ShonaTeam » 1 Timothy » 4

Kutsauka panguva yekupedzisira

4Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni, 2 paunyepedzeri hwevanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo pachavo nedare rinopisa, 3 vachidzivisa kuwanana nekuraira kurega kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi. 4 Nokuti chese chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga; 5 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.

Timotio ave wakatendeka pabasa raMwari

6 Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera. 7 Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pakunamata Mwari; 8 nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya. 9 Shoko iri rakatendeka uye rinofanirwa nekugamuchirwa kwese. 10 Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vese, zvikuru weavo vanotenda. 11 Raira zvinhu izvi udzidzise. 12 Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene. 13 Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira, nepadzidziso. 14 Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri. 15 Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vese. 16 Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nokuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe pamwe nevanokunzwa.