 18 Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu. 19 Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo. 20 Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nokuti awa rake rakange risati rasvika. 21 Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo. 22 Naizvozvo VaJudha vakati: Achazviuraya kanhi? Nokuti anoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuyapo? 23 Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino. 24 Naizvozvo ndareva kwamuri kuti muchafira muzvivi zvenyu; nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu. 25 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga. 26 Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika. 27 Havana kunzwisisa kuti anotaura kwavari zvaBaba. 28 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi Baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi. 29 Zvino iye wakandituma aneni; Baba havana kundisiya ndega, nokuti ini ndinoita nguva dzese zvinovafadza. 30 Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari. 31 Naizvozvo Jesu wakati kuVaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo; 32 uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai. 33 Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahama, uye hatina kutongova varanda vemunhu; iwe unoreva sei kuti: Muchava vakasunungurwa? 34 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani anoita chivi muranda wechivi. 35 Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi. 36 Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo. 37 Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahama; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri. 38 Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu. 39 Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahama, maiita mabasa aAbhurahama. 40 Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahama haana kuzviita. 41 Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari. 42 Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nokuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma. 43 Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu. 44 Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, anotaura pachake; nokuti mutauri wenhema uye baba vadzo. 45 Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi. 46 Ndiani kwamuri angandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda? 47 Uyo anobva kuna Mwari anonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nokuti hamubvi kuna Mwari. 48 Naizvozvo VaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni? 49 Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza. 50 Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; ariko anotsvaka nekutonga. 51 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi. 52 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi. 53 Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani? 54 Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu. 55 Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo. 56 Baba venyu Abhurahama vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera. 57 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahama here? 58 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo. 59 Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo. 9 Jesu anoporesa munhu wakaberekwa riri bofu 1 Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa. 2 Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi*, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu? 3 Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari. 4 Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hunouya, apo pasina munhu angagona kushanda. 5 Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika. 6 Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu, 7 akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona. 8 Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haasi iye uyu waigara achipemha here? 9 Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini. 10 Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei? 11 Akapindura izvo akati: Munhu anonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami unoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve. 12 Naizvozvo vakati kwaari: Iye aripi? Akati: Handizivi. 13 Vakamuisa kuVaFarisi, iye waimbova bofu. 14 Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake. 15 Naizvozvo zvekare VaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndava kuona. 16 Naizvozvo vamwe veVaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu ari mutadzi angaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo. 17 Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita. 18 Zvino VaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve, 19 zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Naizvozvo ikozvino woona sei? 20 Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu; 21 asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake achazvitaurira. 22 Vabereki vake vakareva izvi, nokuti vaitya VaJudha; nokuti VaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani anobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge. 23 Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei. 24 Naizvozvo vakadana rwechipiri uyo munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi. 25 Naizvozvo iye akapindura achiti: Kana ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona. 26 Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei? 27 Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi? 28 Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi. 29 Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva. 30 Munhu akapindura akati kwavari: Nokuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu. 31 Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu anomunzwa. 32 Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu. 33 Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haasaigona kuita chinhu. 34 Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachese wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze. 35 Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here? 36 Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari? 37 Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye anotaura newe, ndiye. 38 Zvino akati: Ishe ndinotenda; akamunamata. 39 Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu. 40 Uye avo veVaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here? 41 Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinogara. 10 Mufudzi wakanaka 1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo. 2 Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai. 3 Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze. 4 Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake. 5 Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni. 6 Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari. 7 Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai; 8 vese vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa. 9 Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro. 10 Mbavha haiui asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira. 11 Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake. 12 Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai. 13 Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai. 14 Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu. 15 Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu. 16 Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe. 17 Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve. 18 Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu. 19 Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati peVaJudha nekuda kwemashoko awa. 20 Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei? 21 Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here? Jesu anoudza VaJudha kuti ndiye Kristu 22 Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando; 23 Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni. 24 Zvino VaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena. 25 Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu; 26 asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri. 27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera; 28 uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu. 29 Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vese; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu. 30 Ini naBaba tiri umwe. 31 Naizvozvo VaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake. 32 Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira? 33 VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari. 34 Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari? 35 Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa; 36 imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari? 37 Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda. 38 Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari. 39 Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo. Jesu anondogara mhiri kwaJoridhani 40 Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo. 41 Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chese Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi. 42 Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo. 11 Jesu anomutsa Razaro 1 Kwaiva neumwe wairwara, wainzi Razaro weBhetaniya, mumusha waMaria nemukoma wake Marita. 2 Waiva iye Maria wakazodza Ishe nemafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake, hanzvadzi yake Razaro wakange achirwara. 3 Naizvozvo hanzvadzi dzakatumira kwaari dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda anorwara. 4 Jesu wakati anzwa akati: Ukosha uhu hahusviki murufu, asi ndehwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nahwo. 5 Zvino Jesu wakange achida Marita nemunin'ina wake naRazaro. 6 Naizvozvo wakati anzwa kuti anorwara, ipapo akagara mazuva maviri panzvimbo paakange ari. 7 Shure kweizvozvo wakati kuvadzidzi: Hendeizve kuJudhiya. 8 Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi*, VaJudha vachangobva kutsvaka kukutakai nemabwe; zvino moendazve ikoko here? 9 Jesu akapindura akati: Hapana maawa gumi nemaviri masikati here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino. 10 Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hamuna chiedza maari. 11 Wakataura zvinhu izvi, shure kweizvozvo ndokuti kwavari: Shamwari yedu Razaro yarara; asi ndinoenda kuti ndimumutse. 12 Naizvozvo vadzidzi vake vakati: Ishe, kana arere, achanaya. 13 Asi Jesu wakareva zverufu rwake; asi ivo vakafunga kuti anoreva kuzorora kwehope. 14 Naizvozvo ipapo Jesu akavaudza pachena: Razaro wafa. 15 Zvino ndinofara nekuda kwenyu kuti ndakange ndisipo, kuti mugotenda; asi hendei kwaari. 16 Naizvozvo Tomasi, wainzi Dhidhimo, wakati kuvadzidzi pamwe naye: Hendei isuwo kuti tinofa naye. 17 Zvino Jesu wakati achisvika, akawana atova muguva mazuva mana. 18 Zvino Bhetaniya rakange riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi nemashanu kubva ipapo; 19 nevazhinji veVaJudha vakange vauya kuna Marita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo. 20 Zvino Marita wakati anzwa kuti Jesu wouya, akaenda kunomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba. 21 Marita ndokuti kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. 22 Asi naikozvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai. 23 Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve. 24 Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rekupedzisira. 25 Jesu akati kwaari: Ndini kumuka neupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama; 26 uye umwe neumwe anorarama uye anotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here? 27 Akati kwaari: Hongu, Ishe; ini ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, waizouya panyika. 28 Zvino wakati areva izvi akaenda, akanodana Maria munin'ina wake pachivande, akati: Mudzidzisi wasvika, anokudana. 29 Iye wakati achingozvinzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari. 30 Zvino Jesu wakange asati asvika pamusha, asi wakange achiri panzvimbo Marita paakamuchingamidza. 31 Naizvozvo VaJudha vakange vanaye mumba vachimunyaradza, vakati vachiona Maria kuti wakasimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera vachiti: Anoenda kuguva kuti acheme ikoko. 32 Zvino Maria, wakati achisvika pakange pana Jesu, achimuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. 33 Naizvozvo Jesu wakati achimuona achichema, VaJudhawo vachichema vakange vauya naye, akagomera mumweya, akazvitambudza, 34 akati: Mamuradzikepi? Vakati kwaari: Ishe, uyai muone. 35 Jesu akachema misodzi. 36 Zvino VaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei. 37 Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haagoni kuita here kuti uyuwo asafa? 38 Naizvozvo Jesu wakagomerazve mukati make asvika paguva. Zvino raiva bako, nebwe rakange rakaradzikwa pamusoro paro. 39 Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yewakafa akati kwaari: Ishe, wotonhuhwa; nokuti ane mazuva mana. 40 Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari? 41 Naizvozvo vakabvisa ibwe, pakange paradzikwa wakafa. Jesu ndokusimudzira meso kumusoro, ndokuti: Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa. 42 Asi ini ndanga ndichiziva kuti munondinzwa nguva dzese; asi nekuda kwechaunga chakakomberedza ndareva, kuti vatende kuti imwi makandituma. 43 Zvino wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda! 44 Uyo wakange afa ndokubuda, akasungwa makumbo nemaoko nemicheka yeguva, nechiso chake chakapombwa nemucheka wekumeso. Jesu akati kwavari: Musunungurei, mumurege aende. 45 Naizvozvo vazhinji veVaJudha, vakange vauya kuna Maria vakati vaona Jesu zvaakaita, vakatenda kwaari. 46 Asi vamwe vavo vakaenda kuVaFarisi, ndokuvaudza zvinhu Jesu zvaakange aita. 47 Naizvozvo vapristi vakuru neVaFarisi vakaunganidza dare remakurukota, vakati: Todini? Nokuti uyu munhu anoita zviratidzo zvizhinji. 48 Kana tikamurega akadaro, vese vachatenda kwaari; neVaRoma vachauya vakatora zviri zviviri nzvimbo nerudzi rwedu. 49 Asi umwe wavo, Kayafasi, wakange ari mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi, 50 uye hamurangariri kuti zvakatinakira kuti munhu umwe afire vanhu, uye rudzi rwese rurege kuparara. 51 Asi haana kureva izvi pachake, asi zvaakange ari mupristi mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waizofira rudzi urwo, 52 uye kwete rudzi urwo rwega, asi kutiwo aunganidze vana vaMwari vakapararira vave umwe. 53 Zvino kubva pazuva iro vakarangana kuti vamuuraye. 54 Naizvozvo Jesu haana kuzombofamba pachena pakati peVaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, ndokugarako nevadzidzi vake. 55 Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera; vazhinji ndokubuda mumaruwa vakakwira kuJerusarema pasika isati yasvika, kuti vazvichenure. 56 Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munofungei? Kuti haangatongouyi kumutambo here? 57 Zvino vese vapristi vakuru neVaFarisi vakange vapa murairo kuti kana kune anoziva kwaari, azivise, kuti vamubate. 12 Maria anozodza tsoka dzaJesu nemafuta 1 Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro wakange afa, waakamutsa kubva kuvakafa. 2 Naizvozvo vakamuitira chirairo ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro wakange ari umwe wevakange vagere naye pakudya. 3 Zvino Maria akatora paundi* yemafuta enadhi* amene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta. 4 Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni wakange achazomutengesa, akati: 5 Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenario* mazana matatu, akapiwa varombo? 6 Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nokuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo. 7 Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu. 8 Nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese. 9 Naizvozvo chaunga chikuru cheVaJudha chakaziva kuti aripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waakange amutsa kubva kuvakafa. 10 Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo; 11 nokuti nekuda kwake vazhinji veVaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu. Jesu anogamuchirwa paJerusarema 12 Chifume chaunga chikuru chakange chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu anouya kuJerusarema, 13 vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri. 14 Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi: 15 Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako anouya, agere pamusoro pedhongwana rembongoro. 16 Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvakange zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakange vamuitira zvinhu izvi. 17 Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kubva kuvakafa, chakapupura. 18 Saka chaunga chakamuchingamidzawo, nokuti vakange vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi. 19 Naizvozvo VaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera. Jesu anovaudza zverufu rwake nekukudzwa kwake 20 Zvino kwaiva nevamwe VaGiriki pakati pevakange vakwira kuti vanonamata kumutambo; 21 ava ndokuuya kuna Firipi weBhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu. 22 Firipi akasvika akaudza Andiriya; uye Andiriya naFiripi vakaudzazve Jesu. 23 Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe. 24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yega; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda. 25 Anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo; neanovenga upenyu hwake panyika ino achahuchengetedza kusvikira kuupenyu husingaperi. 26 Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, achavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza. 27 Ikozvino mweya wangu unotambudzika; zvino ndichatii? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi ndasvika paawa rino. 28 Baba, kudzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndarikudzawo, uye ndicharikudzazve. 29 Naizvozvo chaunga chakange chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye. 30 Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu. 31 Ikozvino pane mutongo wenyika ino; ikozvino mutungamiriri wenyika ino achadzingirwa panze. 32 Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vese kwandiri. 33 Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini. 34 Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu achagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu? 35 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye anofamba murima haazivi kwaanoenda. 36 Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari. 37 Kunyange akange aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari; 38 kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani? 39 Naizvozvo vakange vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakatizve: 40 Wakapofumadza meso avo, akaomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa. 41 Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake. 42 Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kweVaFarisi vakange vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge; 43 nokuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari. 44 Zvino Jesu wakadanidzira akati: Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma. 45 Neanoona ini, anoona wakandituma. 46 Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani anotenda kwandiri arege kugara murima. 47 Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika. 48 Uyo anondiramba asingagamuchiri mashoko angu, ane anomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira. 49 Nokuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura. 50 Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu husingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura. 13 Jesu anoshambidza tsoka dzevadzidzi vake 1 Zvino mutambo wepasika usati wasvika, Jesu woziva kuti awa rake rasvika kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, ada vake vari munyika, wakavada kusvikira pamagumo. 2 Zvino chirairo chakati chaitika, dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amutengese, 3 Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvese mumaoko, uye kuti wakabva kuna Mwari uye anoenda kuna Mwari, 4 akasimuka kubva pachirairo, akabvisa nguvo, akatora mucheka akazvimonera. 5 Shure kwaizvozvi wakadira mvura mundiro, ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi, nekupusika nemucheka waakange akamonerwa nawo. 6 Naizvozvo wakasvika kuna Simoni Petro; iye ndokuti kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here? 7 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Chandinoita ini, iwe hauzivi ikozvino; asi uchaziva shure kweizvi. 8 Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni. 9 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, kwete tsoka dzangu dzega, asi maokowo nemusoro. 10 Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu kunze kwekushamba tsoka, asi wakachena chose; uye imwi makachena asi kwete mese. 11 Nokuti wakange achiziva uyo waizomutengesa; nekuda kwaizvozvi wakati: Hamuna kuchena mese. 12 Naizvozvo ashambidza tsoka dzavo, wakatora nguvo dzake, agarazve pakudya, akati kwavari: Munoziva zvandaita kwamuri here? 13 Imwi munondidaidza kuti Mudzidzisi, uye Ishe; uye munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye. 14 Zvino kana ini, Ishe neMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imwiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. 15 Nokuti ndakupai muenzaniso, kuti nemwi muite ini sezvandaita kwamuri. 16 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa haasi mukuru kune wakamutuma. 17 Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita. 18 Handitauri maererano nemwi mese; ini ndinoziva vandakasarudza; asi kuti rugwaro ruzadziswe, rwunoti: Anodya chingwa neni wakandisimudzira chitsitsinho chake. 19 Kubva ikozvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti, kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini. 20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anogamuchira ani nani wandinotuma, anogamuchira ini; neanogamuchira ini, anogamuchira wakandituma. Jesu anovaudza kuti Judhasi achamutengesa 21 Jesu wakati areva izvi akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa. 22 Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vasina chokwadi kuti wataura pamusoro paani. 23 Zvino kwakange kugere pakudya pachifuva chaJesu umwe wevadzidzi vake, Jesu waaida; 24 naizvozvo Simoni Petro akamuninira, kubvunza kuti ndiani waanotaura pamusoro pake. 25 Iyewo achizendamira pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndiani? 26 Jesu akapindura akati: Ndiye ini wandichapa chimedu kana ndaseva. Zvino aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni. 27 Zvino shure kwechimedu, ipapo Satani akapinda maari. Jesu ndokuti kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza. 28 Asi hakuna kune vakange vagere pakudya wakaziva kuti wakareverei izvi kwaari. 29 Nokuti vamwe vakafunga kuti, sezvo Judhasi aiva nechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu. 30 Naizvozvo iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; zvino hwakange huri usiku. 31 Naizvozvo wakati abuda, Jesu akati: Ikozvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari. 32 Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudzawo maari pachake, zvino achamukudza pakarepo. 33 Vana vadiki, ndichinemwi chinguva chidiki. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuVaJudha, kuti: Ini kwandinoenda, imwi hamugoni kuuyako, ndinorevawo kwamuri ikozvino. 34 Murairo mutsva ndinopa kwamuri, kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti imwi mudananewo. 35 Pane izvi vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo umwe kune umwe. 36 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoenda kupi? Jesu akamupindura, akati: Kwandinoenda, haungagoni kunditevera ikozvino; asi uchanditevera pashure. 37 Petro akati kwaari: Ishe, handigoni kukuteverai ikozvino nei? Ndichakuradzikirai upenyu hwangu pasi. 38 Jesu akamupindura, akati: Ucharadzikira upenyu hwako pasi ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Jongwe haringatongoriri kusvikira wandiramba katatu. 14 Jesu anooneka vadzidzi vake 1 Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri. 2 Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji dzekugara; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo. 3 Zvino ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo. 4 Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva. 5 Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira? 6 Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana anouya kuna Baba, asi nekwandiri. 7 Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona. 8 Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira. 9 Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba? 10 Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa. 11 Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa amene. 12 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye achaaitawo, uye makuru kune awa achaaita; nokuti ini ndinoenda kuna Baba vangu. 13 Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. 14 Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita. 15 Kana muchindida, chengetai mirairo yangu. 16 Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi, 17 Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu. 18 Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri. 19 Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nokuti ini ndinorarama, imwiwo muchararama. 20 Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri. 21 Ane mirairo yangu achiichengeta, ndiye anondida; uye anondida achadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari. 22 Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika? 23 Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye. 24 Asingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harisi rangu, asi raBaba vakandituma. 25 Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi. 26 Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvese, uye akuyeudzirei zvese zvandakataura kwamuri. 27 Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo wenyu ngaurege kutambudzika, kana kutya. 28 Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri. 29 Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mungatenda. 30 Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nokuti mutongi wenyika ino anouya, asi haana chinhu kwandiri; 31 asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano. 15 Muzambiringa nematavi 1 Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. 2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko. 3 Imwi matochena neshoko randataura kwamuri. 4 Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka chibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri. 5 Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. 6 Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe. 7 Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa. 8 Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu. 9 Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu. 10 Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo. 11 Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare. 12 Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai. 13 Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake. 14 Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai. 15 Handichakuidziizve varanda, nokuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nokuti zvese zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai. 16 Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei. 17 Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane. 18 Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi. 19 Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai. 20 Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo. 21 Asi izvi zvese vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi wakandituma. 22 Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo. 23 Anondivenga, anovenga Baba vanguwo. 24 Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvese ini naBaba vangu. 25 Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero. 26 Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu achapupura nezvangu. 27 Nemwiwo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga. 16 Jesu anovaudza nezvematambudziko anouya 1 Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa. 2 Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa. 3 Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini. 4 Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi. 5 Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi? 6 Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu. 7 Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. 8 Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo; 9 zvechivi, nokuti havatendi kwandiri; 10 uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve; 11 uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa. 12 Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino; 13 asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake, asi chega chega chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya. 14 Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri. 15 Zvese Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri. 16 Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba. 17 Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba? 18 Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva. 19 Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona? 20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro. 21 Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika. 22 Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu. 23 Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai. 24 Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe. 25 Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba. 26 Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba; 27 nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari. 28 Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba. 29 Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira. 30 Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvese, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari. 31 Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here? 32 Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni. 33 Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika. 17 Munyengetero waJesu 1 Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei; 2 sezvo makamupa simba pamusoro penyama yese, kuti vese vamakamupa, avape upenyu husingaperi. 3 Uye uhu upenyu husingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari wega wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. 4 Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite; 5 uye ikozvino ndikudzei, imwi Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo. 6 Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vakange vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu. 7 Ikozvino voziva kuti zvese-zvese zvamakandipa, zvinobva kwamuri; 8 nokuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma. 9 Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndevenyu; 10 uye zvese zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari. 11 Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu. 12 Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekuraswa, kuti rugwaro rwuzadziswe. 13 Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari. 14 Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika. 15 Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa. 16 Havasi venyika, seni ndisiri wenyika. 17 Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi. 18 Sezvamakandituma munyika, neniwo ndavatuma munyika. 19 Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi. 20 Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo; 21 kuti vese vave umwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma. 22 Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe. 23 Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida. 24 Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida mavambo enyika asati avapo. 25 Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma; 26 uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari. 18 Kusungwa kwaJesu 1 Jesu areva zvinhu izvi wakabudira mhiri kwerukova Kedhironi nevadzidzi vake, paiva nebindu, maakapinda iye nevadzidzi vake. 2 NaJudhasiwo, wakamutengesa, wakange achiziva nzvimbo iyi; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo nevadzidzi vake. 3 Naizvozvo Judhasi, atora boka remauto, nemapurisa kubva kuvapristi vakuru neVaFarisi, wakauyapo nemwenje nemarambi nezvombo. 4 Naizvozvo Jesu, achiziva zvinhu zvese zvaizomuwira, wakabuda akati kwavari: Ndiani wamunotsvaka? 5 Vakamupindura vakati: Jesu muNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini. NaJudhasiwo wakamutengesa wakange amire navo. 6 Zvino wakati achiti kwavari: Ndini; vakasudurukira shure, vakawira pasi. 7 Zvino akavabvunzazve achiti: Ndiani wamunotsvaka? Ivo vakati: Jesu muNazareta. 8 Jesu akapindura achiti: Ndakuudzai kuti ndini iye; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende; 9 kuti shoko rizadziswe raakareva rekuti: Vamakapa kwandiri, handina kurasa umwe wavo. 10 Naizvozvo Simoni Petro ane munondo wakauvhomora ndokutema muranda wemupristi mukuru, ndokugura nzeve yake yerudyi. Uye zita remuranda uyo raiva Marikosi. 11 Naizvozvo Jesu wakati kuna Petro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe Baba wavakandipa, handingatongounwi here? Jesu anoiswa kuna Anasi 12 Zvino boka remauto nemukuru wechuru nemapurisa eVaJudha vakabata Jesu, vakamusunga, 13 ndokutanga kumuendesa kuna Anasi; nokuti wakange ari mukarahwa waKayafasi, waiva mupristi mukuru gore iroro. 14 Zvino Kayafasi ndiye wakange araira VaJudha, kuti zvakanaka kuti munhu umwe afire rudzi. Kuramba kwaPetro 15 Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, neumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikanwa nemupristi mukuru, akapinda naJesu muruvanze rwemupristi mukuru; 16 asi Petro wakange amire pamukova panze. Naizvozvo kwakabuda umwe mudzidzi waizikanwa nemupristi mukuru, akataura nemurindikadzi wemukova, ndokupinza Petro. 17 Zvino murandakadzi murindi wemukova akati kuna Petro: Iwewo hausi umwe wevadzidzi vemunhu uyu here? Iye akati: Handisi. 18 Zvino varanda nemapurisa vakange vamire vavesa moto wemazimbe, nokuti kwaitonhora, uye vaidziya. Petrowo akamira navo achidziya. 19 Naizvozvo mupristi mukuru wakabvunza Jesu nezvevadzidzi vake, nezvedzidziso yake. 20 Jesu akamupindura akati: Ini ndakataura pachena kunyika; ini ndaidzidzisa nguva dzese musinagoge nemutembere, panoungana VaJudha nguva dzese, uye handina kureva chinhu pakavanda. 21 Unobvunzirei ini? Bvunza avo vainzwa, zvandaitaura kwavari; tarira, ndivo vanoziva ini zvandakareva. 22 Wakati areva zvinhu izvi, umwe wemapurisa wakange amirepo akarova Jesu nembama, achiti: Ko unopindura mupristi mukuru saizvozvo? 23 Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvezvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka, wandiroverei? 24 Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru. 25 Zvino Simoni Petro wakange amire achidziya moto; naizvozvo vakati kwaari: Hausi iwewo umwe wevadzidzi vake here? Iye akaramba, akati: Handisi. 26 Umwe wevaranda vemupristi mukuru, ari hama yewenzeve Petro yaakagura akati: Ini handina kukuona mubindu unaye here? 27 Naizvozvo Petro akarambazve; zvino pakarepo jongwe rakarira. Jesu pamberi paPirato 28 Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakamuisa kuimba yemutungamiriri; uye aiva mambakwedza, asi ivo havana kupinda mumba memutungamiriri, kuti varege kusvibiswa, asi kuti vadye pasika. 29 Naizvozvo Pirato akabudira kwavari, akati: Imhosva yei yamunoisa pamunhu uyu? 30 Vakapindura vakati kwaari: Dai uyu asaiva anoita zvakaipa, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri. 31 Naizvozvo Pirato wakati kwavari: Mutorei imwi, mumutonge zvinoenderana nemurairo wenyu. Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hazvisi pamutemo kwatiri kuti tiuraye munhu; 32 kuti shoko raJesu rizadziswe raakareva, achiratidza kuti kufa rudzii kwaaifanira kufa nako. 33 Naizvozvo Pirato wakapindazve mumba memutungamiriri, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo weVaJudha here? 34 Jesu akamupindura akati: Unozvireva izvi pachako here, kana vamwe vakuudza pamusoro pangu? 35 Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako nevapristi vakuru vakukumikidza kwandiri; waitei? 36 Jesu akapindura akati: Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; kana ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuVaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwepano. 37 Naizvozvo Pirato wakati kwaari: Saka uri iwe mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe, kuti ini ndiri mambo. Ini ndakaberekerwa izvi, uye ndakauira izvi munyika kuti ndipupurire chokwadi. Umwe neumwe wechokwadi anonzwa inzwi rangu. 38 Pirato akati kwaari: Chokwadi chii? Zvino wakati areva izvi, akabudirazve kuVaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari. 39 Asi mune tsika, kuti ndikusunungurirei umwe papasika; naizvozvo munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here? 40 Ipapo vakadanidzirazve vese, vachiti: Kwete uyu, asi Bharabhasi; zvino Bharabhasi wakange ari gororo. 19 Jesu anotongerwa rufu 1 Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava. 2 Zvino mauto akaruka korona yeminzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo ine ruvara rwehute. 3 Vakati: Hekanhi, Mambo weVaJudha! Ndokumurova nembama. 4 Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari. 5 Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yeminzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu! 6 Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari. 7 VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu anofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari. 8 Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iri, wakanyanya kutya. 9 Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro. 10 Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura? 11 Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo anondikumikidza kwauri ane chivi chikuru. 12 Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi VaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe anozviita mambo, anopikisana naKesari. 13 Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMabwe, asi nechiHebheru Gabhata. 14 Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuVaJudha: Tarirai Mambo wenyu! 15 Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa Mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari. 16 Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha. Jesu anorovererwa pamuchinjikwa 17 Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota, 18 pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati. 19 Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA. 20 Naizvozvo vazhinji veVaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nokuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiGiriki, nechiRoma. 21 Naizvozvo vapristi vakuru veVaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo weVaJudha; asi kuti uyo wakati: Ndiri mambo weVaJudha. 22 Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora. 23 Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; neshatiwo; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yese kubva kumusoro. 24 Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi. 25 Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini. 26 Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako. 27 Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake. 28 Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvese zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota. 29 Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi*, vakaisa kumuromo wake. 30 Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa mweya wake. 31 Naizvozvo VaJudha nokuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nokuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe. 32 Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewekutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye; 33 asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake; 34 asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura. 35 Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye anoziva kuti anoreva chokwadi, kuti imwi mutende. 36 Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe rwunoti: Fupa rake haringavhunwi. 37 Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora. Kuvigwa kwaJesu 38 Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya VaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu. Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu. 39 Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura* nearosi* mapaundi anenge zana. 40 Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yeVaJudha yekuviga. 41 Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu. 42 Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yeVaJudha, nokuti guva rakange riri pedo. 20 Kumuka kwaJesu 1 Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva. 2 Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika. 3 Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva. 4 Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva. 5 Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda. 6 Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa, 7 nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega. 8 Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda; 9 nokuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa. 10 Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo. Jesu anozviratidza kuna Maria 11 Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva, 12 akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu. 13 Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika. 14 Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu. 15 Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora. 16 Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi. 17 Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu. 18 Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi. Jesu anozviratidza kuvadzidzi Tomasi asipo 19 Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya VaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri. 20 Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe. 21 Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai. 22 Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene. 23 Ani nani wamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vese vamunobata zvavo zvabatwa. Jesu anozviratidza kuvadzidzi Tomasi avapo 24 Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya. 25 Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi. 26 Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri. 27 Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda. 28 Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu! 29 Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda. 30 Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri. 31 Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake. 21 Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi 1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi pagungwa reTibheriasi; uye wakazviratidza sezvizvi: 2 Vaiva pamwe Simoni Petro, naTomasi anonzi Dhidhimo, naNatanieri waibva Kana yeGarirea, nevanakomana vaZebhedhi, nevamwe vaviri vevadzidzi vake. 3 Simoni Petro akati kwavari: Ndoenda kunobata hove. Vakati kwaari: Nesu toenda newe. Vakabuda ndokupinda muchikepe pakarepo, asi usiku uhwo havana kubata chinhu. 4 Zvino kwakati kwatova mambakwedza, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu. 5 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Vana vadiki, mune chero usavi here? Vakamupindura, vachiti: Kwete. 6 Ndokuti kwavari: Kandai mumbure kurutivi rwerudyi rwechikepe, uye muchawana. Naizvozvo vakakanda, zvino vakasazogonazve kuukweva nekuwanda kwehove. 7 Naizvozvo mudzidzi uya Jesu waaida wakati kuna Petro: NdiIshe. Ipapo Simoni Petro anzwa kuti ndiIshe, wakamonera nguvo yake yekunze (nokuti wakange akashama), akazviwisira mugungwa. 8 Asi vamwe vadzidzi vakauya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure une hove, nokuti vakange vasiri kure nenyika, asi mbimbi dzinenge mazana maviri. 9 Zvino vakati vachisvika panyika, vakaona moto wemazimbe wakaiswapo, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa. 10 Jesu akati kwavari: Uisai dzimwe dzehove dzamabata ikozvino. 11 Simoni Petro akakwira, akakwevera mumbure panyika, uzere nehove huru, zana nemakumi mashanu nenhatu; uye kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka. 12 Jesu akati kwavari: Uyai mudye. Asi hakuna kuvadzidzi wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimwi ani imwi? vachiziva kuti ndiIshe. 13 Naizvozvo Jesu wakauya, ndokutora chingwa, akavapa, nehove saizvozvo. 14 Urwu rwatova rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amutswa kubva kuvakafa. 15 Zvino vakati vadya, Jesu akati kuna Simoni Petro: Simoni waJona, unondida kupfuura ava here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Chedza makwayana angu. 16 Akati kwaarizve rwechipiri: Simoni waJona, unondida here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwai angu. 17 Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona, unondida here? Petro akarwadziwa nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvese; imwi munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chedza makwai angu. 18 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Pawaiva mudiki, waizvisunga bhande, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatandavadza maoko ako, uye umwe achakusunga bhande, achikuisa kwausingadi. 19 Wakareva izvi, achiratidza kuti mafiro rudzii aaizokudza Mwari nawo. Zvino wakati areva izvi, akati kwaari: Nditevere. 20 Petro achitendeuka wakaona mudzidzi Jesu waaida achitevera, ndiyewo wakazendamira pachifuva chake pachirairo, akati: Ishe, ndiani achakutengesai? 21 Petro wakati achimuona akati kuna Jesu: Ishe, ko uyu? 22 Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo? Nditevere iwe. 23 Zvino shoko iri rakabudira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haazofi; asi wakati: Kana ndichida kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo? 24 Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvezvinhu izvi, nekunyora zvinhu izvi; uye tinoziva kuti uchapupu hwake ichokwadi. 25 Uyewo zvimwe zvizhinji zviriko Jesu zvaakaita; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinofunga kuti kunyange nyika pachayo haizaiva nenzvimbo yemabhuku anganyorwa. Amen.