EVHANGERI YAKANYORWA NAMATEWU 1 Madzitateguru aJesu Kristu 1 Bhuku redzinza raJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama. 2 Abhurahama wakabereka Isaka; Isaka ndokubereka Jakobho; Jakobho ndokubereka Judha nevanakomana vababa vake; 3 Judha ndokubereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi ndokubereka Esiromi; Esiromi ndokubereka Arami; 4 Arami ndokubereka Aminadhabhi; Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni; 5 Sarimoni ndokubereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi ndokubereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi ndokubereka Jese; 6 Jese ndokubereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo ndokubereka Soromoni kumukadzi waiva waUria; 7 Soromoni ndokubereka Robhoami; Robhoami ndokubereka Abhiya; Abhiya ndokubereka Asa; 8 Asa ndokubereka Josafati; Josafati ndokubereka Joramu; Joramu ndokubereka Oziasi; 9 Oziasi ndokubereka Jotamu; Jotamu ndokubereka Akazi; Akazi ndokubereka Hezekia; 10 Hezekia ndokubereka Manase; Manase ndokubereka Amoni; Amoni ndokubereka Josiyasi; 11 Josiyasi ndokubereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi. 12 Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi wakabereka Saratieri; Saratieri ndokubereka Zerubhabheri; 13 Zerubhabheri ndokubereka Abhiudhi; Abhiudhi ndokubereka Eriakimi; Eriakimi ndokubereka Azori; 14 Azori ndokubereka Sadhoki; Sadhoki ndokubereka Akimi; Akimi ndokubereka Eriyudhi; 15 Eriyudhi ndokubereka Eriazari; Eriazari ndokubereka Matani; Matani ndokubereka Jakobho; 16 Jakobho ndokubereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu. 17 Naizvozvo mazera ese kubva kuna Abhurahama kusvikira kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; nekubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; nekubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Kristu mazera gumi nemana. Kuberekwa kwaJesu Kristu 18 Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nokuti mai vake Maria vakati vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba kubva kuMweya Mutsvene. 19 Zvino Josefa murume wavo zvaakange ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande. 20 Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nokuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene. 21 Uye achabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Jesu, nokuti iye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo. 22 Zvino zvese izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe kubudikidza nemuporofita achiti: 23 Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari anesu. 24 Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakaraira mutumwa waIshe kwaari, akazvitorera mukadzi wake; 25 uye haana kumuziva kusvikira azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU. 2 Vachenjeri vemabvazuva vanoshanyira Jesu 1 Zvino Jesu wakati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhe mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva kumabvazuva kuJerusarema, 2 vachiti: Uripi iye wakazvarwa Mambo weVaJudha? Nokuti taona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata. 3 Zvino Herodhe mambo wakati anzwa, akashushikana, neJerusarema rese naye. 4 Zvino wakati aunganidza vapristi vakuru vese nevanyori vevanhu, akabvunza kwavari kuti Kristu uchazvarirwa kupi. 5 Zvino vakati kwaari: MuBhetirehemu reJudhiya; nokuti zvakanyorwa saizvozvi nemuporofita zvichinzi: 6 Newe Bhetirehemu nyika yaJudha, hausi mudikisa kuvatongi vaJudha; nokuti kwauri kuchabuda mutungamiriri, achafudza vanhu vangu Israeri. 7 Zvino Herodhe, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakaonekwa nyeredzi. 8 Akavatuma kuBhetirehemu, akati: Endai munobvunzisisa zvemucheche; kana mamuwana mundisume, kuti ini ndiuyewo ndimunamate. 9 Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakaona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yasvika ikamira pamusoro pepakange pane mucheche. 10 Vakati vaona nyeredzi vakafara nemufaro mukuru kwazvo. 11 Vakati vapinda mumba, vakaona mucheche naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vazarura fuma yavo, vakamupemberera nezvipo, goridhe, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nemura*. 12 Vakati vanyeverwa naMwari muchiroto, kuti varege kudzokera kuna Herodhe, vakabva vakaenda kunyika yavo neimwe nzira. Kutizira kuEgipita 13 Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe anoonekwa kuna Josefa muchiroto, achiti: Muka utore mucheche namai vake, utizire kuEgipita, uveko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhe achatsvaka mucheche kuti amuparadze. 14 Zvino amuka wakatora mucheche namai vake usiku, akabva akaenda kuEgipita, 15 uye wakavako kusvikira pakufa kwaHerodhe; kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abude muEgipita. Kuurawa kwevana naHerodhe 16 Zvino Herodhe, wakati aona kuti anyengerwa nevachenjeri, akatsamwa zvikuru, akatuma, akauraya vana vese vaiva muBhetirehemu nemumigumo yaro yese, kubvira pamakore maviri neari pasi, zvichienderana nenguva yaakange abvunzisisa kuvachenjeri. 17 Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: 18 MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nekuchema nekurira kukuru, Rakeri achichema vana vake asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo. Kudzokera kunyika yaIsraeri 19 Asi Herodhe wakati afa, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa muchiroto kuna Josefa muEgipita, 20 achiti: Muka, utore mucheche namai vake, uende kunyika yaIsraeri; nokuti vakafa avo vaitsvaka mweya wemucheche. 21 Akasimuka ndokutora mucheche namai vake akasvika kunyika yaIsraeri. 22 Asi wakati achinzwa kuti Arikerawo anotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako; asi wakati anyeverwa naMwari muchiroto, akabva akaenda kumativi eGarirea. 23 Akasvika akagara muguta rinonzi Nazareta; kuti zvizadziswe zvakarehwa nevaporofita, kuti: Achanzi muNazareta. 3 Kuparidza kwaJohwani Mubhabhatidzi 1 Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya, 2 uye achiti: Tendeukai; nokuti ushe hwematenga hwaswedera. 3 Nokuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake. 4 Uyuwo Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nekudya kwake kwaiva mhashu neuchi hwedondo. 5 Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rese nedunhu rese rakapoteredza Joridhani; 6 ndokubhabhatidzwa naye muna Joridhani vachireurura zvivi zvavo. 7 Asi wakati achiona vazhinji veVaFarisi neVaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakuratidzirai kuti mutize hasha dzinouya? 8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. 9 Uye musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe aya kumutsira Abhurahama vana. 10 Uye ikozvinowo sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, naizvozvo muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto. 11 Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto. 12 Ane rusero rwuri muruoko rwake, uye achachenesa buriro rake kwazvo, ndokuunganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki. Kubhabhatidzwa kwaJesu 13 Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye. 14 Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikanwa kuti ndibhabhatidzwe nemwi, asi imwi mouya kwandiri? 15 Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nokuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kwese. Ipapo akamutendera. 16 Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, ndokuona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake. 17 Zvino tarira, inzwi richibva kumatenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo. 4 Kuedzwa kwaJesu 1 Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi. 2 Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara. 3 Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa. 4 Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa chega, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari. 5 Zvino dhiabhorosi wakamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere, 6 ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nokuti kwakanyorwa kuti: Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, uye pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe. 7 Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako. 8 Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwese hwenyika, nekubwinya kwahwo. 9 Akati kwaari: Zvese zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata. 10 Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye oga. 11 Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira. Jesu anotanga basa paGarirea 12 Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea. 13 Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaume riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuruni neNafitarimi; 14 kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti: 15 Nyika yeZebhuruni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni; 16 vanhu vakange vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevakange vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari. Jesu anotanga kuparidza 17 Kubvira panguva iyo Jesu wakatanga kuparidza nokuti: Tendeukai, nokuti ushe hwekumatenga hwaswedera. Kudanwa kwevadzidzi vekutanga 18 Zvino Jesu wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi. 19 Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu. 20 Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera. 21 Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana. 22 Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera. Jesu anoshanda munyika yeGarirea 23 Jesu akapota neGarirea rese achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda rega-rega neurwere hwega-hwega pavanhu. 24 Shoko rake rikabudira kuSiriya yese; vakauisa kwaari varwere vese, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana, nemarwadzo, nevakange vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevakange vakafa mitezo; akavaporesa. 25 Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani. 5 Mharidzo yaJesu pagomo 1 Zvino wakati achiona zvaunga akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari; 2 akashamisa muromo wake, akavadzidzisa achiti: 3 Vakaropafadzwa varombo pamweya; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo. 4 Vakaropafadzwa vanochema; nokuti ivo vachanyaradzwa. 5 Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti ivo vachagara nhaka yenyika. 6 Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yekururama; nokuti ivo vachagutiswa. 7 Vakaropafadzwa vane tsitsi; nokuti ivo vachaitirwa tsitsi. 8 Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nokuti ivo vachaona Mwari. 9 Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti ivo vachanzi vana vaMwari. 10 Vakaropafadzwa vanoshushwa nekuda kwekururama; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo. 11 Makaropafadzwa imwi, kana vachikutukai, vachikushushai, vachikutaurirai zvakaipa zvese vachireva nhema nekuda kwangu. 12 Farai mupembere kwazvo, nokuti mubairo wenyu mukuru mumatenga; nokuti vakashusha saizvozvo vaporofita vakakutangirai. Munyu nechiedza chenyika 13 Imwi muri munyu wenyika; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu. 14 Imwi muri chiedza chenyika; guta rakamiswa pamusoro pegomo haringavanziki; 15 uye mwenje havautungidzi vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vese vari mumba. 16 Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kumatenga. Murairo wakare nemurairo waJesu Kristu 17 Musafunga kuti ndauya kuzoparadza murairo kana vaporofita; handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa. 18 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuura, vara diki rimwe kana chidodzi chimwe kubva pamurairo hazvingatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika. 19 Naizvozvo ani nani anotyora umwe wemirairo midikisa iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, achanzi mudikisa muushe hwekumatenga; asi ani nani anoita akaidzidzisa, iye achanzi mukuru muushe hwekumatenga. 20 Nokuti ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti kururama kwenyu kukapfuura kwevanyori nekweVaFarisi, hamungatongopindi muushe hwekumatenga. 21 Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usauraya; uye ani nani anouraya achava nemhosva yemutongo; 22 asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, achava nemhosva yemutongo; neanoti kune umwe wake: Dununu! achava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! achava nemhosva yegehena remoto. 23 Naizvozvo kana uchiuisa chipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti umwe wako ane chekupikisana newe, 24 siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbonotanga wayanana neumwe wako, ugouya wopira chipo chako. 25 Tenderana nemudzivisi wako nekukurumidza, uchiri munzira naye, zvimwe mudzivisi angakukumikidza kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, ukakandirwa mutirongo. 26 Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kamari kekupedzisira. 27 Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe; 28 asi ini ndinoti kwamuri: Wese anotarisa mukadzi kuti amuchive, watoita upombwe naye mumoyo make. 29 Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena. 30 Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urasire kure newe; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena. 31 Zvakanziwo: Ani nani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwekurambana; 32 asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva yeupombwe, anomuitisa upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa anoita upombwe. 33 Zvekare makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe mhiko dzako; 34 asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga, nokuti chigaro chaMwari cheushe; 35 kana nenyika, nokuti chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti iguta raMambo mukuru; 36 uye usapika nemusoro wako, nokuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe ruchena kana rutema. 37 Asi shoko renyu ngarive: Hongu, hongu; kwete, kwete; chinopfuura izvi chinobva kune wakaipa. Kuda vavengi 38 Makanzwa kuti zvakanzi: Ziso neziso, uye zino nezino; 39 asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi ani nani anokurova padama rako rerudyi, umutendeusire rimwewo. 40 Neanoda kukusungisa, nekutora shati yako, umutendere nguvo yakowo. 41 Ani nani anokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri. 42 Ipa anokumbira kwauri, usafuratira anoda kukwereta kwauri. 43 Makanzwa kuti zvakanzi: Ude umwe wako, uvenge muvengi wako. 44 Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, batai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa vachikushushai. 45 Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama. 46 Nokuti kana muchida vanokudai, mune mubairo wei? Ko, vateresiwo havaiti izvozvo here? 47 Uye kana muchikwazisa vamwe venyu chete, munoita zvikuru kupfuura vamwe nei? Ko, vateresiwo havaiti saizvozvo here? 48 Naizvozvo imwi muve vakakwana, saBaba venyu vari kumatenga vakakwana. 6 Mharidzo pagomo: Kupa varombo 1 Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga. 2 Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. 3 Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako. 4 Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda, ivo vachakuripira pachena. Kunyengetera 5 Zvino kana uchinyengetera, usava sevanyepedzeri; nokuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. 6 Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yemukati; ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena. 7 Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji. 8 Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa musati mavakumbira. Jesu anodzidzisa kunyengetera 9 Naizvozvo imwi nyengeterai seizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene; 10 ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga; 11 mutipei nhasi kudya kwedu kwemisi yese; 12 uye mutikanganwire mangava edu, isu sezvatinokanganwirawo vane ngava nesu; 13 uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nokuti ushe ndehwenyu, nesimba, nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. 14 Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo. 15 Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu. Kutsanya 16 Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nokuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. 17 Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako, 18 kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena. Fuma yenyika neyekudenga 19 Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane chifusi nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba; 20 asi muzviunganidzire fuma kudenga, uko kusina chifusi kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi kana kuba. 21 Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo yenyu. 22 Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wese uchazara nechiedza. 23 Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wese uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei! 24 Hapana angashumira vatenzi vaviri; nokuti achavenga umwe, akada umwe; kana achanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*. Kutambudzika nekuvimba naMwari 25 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchapfeka. Upenyu hahupfuuri kudya here, nemuviri chipfeko? 26 Tarirai shiri dzedenga, nokuti hadzidzvari, kana kukohwa, kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here? 27 Ndiani kwamuri nekufunganya angawedzera mbimbi imwe paurefu hwake? 28 Nepamusoro pezvipfeko munofunganyirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei, haishingairi, hairuki; 29 asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kwese haana kupfekedzwa seimwe yeiyi. 30 Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo rudiki? 31 Naizvozvo musafunganya, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukei? 32 Nokuti izvozvi zvese vahedheni vanozvitsvaka, nokuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvese. 33 Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri. 34 Naizvozvo musafunganyira mangwana, nokuti mangwana achazvifunganyira zvinhu zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro. 7 Kutonga vamwe 1 Musatonga, kuti murege kutongwa, 2 nokuti muchatongwa nekutonga kwamunotonga nako; uye muchayerwa zvekare nechiyero chamunoyera nacho. 3 Unotarisirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi usingananzereri danda riri muziso rako? 4 Kana ungataura sei kune umwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira, danda riri muziso rako? 5 Munyepedzeri, tanga kuvhomora danda muziso rako, ugoona kwazvo kuvhomora rubanzu muziso reumwe wako. 6 Musapa chitsvene kuimbwa, kana kukandira maparera* enyu pamberi penguruve, zvimwe dzingaatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai. Kutsunga pakunyengetera 7 Kumbirai, muchapiwawo; tsvakai, muchawanawo; gogodzai, muchazarurirwawo. 8 Nokuti umwe neumwe anokumbira anogamuchira, neanotsvaka anowana, neanogogodza anozarurirwa. 9 Kana ndeupi munhu kwamuri, iye kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, achamupa ibwe? 10 Kana kuti akakumbira hove, achamupa nyoka? 11 Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanovakumbira? 12 Naizvozvo zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imwi muvaitirewo saizvozvo; nokuti uyu ndiwo murairo nevaporofita. Nzira mbiri 13 Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, vazhinji varipo vanopinda naro. 14 Nokuti suwo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuupenyu, uye vashoma vanoiwana. Vadzidzisi venhema 15 Asi chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nezvipfeko zvemakwai, asi mukati mapumhi anoparadza. 16 Muchavaziva nezvibereko zvavo; vanhu vanotanha mazambiringa paminzwa here, kana maonde parubayambeva? 17 Saizvozvo muti umwe neumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. 18 Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa, nemuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka. 19 Muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa wokandirwa mumoto. 20 Naizvozvo kubva pazvibereko zvavo muchavaziva. Kunzwa nekuita 21 Haasi wese anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga. 22 Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu? 23 Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa. Mufananidzo wedzimba mbiri 24 Naizvozvo umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa uye akaaita, ndichamufananidza nemurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware. 25 Mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo, ikasawa; nokuti yakange yakateyiwa paruware. 26 Zvino umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nemurume benzi, wakavaka imba yake pajecha; 27 zvino mvura ikaturuka, mafashame ndokuuya, mitutu ndokuvhuvhuta, ndokurova paimba iyo, ndokuwa; uye kuwa kwayo kukava kukuru. 28 Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwawa, zvaunga zvakashamiswa nedzidziso yake. 29 Nokuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori. 8 Jesu anoporesa munhu ane maperembudzi 1 Wakati aburuka mugomo, zvaunga zvikuru zvakamutevera. 2 Zvino tarira, kwakauya ane maperembudzi, akamunamata achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa. 3 Jesu akatandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, natswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. 4 Zvino Jesu akati kwaari: Ona kuti usaudza munhu, asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire chipo Mozisi chaakaraira, chive uchapupu kwavari. Jesu anoporesa muranda wemukuru wezana 5 Zvino Jesu wakati apinda muKapenaume, kwakauya kwaari mukuru wezana, achimukumbirisa, 6 achiti: Ishe, muranda wangu arere kumba, wakafa mitezo, anotambudzika kwazvo. 7 Zvino Jesu akati kwaari: Ini ndichauya ndimuporese. 8 Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga rangu remba; asi taurai shoko chete, zvino muranda wangu achaporeswa. 9 Nokuti neniwo ndiri munhu ari pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda, anoenda; nekune umwe: Uya, anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, anoita. 10 Jesu wakati achizvinzwa akashamisika, akati kune vaimutevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri. 11 Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva nemavirira, vachagara pakudya naAbhurahama, naIsaka, naJakobho, muushe hwekumatenga; 12 asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze kwekupedzisira; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 13 Zvino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, zviitirwe kwauri sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyoyo. Jesu anoporesa mai vemukadzi waPetro 14 Jesu wakati apinda mumba maPetro, akaona mai vemukadzi wake vakaradzikwa vane fivhiri. 15 Akabata ruoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari; vakasimuka vakavashandira. 16 Zvino ava madekwani vakauisa kwaari vazhinji vaiva vakagarwa nemadhimoni; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vese vairwara; 17 kuti zvizadziswe zvakataurwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora utera hwedu, akatakura matenda edu. Kutevera Jesu 18 Jesu wakati achiona zvaunga zvikuru zvakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri. 19 Umwe munyori ndokuswedera akati kwaari: Mudzidzisi, ndichakuteverai kwese kwamunoenda. 20 Zvino Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paangatsamhidza musoro. 21 Umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndaenda ndinoviga baba vangu. 22 Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo. Jesu anonyaradza dutu remhepo 23 Zvino wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera. 24 Zvino tarira, dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvekuti igwa rakange rofukidzwa nemafungu; asi iye wakange arere. 25 Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakamumutsa vachiti: Ishe, tiponesei, toparara! 26 Zvino akati kwavari: Munotyirei, imwi verutendo rudiki? Ndokusimuka, akatsiura mitutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo. 27 Asi vanhu vakashamisika vachiti: Uyu munhu rudzii kuti kunyange mitutu negungwa zvinomuteerera? Jesu anobudisa madhimoni panyika yevaGerigesi 28 Wakati asvika kune rimwe divi kunyika yeVaGerigesi, vakamuchingamidza vaviri vaiva vakagarwa nemadhimoni, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo, zvekuti kwakange kusina munhu waigona kupfuura nenzira iyo. 29 Zvino tarira, vakadanidzira vachiti: Tinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotirwadzisa nguva isati yasvika here? 30 Zvino kure navo kwakange kune boka renguruve zhinji richifura. 31 Madhimoni akamugombetedza achiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve. 32 Zvino akati kwaari: Endai. Zvino akati abuda, akapinda muboka renguruve; zvino tarira, boka rese renguruve rakapitirikira kumateru kugungwa, dzikafira mumvura. 33 Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakapira zvese uye zvevakange vane madhimoni. 34 Zvino tarira, guta rese rakabuda kunochingamidza Jesu; zvino vakati vamuona, vakagombetedza kuti abve pamiganhu yavo. 9 Jesu anoporesa munhu wakafa mitezo 1 Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake. 2 Zvino tarira, vakauisa kwaari wakafa mitezo, arere pahwanyanza; zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakanganwirwa zvivi zvako. 3 Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba. 4 Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Imwi munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu? 5 Nokuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakanganwirwa zvivi; kana kuti: Simuka ufambe? 6 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (wakabva ati kune wakange akafa mitezo): Simuka, tora hwanyanza hwako, uende kumba kwako. 7 Akasimuka, akaenda kumba kwake. 8 Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari wakapa simba rakadai kuvanhu. Kudanwa kwaMatewu 9 Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu anonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera. 10 Uye zvakaitika agere pakudya mumba, zvino tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake. 11 Zvino VaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei Mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi? 12 Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vatano havadi murapi asi vanorwara. 13 Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi uye kwete chibairo; nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka. Kutsanya 14 Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu neVaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi? 15 Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vangachema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika pachabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya. 16 Hakuna anoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nokuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya. 17 Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri. Jesu anoporesa mukadzi waiva nekubuda ropa uye anomutsa mukunda wemutungamiriri kuvakafa 18 Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamunamata, akati: Mukunda wangu achangofa; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye achararama. 19 Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake. 20 Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake. 21 Nokuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaporeswa. 22 Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa kubva panguva iyo. 23 Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita mhere-mhere, 24 akati kwavari: Ibvai; nokuti musikana haana kufa, asi arere. Ndokumuseka vachimusvavaidza. 25 Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka. 26 Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yese. Jesu anoporesa mapofu maviri nechimumumu 27 Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi! 28 Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe. 29 Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu. 30 Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna anozviziva. 31 Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yese. 32 Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauisa kwaari munhu chimumumu waiva akagarwa nedhimoni. 33 Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri. 34 Asi VaFarisi vakati: Anobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni. 35 Zvino Jesu wakapota nemaguta ese nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa denda rese neurwere hwese pakati pevanhu. 36 Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nokuti vakange vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi. 37 Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo goho iguru, asi vashandi vashoma; 38 naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wegoho, kuti atumire vashandi pagoho rake. 10 Vaapositori gumi nevaviri vanotumwa kunoparidza nekuporesa 1 Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nekuporesa denda rese neurwere hwese. 2 Zvino mazita evaapositori gumi nevaviri ndiwawa: Wekutanga, Simoni, anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake; Jakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina wake; 3 Firipi, naBhatoromeo; Tomasi, naMatewu muteresi; Jakobho waArifiyo, naRebheu wainziwo Tadhiyo; 4 Simoni muKenani, naJudhasi Isikariyoti iyewo wakamutengesa. 5 Ava gumi nevaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti: Musaenda munzira yevahedheni, musapinda muguta reVaSamaria; 6 asi zvikuru muende kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. 7 Zvino pakufamba, muparidze muchiti: Ushe hwekumatenga hwaswedera. 8 Poresai vanorwara, natsai vane maperembudzi, mutsai vakafa, budisai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena. 9 Musawana goridhe, kana sirivheri, kana ndarira mumabhanhire enyu, 10 kana homwe yerwendo, kana nguvo refu mbiri, kana manyatera, kana tsvimbo; nokuti mushandi wakafanira kudya kwake. 11 Muguta ripi neripi kana mumusha wamunopinda, bvunzai kuti ndiani mauri wakafanira, mugarepo, kusvikira muchibva. 12 Zvino kana muchipinda muimba, muikwazise. 13 Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo, asi kana isingafaniri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. 14 Uye ani nani usingakugamuchiriyi, kana kuteerera mashoko enyu, kana muchibuda paimba iyo kana paguta iro, zuzai guruva retsoka dzenyu. 15 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma neyeGomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro. 16 Tarirai, ini ndinokutumai semakwai pakati pemapumhi; naizvozvo chenjerai senyoka, mururame senjiva. 17 Asi svinurirai vanhu; nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye vachakurovai netyava mumasinagoge avo; 18 zvino muchauiswawo pamberi pevatungamiriri nemadzimambo nekuda kwangu, huve uchapupu kwavari nekuvahedheni. 19 Asi kana vachikukumikidzai, musafunganya kuti muchataura sei kana chii; nokuti muchapiwa nenguva iyo chamuchataura. 20 Nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mamuri. 21 Mwanakomana wamai achakumikidza mwanakomana wamai kurufu, nababa mwana; uye vana vachamukira vabereki nekuvauraya. 22 Uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa. 23 Asi kana vachikushushai muguta iri, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungatongopedzi maguta aIsraeri, kusvikira Mwanakomana wemunhu asvika. 24 Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi, kana muranda pamusoro paishe wake. 25 Zvakaringanira mudzidzi kuti ave semudzidzisi wake, nemuranda saishe wake. Kana vaidza Ishe weimba kuti Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake! Jesu anoyambira vadzidzi vake 26 Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chakafukidzwa chisingazobvundunurwi; kana chakavanzika chisingazozikanwi. 27 Zvandinokuudzai murima, taurai pachiedza, nezvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pematenga edzimba. 28 Uye musatya vanouraya muviri, asi havagoni kuuraya mweya; asi mutye zvikuru uyo anogona kuparadza zvese mweya nemuviri mugehena. 29 Ko tushiri tuviri hatutengeswi nekobiri here? Asi kamwe kadzo hakangawiri pasi kunze kwekuda kwaBaba venyu. 30 Asi nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. 31 Naizvozvo musatya, imwi munopfuura tushiri tuzhinji. 32 Naizvozvo umwe neumwe achandibvuma pamberi pevanhu, ini ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kumatenga. 33 Asi ani nani anondiramba pamberi pevanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kumatenga. Zviratidzo zvenguva 34 Musafunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika; handina kuuya kuzoisa rugare, asi munondo. 35 Nokuti ndakauya kuzopesanisa munhu nababa vake, nemukunda namai vake, nemuroora navamwene vake; 36 nevavengi vemunhu ndeveimba yake. 37 Anoda baba kana mai kupfuura ini haana kufanira ini; neanoda mwanakomana kana mukunda kupfuura ini haana kufanira ini; 38 uye asingatori muchinjikwa wake akanditevera, haana kufanira ini. 39 Anowana mweya wake acharasikirwa nawo; asi anorasikirwa nemweya wake nekuda kwangu achauwana. 40 Uyo anogamuchira imwi anogamuchira ini; neanogamuchira ini anogamuchira iye wakandituma. 41 Anogamuchira muporofita muzita remuporofita achawana mubairo wemuporofita; neanogamuchira wakarurama muzita rewakarurama achawana mubairo wewakarurama. 42 Uye ani nani anonwisa umwe wevadiki ava mukombe chete wemvura inotonhorera muzita remudzidzi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangatongorasikirwi nemubairo wake. 11 1 Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo. Johwani Mubhabhatidzi anotuma vadzidzi kunobvunza Jesu 2 Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake, 3 akati kwaari: Imwi ndimwi anouya here, kana titarisire umwe? 4 Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona: 5 Mapofu anoonazve, uye mhetamakumbo dzinofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri; 6 wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni. 7 Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozungunuswa nemhepo here? 8 Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo. 9 Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura kwazvo muporofita; 10 nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako. 11 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudikisa muushe hwekumatenga mukuru kwaari. 12 Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambiwa, nevapambi vanohutora nesimba. 13 Nokuti vaporofita vese nemurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani; 14 zvino kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria wakange achizouya. 15 Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. 16 Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo, 17 vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema. 18 Nokuti Johwani wakauya asingadyi kana kunwa, asi vanoti: Ane dhimoni. 19 Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achinwa, zvino vanoti: Tarirai munhu anokara uye munwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinonzi dzakarurama nevana vadzo. Jesu anotsiura maguta matatu akamuramba 20 Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati: 21 Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota. 22 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuTire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi. 23 Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muhadhesi; nokuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino. 24 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe. Jesu anorumbidza Baba 25 Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche. 26 Hongu Baba, nokuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu. 27 Zvinhu zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve anoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira. Jesu anokoka vatadzi 28 Uyai kwandiri mese makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo. 29 Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu; 30 nokuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka. 12 Jesu Ishe wesabata 1 Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vakange vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya. 2 Asi VaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata. 3 Asi wakati kwavari: Hamuna kuverenga here Dhavhidhi zvaakaita paakange ava nenzara, iye nevakange vanaye; 4 kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaakange asingatenderwi kuzvidya iye kunyange nevaiva naye kunze kwevapristi chete? 5 Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa? 6 Asi ndinoti kwamuri: Pano pane mukuru kutembere. 7 Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi kwete chibairo, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva. 8 Nokuti Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata. Jesu anoporesa munhu aiva neruoko rwakaonyana nesabata 9 Zvino wakati abvapo akapinda musinagoge ravo. 10 Zvino tarira, kwakange kune munhu akange ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva. 11 Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu achava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata, angarega kuribata akasimudza? 12 Naizvozvo munhu anopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata. 13 Zvino akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akarutandavadza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe. Muranda wakasanangurwa 14 Zvino VaFarisi vakabuda, vakaita dare pamusoro pake kuti vangamuparadza sei. 15 Asi Jesu wakati aziva, akabvapo; zvaunga zvikuru zvikamutevera, akavaporesa vese. 16 Akavarairisa kuti varege kumubudisa pachena. 17 Kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti: 18 Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwi wangu, mweya wangu maunofara maari kwazvo. Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achazivisa vahedheni kutonga. 19 Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakuna achanzwa inzwi rake munzira dzemumaguta. 20 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvikira achituma kutonga mukukunda. 21 Uye vahedheni vachavimba muzita rake. Jesu anobudisa dhimoni ndokudadirwa neVaFarisi 22 Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona. 23 Zvaunga zvese zvikashamisika zvikati: Ko uyu haasi Mwanakomana waDhavhidhi here? 24 Asi VaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni. 25 Zvino Jesu wakaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nehumwe hwakapesana huchizvipikisa hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana ichizvipikisa haingamiri. 26 Uye kana Satani achibudisa Satani anopesana achizvipikisa; zvino ushe hwake huchamira sei? 27 Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu. 28 Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri. 29 Kana munhu angapinda sei mumba mechikakarara akapamba nhumbi dzacho kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara? Ipapo achapamba imba yake. 30 Uyo asina ini, anopikisana neni, neasingaunganidzi neni, anoparadzira. 31 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakanganwirwa chivi chese nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu. 32 Uye ani nani anotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu achakanganwirwa; asi ani nani anotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya. 33 Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nokuti muti unozikanwa nechibereko. 34 Vana venyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nokuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo. 35 Munhu wakanaka anobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa pafuma yakaipa anobudisa zvinhu zvakaipa. 36 Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa. 37 Nokuti nemashoko ako uchanzi wakarurama, uye nemashoko ako uchapiwa mhosva. Vanokumbira chiratidzo 38 Zvino vamwe vevanyori neveVaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri. 39 Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. 40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu. 41 Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nokuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona ari pano. 42 Mambokadzi wekuchamhembe achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano. Kutendeuka kusina kukwana 43 Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo, asi uchishaiwa. 44 Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa. 45 Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, ndokupinda ikagaramo; kugumawo kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa. Hama dzaJesu dzechokwadi 46 Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin'ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye. 47 Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi. 48 Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin'ina vangu ndivana ani? 49 Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin'ina vangu. 50 Nokuti ani nani unoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga, ndiye munin'ina wangu, nehanzvadzi, namai. 13 Mufananidzo wemukushi 1 Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi parutivi rwegungwa. 2 Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chese chakamira pamahombekombe. 3 Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha. 4 Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya. 5 Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti pakange pasina udziku hwevhu. 6 Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava. 7 Asi imwe yakawira paminzwa; minzwa ikakura, ikaivhunga. 8 Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, imwe makumi matanhatu, imwe makumi matatu. 9 Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. Mabasa emifananidzo 10 Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo? 11 Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa. 12 Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo. 13 Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona, havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi. 14 Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi. 15 Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa. 16 Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa. 17 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa. Kududzirwa kwemufananidzo wemukushi 18 Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi. 19 Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira. 20 Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro; 21 asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa. 22 Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki. 23 Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, umwe makumi matanhatu, umwe makumi matatu. Mufananidzo wemashawi nezviyo 24 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. 25 Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda. 26 Asi chipande chakati chamera nekubereka chibereko, zvino mashawi akaonekwawo. 27 Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi? 28 Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here? 29 Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyo nawo. 30 Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu. Mufananidzo wetsanga yemasitadha newembiriso 31 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha*, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make. 32 Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzese, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inoita muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo. 33 Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwese hwaviriswa. 34 Izvi zvinhu zvese Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari; 35 kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika. Kududzirwa kwemufananidzo wemashawi nezviyo 36 Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda. 37 Akapindura akati kwavari: Anokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu; 38 uye munda inyika; nembeu yakanaka, ndivo vana veushe; asi mashawi vana vewakaipa. 39 Muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa. 40 Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino. 41 Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvese nevanoita zvakaipa; 42 zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 43 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. Mufananidzo wefuma yakavanzwa 44 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvese zvaanazvo akatenga munda uyo. Mufananidzo wemaparera* 45 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadzi anotsvaka maparera* akanaka; 46 akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvese zvaakange anazvo, akaritenga. Mufananidzo wemumbure 47 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove. 48 Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze. 49 Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama, 50 uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 51 Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvese here? Vakati kwaari: Hongu Ishe. 52 Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake. Jesu unoshovorwa paNazareta 53 Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo. 54 Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba? 55 Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here? 56 Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzese here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvese? 57 Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make. 58 Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo. 14 Kuurawa kwaJohwani Mubhabhatidzi 1 Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu, 2 akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvowo mabasa esimba awa anobata maari. 3 Nokuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake. 4 Nokuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye. 5 Zvino achida kumuuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora semuporofita. 6 Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe. 7 Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti achamupa chipi nechipi chaaizokumbira. 8 Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi. 9 Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe. 10 Akatuma vanhu, akagura Johwani musoro mutirongo. 11 Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake. 12 Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, vakaenda ndokuudza Jesu. Zvuru zvishanu zvevanhu zvinopiwa kudya 13 Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari ega; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta. 14 Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo. 15 Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera kudya. 16 Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye. 17 Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri. 18 Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri. 19 Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, ndokumedura akapa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi ndokupa kuzvaunga. 20 Vakadya vese, vakaguta, vakanonga zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere. 21 Uye vakange vadya vaiva varume vanenge zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana. Jesu anofamba pamusoro pegungwa 22 Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda. 23 Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari ega kunonyengetera; akati ava madekwani, wakange ari ega ipapo. 24 Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichitambudzwa nemafungu; nokuti mhepo yakange ichipikisa. 25 Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa. 26 Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti chipoko; ndokudanidzira nekutya. 27 Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya. 28 Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura. 29 Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu. 30 Asi wakati achiona mhepo ine simba akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei! 31 Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo rudiki, unokononei? 32 Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara. 33 Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari. Jesu anoporesa paGenesareti 34 Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti. 35 Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva vakatuma shoko panyika yese iyo yakapoteredza, vakauisa kwaari vese vairwara. 36 Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vese vakabata vakaporeswa. 15 Jesu anotuka vanyori neVaFarisi pamusoro petsika dzavo 1 Ipapo kwakauya kuna Jesu vanyori neVaFarisi vachibva kuJerusarema vachiti: 2 Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika yevakuru? Nokuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa. 3 Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika yenyu? 4 Nokuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu. 5 Asi imwi munoti: Ani nani anoti kuna baba kana kuna mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibairo, 6 naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika yenyu. 7 Vanyepedzeri, Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu achiti: 8 Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni. 9 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dziri mirairo yevanhu. 10 Zvino akadanira chaunga kwaari, akati kwavari: Teererai munzwisise. 11 Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu. 12 Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti VaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here? 13 Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kudzvara chichadzurwa. 14 Varegei; vatungamiriri vakapofumara vemapofu; zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri. 15 Petro akapindura akati kwaari: Tidudzirei mufananidzo uyu. 16 Zvino Jesu akati: Imwiwo muchiri vasinganzwisisi nhai? 17 Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvese zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, uye zvinoraswa kunze? 18 Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; izvo zvinosvibisa munhu. 19 Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba. 20 Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu. Jesu anoporesa mukunda wemukadzi weKenani 21 Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni. 22 Zvino tarira, mukadzi muKenani wakabva kumiganhu iyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi! Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi. Mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni. 23 Asi haana kumupindura shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nokuti anodanidzira shure kwedu. 24 Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarasika eimba yaIsraeri. 25 Zvino akauya akamunamata achiti: Ishe, ndibatsirei. 26 Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana. 27 Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo. 28 Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyo. Jesu anoporesa vazhinji 29 Jesu ndokubva ipapo akauya parutivi rwegungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo. 30 Zvino zvaunga zvikuru zvikauisa kwaari, mhetamakumbo, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa; 31 zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri. Vanodarika zvuru zvina vanopiwa kudya naJesu 32 Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handidi kuvaindisa vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira. 33 Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai? 34 Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove diki shomanene. 35 Ndokuraira zvaunga kuti zvigare pasi pavhu. 36 Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga. 37 Vakadya vese vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere. 38 Zvino avo vakadya vakange vari varume zvuru zvina pasina vakadzi nevana. 39 Zvino wakati aregera zvaunga zvichienda, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagidhara. 16 Jesu anoramba kuratidza chiratidzo 1 VaFarisi neVaSadhusi ndokuuya vachimuidza, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. 2 Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwani munoti: Kunze kwakanaka; nokuti denga rakatsvuka. 3 Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni kuparadzanisa zviratidzo zvenguva here? 4 Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi haripiwi chiratidzo, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda. Jesu anodudzira shoko rembiriso yeVaFarisi neVaSadhusi 5 Zvino vadzidzi vakati vasvika mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa. 6 Zvino Jesu akati kwavari: Onai mungwarire mbiriso yeVaFarisi neVaSadhusi. 7 Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro nokuti hatina kutora zvingwa. 8 Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo rudiki, nemhaka yei muchirangana pakati penyu kuti hamuna kutora zvingwa? 9 Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga? 10 Kana zvingwa zvinomwe zvevanezvuru zvina, uye matengu mangani amakanonga? 11 Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti mungwarire mbiriso yeVaFarisi neVaSadhusi? 12 Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yechingwa, asi dzidziso yeVaFarisi neVaSadhusi. Petro anopupura kuti Jesu ndiye Kristu 13 Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani? 14 Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita. 15 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? 16 Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu. 17 Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga. 18 Neni ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena* haangaikundi. 19 Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga. 20 Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu. Jesu anovaudza zvekutambura kwake nerufu rwake 21 Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu. 22 Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kuva kwamuri, Ishe; izvi hazvingatongoitiki kwamuri. 23 Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu. Kutevera Jesu 24 Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. 25 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu achahuwana. 26 Nokuti munhu anobatsirwei kana akawana nyika yese, akarasikirwa nemweya wake? Kana munhu achapei kuti chive muripo wemweya wake? 27 Nokuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake. 28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingatongoraviri rufu kusvikira vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muushe hwake. 17 Kubwinya kwaJesu pagomo 1 Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu wakatora Petro naJakobho naJohwani munin'ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega. 2 Zvino akashandurwa chimiro pamberi pavo, uye chiso chake chikapenya sezuva, nenguvo dzake dzikachena sechiedza. 3 Zvino tarira, kwakaonekwa kwavari Mozisi naEria vachitaura naye. 4 Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria. 5 Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo; inzwai iye. 6 Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawa nechiso chavo, vakatya zvikuru. 7 Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya. 8 Vakati vachisimudza meso avo, havana kuona munhu, kunze kwaJesu chete. 9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa. 10 Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria anofanira kutanga kuuya? 11 Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvese. 12 Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvese zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu achatambura navo. 13 Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi. Jesu anoporesa mukomana ane zvipusha 14 Vakati vasvika kuchaunga, kwakauya kwaari munhu, akamufugamira, achiti: 15 Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nokuti ane zvipusha, anotambudzika kwazvo; nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura. 16 Uye ndakamuuisa kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumuporesa. 17 Jesu akapindura akati: Haiwa zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuisei pano pandiri. 18 Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyo. 19 Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari vega, vakati: Isu takange tisingagoni nei kuribudisa? 20 Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; hakuna chinhu chingakukonai. 21 Asi zera iri haribudi kunze chete nekunyengetera nekutsanya. Jesu anotaura zverufu rwake nekumuka kwake 22 Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu obva okumikidzwa mumaoko evanhu, 23 uye vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswa. Vakashurukirwa zvikuru. Jesu anoripa mari yetembere 24 Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here? 25 Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa? 26 Petro akati kwaari: Kuvatorwa. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka. 27 Asi kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore uvape, ive yangu neyako. 18 Mukuru paushe hwekudenga nezvigumbuso 1 Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga? 2 Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo. 3 Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga. 4 Naizvozvo ani nani anozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga. 5 Zvino ani nani anogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu anogamuchira ini. 6 Asi ani nani anogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa. 7 Ine nhamo nyika, nemhaka yezvigumbuso! Nokuti kunodikanwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye! 8 Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi. 9 Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto. 10 Chenjerai musazvidza umwe wevadiki ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga. 11 Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chakange chakarasika. Gwai rakarasika 12 Munofunga sei? Kana umwe munhu ane makwai zana, rimwe rawo rikarasika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarasika? 13 Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Anorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. 14 Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevadiki ava aparare. Kutsiura vadariki 15 Asi kana umwe wako akutadzira, enda umudzore pakati pako naye mega; kana akakunzwa, wawana umwe wako. 16 Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rese risimbiswe. 17 Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi. 18 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga. Kunyengetera pamwe 19 Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga. 20 Nokuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo. Mufananidzo wemuranda asina tsitsi 21 Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, umwe wangu uchanditadzira kangani, ndichimukanganwira? Kusvikira kanomwe here? 22 Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvikira kanomwe, asi kusvikira makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe. 23 Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, wakange achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake. 24 Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari wakange ane chikwereti chematarenda* gumi rezvuru. 25 Asi zvaakange asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe pamwe nemukadzi wake nevana, nezvese zvaakange anazvo, kuti muripo uitwe. 26 Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichakuripirai zvese. 27 Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwereti. 28 Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe wevaranda vaibata pamwe naye, wakange ane ngava kwaari remadhenario* zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe zvaunofanira. 29 Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichakuripira zvese. 30 Asi iye haana kuda, asi wakaenda, akamukanda mutirongo, kusvikira aripa chikwereti. 31 Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvakange zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvese zvakaitika. 32 Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti wakandigombetedza. 33 Ko newe hausaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi. 34 Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira aripa zvese zvakafanira kwaari. 35 Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiri umwe neumwe umwe wake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yese. 19 Kurambana kwemurume nemukadzi 1 Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko awa, akabva Garirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani. 2 Zvaunga zvikuru zvikamutevera, akazviporesapo. 3 VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi? 4 Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti iye wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi? 5 Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu achasiya baba namai, uye achanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe. 6 Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza munhu ngaarege kuparadzanisa. 7 Vakati kwaari: Mozisi wakagorairei kupa rugwaro rwekurambana, nekumuramba? 8 Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvakange zvisina kudaro. 9 Asi ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, anopomba; neanowana wakarambwa anopomba. 10 Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana. 11 Asi akati kwavari: Vese havagamuchiri shoko iri, kunze kwevakaripiwa. 12 Nokuti kune vatenwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vatenwa, vakaitwa vatenwa nevanhu; uye kune vatenwa vakazviita vatenwa nekuda kweushe hwekumatenga. Anogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire. Jesu anoropafadza vanana 13 Zvino kwakauyiswa kwaari vana vadiki, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura. 14 Asi Jesu wakati: Tenderai vana vadiki, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai. 15 Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo. Jaya mufumi 16 Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi? 17 Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo. 18 Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema; 19 kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe. 20 Jaya rikati kwaari: Izvozvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu; ndichiri kushaiwei? 21 Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere. 22 Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nokuti rakange rine nhumbi zhinji. 23 Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga. 24 Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari. 25 Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Saka ndiani angagona kuponeswa? 26 Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvese zvinobvira. 27 Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai; tichava nei? 28 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu agara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri. 29 Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi. 30 Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga. 20 Mufananidzo wevabati pamunda 1 Nokuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa. 2 Wakati atenderana nevabati padhenario* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa. 3 Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita; 4 akati kwavari: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo. 5 Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo. 6 Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rese musina chekuita? 7 Vakati kwaari: Nokuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, muchagamuchira chero zvakafanira. 8 Kuzoti ava madekwani, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvikira kune vekutanga. 9 Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenario*. 10 Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivowo vakagamuchira umwe neumwe dhenario*. 11 Vakati vagamuchira vakagunun'unira mwene weimba, 12 vachiti: Ava vekupedzisira, vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa. 13 Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenario*? 14 Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo. 15 Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here? 16 Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vachasarudzwa. Jesu anovaudza zverufu rwake nekumuka kwake 17 Jesu wakati achikwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari vega munzira, akati kwavari: 18 Tarira, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu. 19 Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu achamuka. Vana vaZebhedhi vanokumbira kuva vakuru 20 Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakanamata vachikumbira chimwe chinhu kwaari. 21 Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Taurai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu. 22 Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandava kuzonwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona. 23 Akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu. 24 Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin'ina vaviri. 25 Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vevahedheni vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo. 26 Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. 27 Zvino ani nani anoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. 28 SeMwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake huve rudzikunuro rwevazhinji. Jesu anosvinudza mapofu maviri paJeriko 29 Vakati vachibuda kubva Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera. 30 Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi! 31 Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi! 32 Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei? 33 Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe. 34 Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera. 21 Jesu anogamuchirwa paJerusarema 1 Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika kuBhetifage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri, 2 achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri. 3 Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe anozvida; pakarepo achazvitumira. 4 Izvozvi zvese zvakaitika, kuti zvizadziswe zvakataurwa nemuporofita, achiti: 5 Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wechipfuwo chemutoro. 6 Vadzidzi vakaenda, vakaita Jesu sezvaakavaraira, 7 vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo. 8 Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira. 9 Zvaunga zvakange zvakamutungamirira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDavhidhi! Wakaropafadzwa iye anouya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro! 10 Wakati apinda muJerusarema, guta rese rikazungunuswa, richiti: Ndiani uyu? 11 Zvaunga zvikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGarirea. Jesu anonatsa tembere 12 Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vese vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva. 13 Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo. 14 Zvino kwakauya kwaari mapofu nevaikamhina mutembere; akavaporesa. 15 Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaakange achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa, 16 vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makapedzeredza rumbidzo? 17 Akavasiya, akabuda panze peguta, achienda Bhetaniya, ndokurarapo. Jesu anotuka muonde wakange usingabereki 18 Kuzoti mangwanani-ngwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara. 19 Zvino wakati achiona umwe muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvikira narinhi. Pakarepo muonde ukasvava. 20 Vadzidzi vakati vachiona, vakashamisika, vachiti: Muonde wasvava pakarepo sei? 21 Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musiri vasina chokwadi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kunyange mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa. 22 Nezvese zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira. Simba raJesu rinobvepi 23 Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri? 24 Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakubvunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi. 25 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Zvino vakataurirana pakati pavo vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati kwatiri: Saka sei musina kumutenda? 26 Asi kana tikati: Kuvanhu; tinotya chaunga; nokuti vese vakatora Johwani semuporofita. 27 Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Iye ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro izvi. Mufananidzo wevana vaviri 28 Zvino munofungei? Munhu waiva nevanakomana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa. 29 Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akaenda. 30 Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda. 31 Ndeupi pavaviri akaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari. 32 Nokuti Johwani akauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kutendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende. Mufananidzo wevarimi vakaipa 33 Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva neumwe munhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, akaenda kunze kwenyika. 34 Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvake. 35 Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nemabwe. 36 Akatumazve vamwe varanda vazhinji kune vekutanga; vakavaitira saizvozvo. 37 Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu. 38 Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayeyi tibate nhaka yake. 39 Zvino vakamubata vakaposhera panze kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya. 40 Naizvozvo kana mwene wemunda wemizambiringa achisvika, uchaitei kuvarimi avo? 41 Vakati kwaari: Achaparadza zvakaipa ava vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachamupa zvibereko nenguva dzazvo. 42 Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakava musoro wekona; uku kuita kwaIshe, kunoshamisa pameso edu? 43 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo. 44 Uye anowira pamusoro pebwe iri, achavhunikanya; asi pane upi neupi warinowira richamukuya. 45 Vapristi vakuru neVaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anotaura nezvavo. 46 Zvino vakati vachitsvaka kumubata vakatya zvaunga nokuti vaimutora semuporofita. 22 Mufananidzo wemuchato 1 Zvino Jesu wakapindura akataurazve kwavari nemifananidzo, achiti: 2 Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato; 3 akatuma varanda vake kunodana vakange vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya. 4 Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabaiwa, uye zvinhu zvese zvagadzirwa; uyai kumuchato. 5 Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake pachake, umwe kukutengeserana kwake; 6 vakasara vavo vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya. 7 Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo. 8 Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira. 9 Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vese vamunowana. 10 Varanda avo vakabudira kunzira, vakaunganidza vese nekuwanda kwevavakawana, zvese vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya. 11 Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu asina kupfeka chipfeko chemuchato; 12 akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo. 13 Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 14 Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vanosanangurwa. Kuripira Kesari mutero 15 Zvino VaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura. 16 Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane VaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nokuti hamutariri chimiro chevanhu. 17 Naizvozvo tiudzei: Munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete? 18 Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri? 19 Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenario*. 20 Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ndezvani? 21 Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. 22 Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda. Vanobvunza Jesu pamusoro pekumuka kwevakafa 23 Nezuva iro kwakauya kwaari VaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza, 24 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake achawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu. 25 Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake. 26 Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvikira kune wechinomwe. 27 Pakupedzisira kwevese mukadzi akafawo. 28 Zvino pakumuka, achava mukadzi waani pavanomwe? Nokuti vese vakava naye. 29 Jesu ndokupindura, akati kwavari: Munorasika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari; 30 nokuti pakumuka havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga. 31 Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti: 32 Ini ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. 33 Zvino zvaunga zvichizvinzwa, zvakashamisika nedzidziso yake. Murairo mukuru 34 VaFarisi vakati vachinzwa kuti washaisa VaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe. 35 Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti: 36 Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo? 37 Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nemurangariro wako umwe neumwe. 38 Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru. 39 Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe. 40 Murairo wese nevaporofita zvakaremberedzwa pamirairo iyi miviri. Kristu Mwanakomana waDhavhidhi 41 Zvino VaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza, 42 achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi. 43 Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomutumidza sei muMweya kuti Ishe, achiti: 44 Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako? 45 Zvino, kana Dhavhidhi achimuti Ishe, anova mwanakomana wake sei? 46 Zvino hakuna akagona kumupindura shoko; uye kwakange kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve. 23 Jesu anotsiura vanyori neVaFarisi 1 Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake, 2 achiti: Vanyori neVaFarisi vagere pachigaro chaMozisi; 3 saka zvese chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. 4 Nokuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemunwe wavo. 5 Asi mabasa avo ese vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo; 6 vanoda chinzvimbo chakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge, 7 nekwaziso pamisika, nekunzi nevanhu: Rabhi*, Rabhi. 8 Asi imwi musaidzwa Rabhi, nokuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mese muri hama. 9 Musaidza munhu panyika baba venyu; nokuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga. 10 Musaidzwawo vadzidzisi; nokuti umwe ndiye Mudzidzisi wenyu, iye Kristu. 11 Asi mukurusa pamuri achava muranda wenyu. 12 Zvino ani nani anozvikwiridzira achaderedzwa; uye ani nani anozvideredza, achakwiridzirwa. 13 Asi mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nokuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi vanopinda kupinda. 14 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa. 15 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri. 16 Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani anopika netembere, hachisi chinhu, asi ani nani anopika negoridhe yetembere, ane ngava. 17 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Goridhe, kana tembere inoita goridhe rive dzvene? 18 Uye: Ani nani anopika nearitari, hachisi chinhu; asi ani nani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ane mhosva. 19 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Chipo kana aritari inoita chipo chive chitsvene? 20 Naizvozvo anopika nearitari, anopika nayo nezvese zviri pamusoro payo. 21 Neanopika netembere, anopika nayo, neanogara mairi; 22 neanopika nedenga, anopika nechigaro cheushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho. 23 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopa chegumi cheminte*, neadhiri*, nekumini*, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Mutongo, netsitsi, nekutendeka; izvi zvakafanira kuita nekusarega zvimwe. 24 Vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera. 25 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora. 26 MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo. 27 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda akadzudzurwa kuitwa machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yese. 28 Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi. 29 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama, 30 muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita. 31 Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana vevakauraya vaporofita. 32 Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu! 33 Imwi nyoka, zvizvarwa zvezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena? 34 Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita, nevakachenjera, nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta. 35 Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rese rakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakauraya pakati petembere nearitari. 36 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvese zvichauya pamusoro pezera iri. Jesu anochema pamusoro peJerusarema 37 Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo muzasi memapapiro, asi hamuna kuda. 38 Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo. 39 Nokuti ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni kubva zvino, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe. 24 Jesu anoporofita kuputswa kweJerusarema nekudzoka kwake 1 Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere. 2 Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvese here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi. Zviratidzo zvenguva yekupedzisira 3 Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi? 4 Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai; 5 nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji. 6 Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvese zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere. 7 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara, nematenda, nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana. 8 Asi zvese izvi kutanga kwemarwadzo. 9 Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu. 10 Zvino vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana. 11 Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji. 12 Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora. 13 Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa. 14 Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yese chive uchapupu kumarudzi ese; ipapo kuguma kuchasvika. 15 Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise), 16 zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; 17 ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make; 18 neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake. 19 Mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo! 20 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata. 21 Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve. 22 Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, mazuva ayo achapfupiswa. 23 Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda. 24 Nokuti kuchamuka vana Kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa. 25 Tarirai, ndagara ndakuudzai. 26 Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda. 27 Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu. 28 Nokuti pese-pese pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora. 29 Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa. 30 Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ese enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru. 31 Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvikira kumigumo yawo. Anovanyevera kurindira 32 Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo. 33 Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvese, zivai kuti zvava pedo pamikova. 34 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvese zvaitika. 35 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. 36 Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete. 37 Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu. 38 Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka, 39 uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vese, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu. 40 Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa. 41 Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa. 42 Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya. 43 Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe. 44 Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya. 45 Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira? 46 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo. 47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo. 48 Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya, 49 ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi, 50 ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi, 51 akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 25 Mufananidzo wevasikana gumi 1 Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani. 2 Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, vashanu vari mapenzi. 3 Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo. 4 Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo. 5 Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara. 6 Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza! 7 Zvino vasikana avo vese vakamuka, vakagadzira marambi avo. 8 Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nokuti marambi edu odzima. 9 Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera. 10 Asi vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa. 11 Zvino pashure kwakauyawo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, ishe, tizarurirei! 12 Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi. 13 Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu yaachauya. Mufananidzo wematarenda* 14 Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo. 15 Uye kune umwe wakapa matarenda* mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo rwake. 16 Uye wakagamuchira matarenda* mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu. 17 Saizvozvowo wemaviri, iye akawanawo mamwe maviri. 18 Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake. 19 Shure kwenguva refu, ishe wevaranda avo wakasvika, akagadzira zvemari navo. 20 Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu. 21 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako. 22 Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo. 23 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako. 24 Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha; 25 zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu! 26 Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha. 27 Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko. 28 Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune ane matarenda gumi. 29 Nokuti wese anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho. 30 Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira, ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. Kutonga kukuru 31 Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vese vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake. 32 Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzese; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi. 33 Achamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe. 34 Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika. 35 Nokuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira; 36 ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri. 37 Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa? 38 Takakuonai rinhi muri mweni, tikakugamuchirai, kana makashama, tikapfekedza? 39 Takakuonai rinhi muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri? 40 Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini. 41 Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake. 42 Nokuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa; 43 ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira. 44 Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai? 45 Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini. 46 Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi. 26 VaJudha vanorangana kuuraya Jesu 1 Zvakaitika Jesu apedza mashoko aya ese, akati kuvadzidzi vake: 2 Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu achatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa. 3 Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muruvanze rwomupristi mukuru wainzi Kayafasi. 4 Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya. 5 Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu. Jesu anozodzwa nemukadzi paBhetaniya 6 Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi, 7 kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri* chechizoro chinokosha zvikuru, akadururira mumusoro wake agere pakudya. 8 Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei? 9 Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo. 10 Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nokuti aita basa rakanaka kwandiri; 11 nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese. 12 Nokuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu. 13 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, izvi mukadzi zvaaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake. Judhasi Isikariyoti anotsvaka kutengesa Jesu 14 Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru, 15 akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakamutemera masirivheri makumi matatu. 16 Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira kuti amukumikidze. Pasika nechirairo chaIshe 17 Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kudya pasika? 18 Akati: Endai muguta kune umwe munhu, muti kwaari: Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika kwauri nevadzidzi vangu. 19 Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakavaraira; vakagadzirira pasika. 20 Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri. 21 Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa. 22 Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? 23 Ndokupindura akati: Anoseva ruoko neni mundiro ndiye achanditengesa. 24 Mwanakomana wemunhu anoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa. 25 Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi*, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Akati kwaari: Wataura iwe. 26 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndiwo muviri wangu. 27 Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Inwai mese pauri. 28 Nokuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukanganwirwa kwezvivi. 29 Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongonwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu. 30 Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. Jesu anoudza Petro kuti achamuramba 31 Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa. 32 Asi shure kwekunge ndamutswa, ndichakutungamirirai kuGarirea. 33 Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi. 34 Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. 35 Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vese vakadaro. Jesu muGetsemani 36 Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ndichamboenda ndinonyengetera uko. 37 Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kusuruvara nekushungurudzika. 38 Ipapo akati kwavari: Mweya wangu unosuruvara kwazvo kusvikira parufu; garai pano murinde neni. 39 Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi sezvamunoda imwi. 40 Akauya kuvadzidzi, akavawana varere, akati kuna Petro: Saka hamuna kugona kurinda neni awa rimwe here? 41 Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera. 42 Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe. 43 Akauya, akavawana vavatazve, nokuti meso avo akange orema. 44 Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo. 45 Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai murere muzorore; tarirai, awa raswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi. 46 Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo. Kusungwa kwaJesu 47 Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu. 48 Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate. 49 Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi*! Akamutsvoda. 50 Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata. 51 Uye tarira, umwe wevaiva naJesu akatandavadza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake. 52 Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti vese vanobata munondo vanoparara nemunondo. 53 Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura gumi nemaviri? 54 Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuva saizvozvo? 55 Nenguva iyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi zuva nezuva ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata. 56 Asi izvi zvese zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vese vakamusiya, vakatiza. Jesu pamberi paKayafasi nevakuru 57 Avo vakange vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo pakange paungana vanyori nevakuru. 58 Asi Petro wakamutevera ari kure kusvikira paruvanze rwemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo. 59 Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rese vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye. 60 Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zvenhema zviviri, 61 zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu. 62 Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe? 63 Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana iwe uri Kristu, Mwanakomana waMwari. 64 Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga. 65 Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake. 66 Munofungei? Vakapindura vakati: Ane mhosva yerufu. 67 Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva, vamwe vakamurova nembama, 68 vachiti: Porofita kwatiri, Kristu, ndiani wakurova? Kuramba kwaPetro 69 Petro wakange agere panze paruvanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo wakange una Jesu weGarirea. 70 Asi iye wakaramba pamberi pevese achiti: Handizivi zvaunoreva. 71 Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo wakange ana Jesu weNazareta. 72 Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu. 73 Shure kwechinguva chidiki kwakauya vakange vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; nokuti kunyange kutaura kwako kunokuratidza. 74 Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira. 75 Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvinorwadza. 27 Jesu anoiswa kuna Pirato 1 Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vese nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye. 2 Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri. Judhasi anozviuraya 3 Zvino Judhasi wakange amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, akazvidya moyo akadzosera makobiri esirivheri makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru, 4 achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risina mhosva. Vakati: Zvinei nesu? Zvionere iwe. 5 Akakanda makobiri esirivheri mutembere, akabva akaenda akanozvisungirira. 6 Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nokuti mutengo weropa. 7 Vakarangana, vakatenga nawo munda wemuumbi wehari, uve wekuviga vatorwa. 8 Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira nhasi. 9 Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivheri makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vana vaIsraeri wavakatarira mutengo; 10 vakaaripira munda wemuumbi wehari, saShe zvaakandiraira. Jesu pamberi paPirato 11 Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo weVaJudha here? Jesu akati kwaari: Unoreva iwe. 12 Asi wakati achipomerwa mhosva nevapristi vakuru nevakuru, haana kupindura chinhu. 13 Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvavanopupura kupokana newe here? 14 Asi haana kumupindura kunyange pashoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru. 15 Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada. 16 Uye nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakurumbira wainzi Bharabhasi. 17 Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei? Bharabhasi kana Jesu anonzi Kristu? 18 Nokuti wakange achiziva kuti vakange vamukumikidza negodo. 19 Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake. 20 Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu. 21 Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi. 22 Pirato akati kwavari: Ko ndichamuitei Jesu anonzi Kristu? Vese vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa. 23 Zvino mutungamiriri akati: Nokuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa! 24 Zvino Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; muchazvionera imwi. 25 Vanhu vese ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu. 26 Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa. Jesu anodadirwa nemauto 27 Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, hondo yese ikaunganira kwaari. 28 Vakamukurura, vakamupfekedza nguvo tsvuku, 29 vakati varuka korona yeminzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha! 30 Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova mumusoro wake. 31 Vakati vamuseka, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa. Jesu anorovererwa pamuchinjikwa 32 Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Vakamumanikidza uyu kuti atakure muchinjikwa wake. 33 Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndiko kuti, Nzvimbo yedehenya, 34 vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti anwe; asi wakati aravira akasada kunwa. 35 Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pechekupfeka changu. 36 Uye vakagara pasi, vakamurindapo. 37 Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA. 38 Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe. 39 Vakange vachipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, 40 vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa. 41 Saizvozvowo vapristi vakuru vachimuseka nevanyori nevakuru vachiti: 42 Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda. 43 Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nokuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari. 44 Makororowo akarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, akamuseka saizvozvo. Kufa kwaJesu 45 Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe. 46 Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri rama sabakitani?" Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei? 47 Vamwe vevakange vamirepo vakati vanzwa vakati: Uyu anodana Eria. 48 Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, akamupa kuti anwe. 49 Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa. 50 Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akapa mweya. 51 Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka. 52 Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vakange varere ikamutswa; 53 vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji. 54 Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu wakange ari Mwanakomana waMwari. 55 Nevakadzi vazhinji vakange varipo, vakatarira vari kure, vakange vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira. 56 Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi. Kuvigwa kwaJesu 57 Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu. 58 Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe. 59 Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nemucheka werineni wakachena. 60 Akauradzika muguva rake idzva, raakange achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva. 61 Uye ipapo paiva naMaria Magidharini neumwe Maria, vagere pakatarisana neguva. 62 Nezuva raitevera, raitevera zuva rekugadzirira, vapristi vakuru neVaFarisi vakaungana kuna Pirato, 63 vachiti: Ishe, tinorangarira kuti munyepedzeri uyo wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka. 64 Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvikira zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurasika kwekupedzisira kukazova kwakanyanya pane kwekutanga. 65 Pirato akati kwavari: Mune varindi, endai murichengete sezvamunoziva. 66 Vakaenda, vakanochengeta guva, vakaisa mucherechedzo pabwe, vane varindi. 28 Kumuka kwaJesu nekuzviratidza kwake 1 Zvino pakupera kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva. 2 Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro. 3 Kuonekwa kwake kwakange kwakaita semheni nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando. 4 Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa. 5 Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakange arovererwa pamuchinjikwa. 6 Haasi pano; nokuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paakange arere. 7 Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai anokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai. 8 Ndokubva, vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake. 9 Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata. 10 Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako. 11 Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvese zvakaitika. 12 Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto, 13 vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere. 14 Kana izvi zvikazikanwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika. 15 Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparadzirwa pakati peVaJudha kusvikira nhasi. 16 Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira; 17 vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona. 18 Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rese rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika. 19 Endai naizvozvo muite marudzi ese vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene; 20 muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurairai; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ese, kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni.